Enda pane zvauri kuda

Hama Shamil Khakimov vachikwaziswa nehama nehanzvadzi pavari kubuda mujeri

16 MAY 2023
TAJIKISTAN

Hama Shamil Khakimov Avo Vane Makore 72 Vakabudiswa Mujeri kuTajikistan

Hama Shamil Khakimov Avo Vane Makore 72 Vakabudiswa Mujeri kuTajikistan

Musi 16 May 2023, Hama Shamil Khakimov vakabudiswa mujeri kuTajikistan. Vakadzokera kumba kwavo pashure pekugara mujeri kwemakore anopfuura 4 nemhaka yekutenda kwavo.

Vasati vasungwa muna 2019, hama Khakimov vaiva neBP, chirwere chemwoyo, nezvimwewo zvirwere. Kunyange zvazvo vaiva neutano husina kunaka, hama Khakimov havana kurapwa pavaiva mujeri. Izvi zvakaita kuti urwere hwavo huwedzere uye vakatoita chironda chinonyenga pagumbo.

Asi pasinei nekurwadza kwaiita upenyu mujeri, hama Khakimov vakaramba vachifunga mavhesi eBhaibheri ayo akaita kuti vasaore mwoyo.

Shamil Khakimov achitambirwa neshamwari dzakabata chikwangwani chakanyorwa kuti “Shamil, Tinokuda!”

Pavainyengetera, vaigara vachitaura mashoko ari pana Pisarema 141:8 anoti: “Maziso angu anotarisa kwamuri, haiwa Changamire Ishe Jehovha. Ndakapotera kwamuri.” Vakanyaradzwawo nemashoko ari pana Isaya 49:13, 16, apo panotaura kuti mazita evanotambudzika akaita ‘seakatemererwa’ muzvanza zvaJehovha. Mashoko aya akaita kuti hama Khakimov vave nechokwadi chekuti kunyange zvazvo vainge vakavharirwa mujeri, Jehovha aisazovakanganwa.

Kunyaradzwa neShoko raJehovha kwakaita kuti hama Khakimov varambe vachifara uye vakwanise kukurudzira vamwe. Imwe hama yaigara ichitaura nahama Khakimov pavaiva mujeri yakati: “Pandakatanga kuvafonera ndaitarisira kunzwa inzwi remunhu akasuruvara uye akaora mwoyo. Asi ndakanyatsonzwa kuti vaiva nekutenda kwakasimba. Pasinei nezvavaisangana nazvo, vakaramba vachifara uye vaitotikurudzirawo.”

Mariro 3:25 inoti: “Jehovha akanaka kune uya anotarisira kwaari, kumunhu anoramba achimutsvaga.” Tinoramba tichinyengetera kuti Jehovha arambe achiitira hama Khakimov ‘zvakanaka’ pamwe chete nedzimwe hama nehanzvadzi dzedu dziri kutsungirira dzichifara muTajikistan.