Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Ndingaita Sei Kuti Nditange?

Ndingaita Sei Kuti Nditange?

Ungaita sei kuti unakidzwe uye unyatsobatsirwa nekuverenga Bhaibheri? Verenga unzwe zvinhu 5 zvakabatsira vakawanda.

Nzvimbo yauchaverengera. Tsvaga nzvimbo yakanyarara. Ita kuti pasava nezvinhu zvinokuvhiringidza. Verengera pane chiedza chakakwana uye panofefetera mhepo. Izvi zvichaita kuti unyatsonzwisisa zvaunoverenga.

Iva munhu anoda kudzidza. Sezvo Bhaibheri richibva kuna Baba vedu vekudenga, kana ukaita sezvinoita mwana anoda kudzidziswa nemubereki wake, uchabatsirwa nezvaunoverenga. Kana uine mamwe mafungiro asina kunaka nezveBhaibheri, edza kuabvisa woita kuti Mwari akudzidzise.Pisarema 25:4.

Nyengetera usati watanga kuverenga. Bhaibheri rine pfungwa dzaMwari, saka tinotoda kubatsirwa naye kuti tirinzwisise. Mwari anovimbisa kuti achapa mweya mutsvene kune vaya vanomukumbira. (Ruka 11:13) Mweya mutsvene unogona kukubatsira kunzwisisa mafungiro aMwari. Nekufamba kwenguva, uchakubatsira kunzwisisa “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”1 VaKorinde 2:10.

Verenga kuti unzwisise. Usaverenga zvekuti ungopedza. Nyatsodzamisa pfungwa pane zvauri kuverenga. Zvibvunze kuti: ‘Munhu wandiri kuverenga nezvake ane unhu hwakaita sei? Zvandiri kuverenga izvi ndingazvishandisa sei muupenyu?’

Iva nezvinangwa. Kuti zvaunoverenga zvikubatsire, verenga nechinangwa chekuti udzidze chimwe chinhu. Unogona kuzviudza kuti: ‘Ndinoda kuziva zvakawanda pamusoro paMwari.’ ‘Ndinoda kuva munhu akanaka, murume akanaka kana kuti mudzimai akanaka.’ Zvadaro, chitsvaga zvikamu zveBhaibheri zvichakubatsira kuita izvozvo. *

Mazano 5 ataurwa aya achakubatsira kuti utange kuverenga Bhaibheri. Asi zvii zvaungaita kuti kuverenga kwacho kuwedzere kunakidza? Nyaya inotevera inotaura zvaungaita.

^ ndima 8 Kana usinganyatsozivi kuti ndezvipi zvikamu zvacho zveBhaibheri zvinoenderana nenyaya dzaunoda, unogona kukumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikubatsire.