Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Bhaibheri Rinofanotaura Zvichaitika Here?

Bhaibheri Rinofanotaura Zvichaitika Here?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Uprofita hweBhaibheri hunonyatsodonongodza zvichaitika here?

Mwari Wemasimbaose ndiye chete anogona kuziva zvose zvichaitika mune remangwana. (Amosi 3:7) Somuenzaniso, akagara ataura kuti kwaizouya munhu anonzi Mesiya kana kuti Kristu. Mesiya aizobva mudzinza remurume aiva akatendeka Abrahamu. Aizova mutongi aizoita kuti vanhu vanoteerera vavezve noupenyu hwakakwana husina zvirwere. (Genesisi 22:18; Isaya 53:4, 5) Munhu uyu akapikirwa aizobva kuBhetrehema.—Verenga Mika 5:2.

Jesu ndiye akazova Mesiya. Pachine makore anopfuura 700, Bhaibheri rakafanotaura kuti Mesiya aizoberekwa nemhandara uye kuti aizozvidzwa. Aizofira zvivi zvevazhinji uye aizovigwa pamwe chete nevapfumi. (Isaya 7:14; 53:3, 9, 12) Pachine makore anopfuura 500, Bhaibheri rakafanotaurawo kuti aizopinda muJerusarema akatasva mbongoro uye kuti aizotengeswa nezvidimbu 30 zvesirivha. Zvose izvi zvakaitika semataurirwo azvakanga zvaitwa.—Verenga Zekariya 9:9; 11:12.

2. Mwari anofanozivisa misi ichaitika zvimwe zvinhu here?

Bhaibheri rakagara rataura gore raizouya Mesiya pachine makore anopfuura 500. Kusvikira paizouya Mesiya, nguva yacho yaizenge yakareba vhiki dzemakore, kureva kuti “vhiki” imwe neimwe yainge yakareba makore manomwe. Paizova nevhiki nomwe uye dzimwe 62, dzobva dzaita vhiki 69 dzemakore. Saka nguva yacho yaizenge yakareba makore 483. Makore iwayo akatangira papi? Bhaibheri rinoratidza kuti akatanga mushumiri waMwari Nehemiya paakasvika kuJerusarema achibva atanga kuvaka guta racho. Zvinyorwa zvePezhiya zvinoratidza kuti iri raiva gore ra455 B.C.E. (Nehemiya 2:1-5) Jesu akazobhabhatidzwa saMesiya papera makore 483, muna 29 C.E., nguva chaiyo yakanga yafanotaurwa.—Verenga Dhanieri 9:25.

3. Uprofita hweBhaibheri hwava kuzadzika iye zvino here?

Jesu akaprofita zvinhu zvinokosha zvaizoitika munguva ino yatiri kurarama. Akaprofita nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari uhwo huchasunungura vanhu vose vanoda Mwari. Umambo uhwu huchaparadza vanhu vose vakaipa varipo iye zvino.—Verenga Mateu 24:14, 21, 22.

Uprofita hweBhaibheri hunonyatsodonongodza nguva yokuguma kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vaizoparadza nyika kusiyana nezvingatarisirwa nevanhu kuti zviitike munyika iri kuita seiri kubudirira. Matambudziko anokonzerwa nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye zvirwere, aizowedzera. (Ruka 21:11; Zvakazarurwa 11:18) Vanhu vaizoshayawo unhu. Vateveri vaJesu vaizoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kumarudzi ose munguva dzino dzakaoma.—Verenga Mateu 24:3, 7, 8; 2 Timoti 3:1-5.

4. Ramangwana revanhu richange rakamira sei?

Mwari Wemasimbaose ane zvinhu zvakanaka zvaanoda kuzoitira vanhu vakatendeka. Mesiya, Jesu Kristu achatonga nyika ari kudenga pamwe chete nevamwe vakasarudzwa. Vachaumba hurumende yoUmambo, ichatonga kwemakore 1 000. Vakafa vachamutswa uye vachapiwa mukana wokuti vawane upenyu husingaperi. Uyewo, Umambo hucharapa munhu wose anenge ari mupenyu panguva iyoyo. Zvirwere uye rufu zvichange zvisisiko.—Verenga Zvakazarurwa 5:10; 20:6, 12; 21:4, 5.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 23-25 uye 197-201 ebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? riri kuratidzwa pamufananidzo uri pano.