NHARIREYOMURINDI—YEKUDZIDZA July 2015
Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa musi wa31 August kusvika 27 September, 2015.
Vakazvipa Nemwoyo Unoda —kuRussia
Verenga nezvevanhu vakaroora nevasina vakatamira kuRussia kunoshumira kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Vakatowedzera kuvimba naJehovha!
Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere Kunaka
Paradhiso yokunamata netemberi huru yaMwari zvakafanana here? ‘Iparadhiso’ ipi yakaonekwa nomuapostora Pauro “kudenga rechitatu”?
Kushumira Jehovha ‘Mumazuva Okutambudzika’
Ungaramba sei uine kutenda kwakasimba uye uchishumira Jehovha? Funga nezvevashumiri vaJehovha vakanga vakwegura vanotaurwa muBhaibheri vakamushumira vachifara.
“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”!
Mashoko api achaziviswa kana kutambudzika kukuru kwatanga? Chii chichaitika kune vakazodzwa panguva iyoyo?
Zvinokosha Here Kuti Ndiani Anoona Basa Raunoita?
Muenzaniso waBhezareri naOhoriyabhi unotibatsira kunzwisisa chokwadi ichi chinokosha: Jehovha anoona basa ratinoita, kunyange zvikaita sekuti hapana anoriona.
Ramba Uchitsigira Umambo hwaMwari
VaKristu vangazvidzidzisa sei kuti vatsigire Jehovha noUmambo hwake?
Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
Tingaremekedza sei nzvimbo dzedu dzokunamatira? Mari yokuvaka Dzimba dzoUmambo inobva kupi?
Waizviziva Here?
Bhaibheri rinoti dzimwe nzvimbo dzaiva muNyika Yakapikirwa dzaiva nemasango. Ichocho chingava ichokwadi here kana tichitarisa kuparadzwa kwaitwa miti ikoko mazuva ano?