Kushumira Jehovha ‘Mumazuva Okutambudzika’
“UTANO hwangu hunoramba huchinditadzisa kuita zvandinoda,” anodaro Ernst uyo ava nemakore ekuma70. * Unombonzwawo saizvozvo here? Kana wakwegura uye uchinzwa kuti utano hwako nesimba zviri kuramba zvichiderera, zvichida unonyatsonzwisisa zviri muchitsauko 12 chaMuparidzi. Ndima 1 inoti kana munhu akwegura anenge ava ‘mumazuva okutambudzika.’ Kunyange zvakadaro, hazvirevi kuti hauchazombofari. Uchiri kukwanisa kurarama upenyu hunogutsa, uchishumira Jehovha uchifara.
KURAMBA UINE KUTENDA KWAKASIMBA
Imi hama nehanzvadzi dzedu makwegura, handimi mega matanga kusangana nematambudziko amuinawo. Vashumiri vaJehovha avo vakanga vakura vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vakasangana nematambudziko akadaro. Somuenzaniso, Isaka, Jakobho, naAhija vakanga vasisanyatsooni. (Gen. 27:1; 48:10; 1 Madz. 14:4) Sara akati “ndachembera,” kuratidza kuti ainzwa seakanga apera basa. (Gen. 18:11, 12) Mambo Dhavhidhi akanga ‘asisadziyirwe.’ (1 Madz. 1:1) Mumwe murume akanga akapfuma ainzi Bhazirai akanga asisanzwi kunaka kwezvokudya nekunakidza kwemimhanzi. (2 Sam. 19:32-35) Abrahamu uye Naomi vakarwadziwa nekufirwa nevadiwa vavo.
Chii chakabatsira mumwe nemumwe wavo kuti arambe akavimbika kuna Jehovha uye kuti arambe achifara? Paakanga akwegura, Abrahamu “akasimbiswa nokutenda kwake,” nokuti ainyatsovimba kuti Mwari aizozadzisa zvaakanga avimbisa. (VaR. 4:19, 20) Nesuwo tinofanira kuva nekutenda kwakasimba. Kutenda kwakadaro hakunei nezera redu, unyanzvi hwedu, kana kuti mamiriro edu ezvinhu. Somuenzaniso, kunyange paakanga ava kupera simba, asisaoni, uye asisakwanisi kubva pamubhedha wake, Jakobho akaratidza kutenda kwakasimba pane zvakanga zvavimbiswa naMwari. (Gen. 48:1-4, 10; VaH. 11:21) Imwe hanzvadzi ine makore 93 inonzi Ines, iyo ine chirwere chinoita kuti ishaye simba inoti: “Zuva nezuva ndinonzwa sekuti Jehovha ari kundikomborera chaizvo. Ndinofunga nezveParadhiso zuva rega rega. Izvozvo zvinondipa tariro.” Aya maonero akazonaka!
Kunyengetera, kudzidza Shoko raMwari, nekupinda misangano yechiKristu kunosimbisa kutenda kwedu. Kunyange akwegura, muprofita Dhanieri aigara achinyengetera katatu pazuva uye akaramba achidzidza Shoko raMwari. (Dhan. 6:10; 9:2) Chirikadzi yakanga yakwegura yainzi Ana ‘yakanga isingamboshayikwi patemberi.’ (Ruka 2:36, 37) Ukauya kumisangano pose paunenge uchikwanisa, wopindura kakawanda sezvaunogona, uchanzwa wazorodzwa uye uchazorodzawo vamwe. Uye Jehovha anofarira minyengetero yako, kunyange uine zvimwe zvausingakwanisi kuita.
Kurudziranai
Vakawanda venyu munoshuva kuti dai maziso enyu aikwanisa kuverenga uye kuti dai maiva nesimba rokuenda kumisangano, asi zvinokuomerai kana kuti hamutokwanisi. Saka mungaita sei? Nyatsoshandisai zvose zvamuinazvo. Vakawanda vasingakwanisi kuenda kumisangano vanonakidzwa nokuiteerera parunhare. Pasinei nokuti haichanyatsooni, imwe hanzvadzi yava nemakore 79 inonzi Inge, inogadzirira misangano ichishandisa mapepa ane mabhii akakura ainogadzirirwa neimwe hama yomuungano mavo.
Vakawanda havana nguva asi pamwe iwe unayo. Unokwanisa here kushandisa nguva iyoyo kuteerera zvinhu zvakarekodhwa zvakadai seBhaibheri, mabhuku, hurukuro uye madhirama? Uyewo, unogona kutanga iwe kufonera vaunonamata navo kuti uvape chipo chomudzimu uye kuti ‘mukurudzirane.’
KURAMBA UCHISHUMIRA MWARI
Paridza shoko
Imwe hanzvadzi inonzi Christa ine makore ekuma80 yakati: “Zvinorwadza chaizvo kutadza kunyatsoita zvakawanda sezvawaimbokwanisa kuita.” Saka vakwegura vangaita sei kuti varambe vachifara? Imwe hama inonzi Peter, ine makore 75 yakati, “Zvinokosha
kuva nemaonero akanaka . . . kwete kungoramba uchifunga zvausingachagoni kuita asi kuita zvaunogona.”Pane dzimwe nzira dzekuparidza dzauchiri kukwanisa kushandisa here? Imwe hanzvadzi ine makore ekuma80 inonzi Heidi haichakwanisi kuparidza paimba neimba. Kunyange yava pazera iroro, yakadzidza kunyora tsamba ichishandisa kombiyuta. Vamwe vaparidzi vakwegura vanotanga kutaura nevanhu nezveBhaibheri vakagara mupaki kana kuti pachiteshi chemabhazi. Kana wava kugara panzvimbo inochengeterwa vakwegura, unokwanisa here kuparidzira vashandi vanokuchengeta nevamwewo vanogara ipapo?
Kokawo vamwe
Mambo Dhavhidhi paakanga akwegura akatsigira kunamata kwakachena nemwoyo wose. Akaita kuti pave nevaizobatsira pabasa rekuvaka temberi uye akapa zvinhu zvekushandisa pabasa racho. (1 Mak. 28:11-29:5) Newewo unogona kutsigira zviri kuitwa mubasa reUmambo pasi rose. Wadii watsigira mapiyona kana kuti vamwe vaparidzi vanoshingaira vari muungano menyu nekuvaudza mashoko anokurudzira, kuvapa chipo chiduku, kana twokudyira-dyira twusingashamisiri? Unogonawo kunyengeterera vechiduku, mhuri, vari mubasa renguva yakazara, vari kurwara, nevaya vane zvakawanda zvekuita.
Imi vakwegura muchiri kukosha uye basa ramunoita rinokoshawo. Baba vedu vekudenga havambofa vakakusiyayi imi hama dzedu nehanzvadzi dzatinoda. (Pis. 71:9) Jehovha anokudai uye anokukoshesai. Munguva pfupi iri kutevera, makore edu acharamba achiwedzera asi tisina kana chinotirwadza kana kuti chinotitambudza. Ticharamba tichishumira Mwari wedu ane rudo Jehovha nekusingaperi, tiine simba neutano hwakanaka
^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa