Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda Mumatare Kwevanhu vaMwari!

Kukunda Mumatare Kwevanhu vaMwari!

Kukunda Mumatare Kwevanhu vaMwari!

NYAYA yacho yakatanga muna 1995, ikatora makore 15. Munguva yose iyoyo vaKristu vechokwadi muRussia vaitambudzwa nevanhu vasingafariri kuti vanhu vanamate vakasununguka. Vanhu vacho vaida kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambidzwe nomutemo muMoscow nomudzimwe nzvimbo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akakomborera hama dzedu dzokuRussia nokuita kuti dzikunde mumatare. Asi zvakambenge zvafamba sei kuti zvizosvika ipapo?

KUWANA KWAVAKAMBOITA RUSUNUNGUKO

Kutanga muna 1990 kusvika muna 1995, hama dzedu dzomuRussia dzakapiwazve rusununguko rwokunamata rwadzakanga dzatorerwa muna 1917. Muna 1991 vakanyorwa zviri pamutemo sechitendero chinozivikanwa nehurumende yeSoviet Union. Pakaparara Soviet Union, Zvapupu zvaJehovha zvakanyorwa zviri pamutemo nehurumende yeRussia. Uyezve Zvapupu zvakanga zvatambudzwa makore akanga apfuura zvakatoverengerwa nehurumende pakati pevanhu vakanzi vaidzvinyirirwa nehurumende yaimbovapo. Muna 1993, Dhipatimendi romuMoscow Rokutongwa Kwenyaya rakanyoresa Moscow Community of Jehovah’s Witnesses semazivikanirwo atinoitwa zviri pamutemo ikoko. Mugore iroro bumbiro romutemo reRussia, iro rinopa vanhu kodzero yokunamata vakasununguka, rakabva ratanga kushanda. Ndosaka imwe hama yakazoti, “Taisambofunga kuti taizofa takawana rusununguko rwakadaro!” Akazotizve, “Takanga tamirira rusununguko urwu kwemakore 50!”

Hama nehanzvadzi dzomuRussia dzakashandisa zvakanaka “mwaka wakakodzera” iwoyo nokuwedzera basa rokuparidza, uye vakawanda vakadzidza chokwadi. (2 Tim. 4:2) Mumwe mukadzi akati, “Vanhu vaifarira nyaya dzokunamata chaizvo.” Pasina nguva nhamba yevaparidzi, mapiyona, uye ungano yakawedzera. Tingatoti kubvira muna 1990 kusvika muna 1995, nhamba yeZvapupu muMoscow yakabva pa300 ikasvika pa5 000! Kuwedzera kwairamba kuchiita vashumiri vaJehovha muMoscow kwakaita kuti vanhu vasingadi rusununguko rwokunamata vashushikane. Pakati pema1990 vakabva vatanga hondo yomumatare. Hondo iyoyo yaizotora nguva yakareba yatingakamure muzvikamu zvina.

NYAYA YACHO INOTANGA KUONGORORWA

Chikamu chokutanga chakatanga muna June 1995. Rimwe boka riri muMoscow rinonyatsozivikanwa kuti rinodyidzana nechechi yeRussian Orthodox rakaendesa hama dzedu kudare richiti dzaiita zvisiri pamutemo. Boka racho rakati raiita izvi kuti ribatsire nhengo dzemhuri dzaigunun’una kuti mumwe wemumhuri mavo akanga aita Chapupu. Muna June 1996, vaongorori vakatanga kutsvaka kana paiva nemhosva, asi havana chavakawana. Kunyange zvakadaro boka iroro rakaendesazve hama dzedu kudare nenyaya imwe chete iyoyo. Nyaya yacho yakaongororwazve, zvose zvaipomerwa hama zvikashaya basa. Pasinei naizvozvo boka racho rakadzoserazve nyaya yacho kudare kechitatu. Zvapupu zvaJehovha muMoscow zvakaongororwazve, asi gweta rehurumende rakangoonazve kuti hapana nyaya. Boka iri rakaendesazve nyaya iyi kudare kechina, muchuchisi akashayazve uchapupu. Chinoshamisa ndechokuti, boka iroro rakati nyaya yacho iongororwezve. Musi waApril 13, 1998, muongorori wacho mutsva akazoti nyaya yacho yapera.

Rimwe gweta raibatsira munyaya yacho rinoti, “Pane chimwe chinhu chisinganzwisisiki chakazoitika.” Kunyange zvazvo aimiririra hofisi yemagweta ehurumende yakanga yaongorora nyaya yacho kechishanu akabvuma kuti hapana mhosva yakanga yaparwa, akati hama dzedu dzipomerwe kuti dzinokanganisa magariro evanhu. Mumiririri wacho aipomera Zvapupu zvaJehovha kuti zvaityora mutemo womuRussia newepasi pose. Muchuchisi weNorthern Administrative Circuit of Moscow akabvumirana nazvo akapomera hama kuti dzaikanganisa magariro evamwe. * Pana September 29, 1998, nyaya yacho yakatanga kutsviriridza muMoscow’s Golovinsky District Court. Chikamu chechipiri chenyaya yacho chakanga chatanga.

BHAIBHERI MUDARE REDZIMHOSVA

Mudare rakanga rakazara vanhu riri kuchamhembe kweMoscow, Muchuchisi Tatyana Kondratyeva akapomera Zvapupu achishandisa mutemo wakadzikwa muna 1997 unoti Chechi yeOrthodox, chiIslam, chiJudha, uye chiBhudha ndizvo zvitendero zvepamutemo. * Mutemo iwoyo wakaita kuti zviomere zvimwe zvitendero kunyoreswa pamutemo. Unobvumirawo matare kuvhara zvitendero zvinoita kuti vanhu vavengane. Achishandisa mutemo uyu, muchuchisi wacho akapomera Zvapupu zvaJehovha kuti zvinovenganisa vanhu uye zvinoparadza mhuri, saka zvinofanira kurambidzwa.

Rimwe gweta raimiririra hama dzedu rakabvunza kuti: “Vanhu vari muUngano yeMoscow vari kutyora mutemo ndivanaani?” Muchuchisi wacho haana kana zita raakataura. Asi akati mabhuku eZvapupu zvaJehovha anoita kuti vanhu vavenge zvimwe zvitendero. Kuti aratidze izvi, akaverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! nemamwe mabhuku (ari pamusoro apa). Paakabvunzwa kuti anoita kuti vanhu vavengane pakudini, akati: “Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa kuti ndizvo chitendero chechokwadi.”

Rimwe gweta, hama yedu, rakapa mutongi nomuchuchisi maBhaibheri, rikaverenga VaEfeso 4:5 inoti: “Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete.” Pasina nguva, mutongi, muchuchisi, negweta racho, vose vakabata maBhaibheri, vakanga vava kukurukura magwaro akadai saJohani 17:18 naJakobho 1:27. Dare rakabvunza kuti: “Magwaro aya anoita kuti vanhu vavenge zvimwe zvitendero here?” Muchuchisi wacho akati aisakwanisa kupindura nokuti akanga asiri nyanzvi yeBhaibheri. Gweta racho rakabudisa mabhuku echechi yeRussian Orthodox anotsoropodza Zvapupu zvaJehovha rikabvunza kuti: “Mashoko aya anotyora mutemo wacho here?” Muchuchisi wacho akapindura kuti: “Handina ruzivo rwokuti ndipindire pakukakavadzana kwevafundisi.”

MUCHUCHISI ANOSHAYA UCHAPUPU

Paaipomera Zvapupu kuti zvinoparadza mhuri, muchuchisi wacho akati hazvipembereri mazororo akadai seKrisimasi. Zvisinei, akazobvuma kuti mutemo womuRussia hauti vagari vemo vanotofanira kupemberera Krisimasi. Vanhu vomuRussia, kusanganisira Zvapupu zvaJehovha vanosarudza zvavanoda. Muchuchisi wacho akatiwo sangano redu ‘rinoshayisa vana nguva yokuzorora uye yokumbofarawo.’ Asi paakabvunzwa, akabvuma kuti akanga asina kumbotaura nevechiduku vane vabereki Zvapupu. Rimwe gweta parakamubvunza kana akambopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, akapindura kuti akanga asina chokunoita ikoko.

Muchuchisi wacho akauya nachiremba wepfungwa kuti azopa uchapupu. Akati kuverenga mabhuku edu kunorwarisa nepfungwa. Gweta raitimiririra parakataura kuti zvaiverengerwa dare nachiremba wacho zvakanga zvakafanana negwaro romukuru wechechi yemuMoscow, chiremba wacho akabvuma kuti zvimwe zvikamu zvakanga zvakanyatsofanana. Akati, “Tinoshandisa kombiyuta imwe chete.” Paakaramba achibvunzwa, zvakabuda pachena kuti akanga asina kumborapa Chapupu chaJehovha kana chimwe chete. Asi mumwe chiremba wepfungwa akapupurira mudare kuti akanga aongorora Zvapupu zvomuMoscow zvinopfuura 100. Akaona kuti pfungwa dzavo dzaishanda zvakanaka, uye akawedzera kuti vamwe vavo vakatowedzera kuremekedza zvimwe zvitendero pashure pokuva Zvapupu.

TAKAKUNDA ASI KWETE ZVACHOSE

Pana March 12, 1999, mutongi wacho akasarudza nyanzvi shanu kuti dziongorore mabhuku eZvapupu zvaJehovha ndokumbosendeka nyaya yacho. Asi dare remuMoscow risati raita izvi, bazi rezvemitemo rehurumende yeRussia rakanga rasarudzawo roga dzimwe nyanzvi kuti dziongorore mabhuku edu. Pana April 15, 1999, nyanzvi dzakasarudzwa nebazi iri dzakaona kuti mabhuku edu haana chaanokanganisa. Saka pana April 29, 1999, bazi iri rakanyoresa Zvapupu zvaJehovha patsva munyika iyoyo. Kunyange zvakadaro, dare remuMoscow rakaramba richiti mabhuku edu aongororwe patsva. Izvi zvaishamisa nokuti Zvapupu zvaJehovha zvainzi nebazi rezvemitemo rehurumende yeRussia chitendero chiri pamutemo asi uku zvichiongororwa nedare remuMoscow zvichinzi zvaityora mutemo!

Pakapfuura makore anenge maviri nyaya yacho isati yatangazve, uye pana February 23, 2001, Mutongi Yelena Prokhorycheva akapa mutongo. Aongorora zvakawanikwa nenyanzvi dzaakanga asarudza, akapa mutongo wokuti: “Hapana chikonzero chokurambidza basa rechitendero cheZvapupu zvaJehovha muMoscow.” Pakupedzisira hama dzedu dzakanzi dzakanga dzisina kana mhosva! Asi muchuchisi wacho akaramba mutongo wacho ndokukwidza nyaya yacho kuMoscow City Court. Papera mwedzi mitatu, pana May 30, 2001, dare iroro rakadzima mutongo wakapiwa noMutongi Prokhorycheva. Rakati nyaya yacho itongwezve nomumwe mutongi asi muchuchisi ari mumwe chete iyeye. Chikamu chechitatu chenyaya yacho chakanga chava kutanga.

TAKAKUNDWA ASI KWETE ZVACHOSE

Musi waOctober 30, 2001, Mutongi Vera Dubinskaya akatangazve kutonga nyaya yacho. * Muchuchisi Kondratyeva akadzokorora kupomera Zvapupu zvaJehovha kuti zvinovenganisa vanhu, asi akawedzera kuti kurambidza sangano reZvapupu zvaJehovha kwaiva nzira yokudzivirira nayo kodzero dzeZvapupu zvomuMoscow! Aya mashoko asina kana nomusoro wose akaita kuti Zvapupu zvose 10- 000 zvomuMoscow zvisaine chikumbiro chokuti dare risagamuchira kunyepa kwomuchuchisi kwokuti aida kuvadzivirira.

Muchuchisi akati pakanga pasina chikonzero chokuti asweropa uchapupu hwokuratidza kuti Zvapupu zvaiva nemhosva. Akati nyaya yakanga isiri pamabasa eZvapupu zvaJehovha asi yaiva pamabhuku avo nezvavanotenda. Akati aida kuti dare rinzwe uchapupu hwemutauriri wechechi yeRussian Orthodox. Asi izvozvo zvakaratidza kuti vafundisi ndivo vainyanya kukuchidzira kuti Zvapupu zvirambidzwe. Musi waMay 22, 2003, mutongi wacho akaudza dzimwe nyanzvi kuti dziongororezve mabhuku eZvapupu zvaJehovha.

Pana February 17, 2004, dare racho rakatangazve kuongorora zvakanga zvawanikwa nenyanzvi dzacho. Nyanzvi dzacho dzakati mabhuku edu anokurudzira vaverengi “kusimbisa dzimba dzavo nemhuri” uye kuti paisava nechinoratidza kuti mabhuku edu anoita kuti vanhu vavengane. Dzimwewo nyanzvi dzakabvumirana nazvo. Mumwe muzvinafundo wezvechitendero akabvunzwa kuti: “Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza?” Akapindura dare racho kuti: “Kuparidza ibasa rinotofanira kuitwa nevaKristu. Ndizvo zvinotaurwa neEvhangeri uye ndizvo zvakarayira Kristu vadzidzi vake kuti vaite, achiti ‘endai muparidze munyika dzose.’” Kunyange zvakadaro, musi waMarch 26, 2004, mutongi wacho akarambidza mabasa eZvapupu zvaJehovha zvomuMoscow. Musi waJune 16, 2004, Moscow City Court yakatsigira mutongo wacho. * Mumwe ava nemakore ari Chapupu akati nezvemutongo wacho: “Munguva yehurumende yeSoviet, munhu womuRussia aisafanira kutenda muna Mwari. Iye zvino, anofanira kuva wechechi yeOrthodox.”

Hama dzakaita sei nomutongo wacho? Dzakaita sezvakaitwa naNehemiya wemunguva yekare. Munguva yake, vavengi vevanhu vaMwari pavakaedza kumisa basa rokuvaka rusvingo rweJerusarema, Nehemiya nevaJudha havana kubvuma kumbokanganiswa naizvozvo. Asi ‘vakaramba vachivaka’ uye “vakaramba vaine shungu dzokushanda.” (Neh. 4:1-6) Hama dzedu dzomuMoscow hadzinawo kubvuma kuregedzeswa nevavengi basa rinofanira kuitwa mazuva ano, rokuparidza mashoko akanaka. (1 Pet. 4:12, 16) Vaiva nechivimbo chokuti Jehovha aizovabatsira, uye vakanga vagadzirira kupinda muchikamu chechina chehondo iyi refu yomumatare.

VAVENGI VANOWEDZERA UTSINYE

Musi waAugust 25, 2004, hama dzedu dzakatumira gwaro rokuteterera Vladimir Putin, aiva purezidhendi weRussia panguva iyoyo. Gwaro racho, iro raitaura nezvokushushikana kwadzaiita nomutongo wacho raiva mavhoriyamu 76 uye rakanga rakasainwa nevanhu 315 000. Panguva iyoyo, vafundisi veRussian Orthodox vakabva varatidza zvavaiva chaizvo. Mumwe mumiririri wevakuru vechechi yomuMoscow akati: “Tinovenga chaizvo mabasa eZvapupu zvaJehovha.” Mumwe mutungamiriri wechiMuslim akataura kuti mutongo wacho waiva “danho rinokosha uye rakanaka.”

Hazvishamisi kuti vamwe vanhu vomuRussia vakabvuma nhema dzacho vakatanga kurwisa Zvapupu zvaJehovha. Zvimwe Zvapupu zvaiparidza muMoscow zvakarohwa nezvibhakera uye nebhutsu nevavengi. Mumwe murume aiva akatsamwa akadzinga imwe hanzvadzi mune chimwe chivako, akaikava nechepakati pemusana ikawa ichirovera nomusoro. Yaitofanira kurapwa; asi mapurisa hapana zvaakaita munhu akanga airova. Zvimwe Zvapupu zvakasungwa nemapurisa, zvikatorwa mafingapirindi, mifananidzo, uye zvakachengetwa usiku hwose. Vakuru vakuru venzvimbo dzokuitira misangano muMoscow vakatyisidzirwa kuti vaizodzingwa basa kana vakaramba vachirendesa nzvimbo dzacho kuZvapupu. Pasina nguva, ungano dzakawanda dzakanga dzisisina pokuitira misangano. Ungano 40 dzaitofanira kushandisa chivako chimwe chete chine Dzimba dzoUmambo ina. Imwe ungano yaishandisa chivako ichocho yaifanira kuita Hurukuro Yavose nenguva dza7:30 mangwanani. Mumwe mutariri anofambira akati, “Kuti vaparidzi vapinde musangano uyu vaifanira kumuka na5:00, asi vakaita izvozvo zvichibva pamwoyo kwerinopfuura gore.”

“KUTI ZVIVE UCHAPUPU”

Muna December 2004, magweta edu akatsvaka rubatsiro rweEuropean Court of Human Rights kuti aratidze kuti mutongo weMoscow waipesana nomutemo. (Ona bhokisi riri papeji 6 rakanzi “Chakaita Kuti Mutongo Wakapiwa kuRussia Uongororwe kuFrance.”) Papfuura makore matanhatu, musi waJune 10, 2010, Dare racho rakapa mutongo wairatidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisava kana nemhosva! * Dare racho rakaongorora zvose zvataipomerwa rikaona kuti zvaiva zvenhema. Rakataura kuti maererano nomutemo, Russia yaisafanira “kuramba ichityora mutemo sezvakawanikwa neDare racho uye kuti yaifanira kuita zvose zvayaikwanisa kuti iripe vanhu vakatadzirwa.”—Ona bhokisi riri papeji 8 rakanzi “Mutongo Wakapiwa neDare Racho.”

Mutongo wakapiwa neDare racho uchidonongodza kudzivirira kunoita bumbiro reEuropean Convention on Human Rights mabasa eZvapupu zvaJehovha haungoshandi muRussia chete asi mune mudzimwewo nyika 46 dziri muCouncil of Europe. Chinotokosha ndechokuti kudzamiswa kwakaitwa pfungwa pakushandisa mutemo uyu kuchaita kuti vanodzidza nezvemitemo, vatongi, vanodzika mitemo, nevamwe vanoona nezvekodzero dzevanhu pasi pose vafarire kuverenga nezvemutongo wacho. Sei zvakadaro? Kuti rizopa mutongo, Dare racho rakaongorora mitongo misere yarakanga rambopa richitsigira Zvapupu zvaJehovha uyewo mimwe mitongo mipfumbamwe yaitsigira Zvapupu zvaJehovha yakapiwa nematare epamusorosoro eArgentina, Canada, Japan, Russia, South Africa, Spain, United Kingdom, uye United States. Mitongo iyoyo uye kuramba kwakaita Dare racho kupomera kwaiita muchuchisi wokuMoscow zvinopa Zvapupu zvaJehovha zviri pasi pose chombo chakasimba chokushandisa pakudzivirira kutenda kwazvo nemabasa azvo.

Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari uye kune mamwe marudzi.” (Mat. 10:18) Hondo yomumatare yakarwiwa kwemakore 15 apfuura yakapa hama dzedu mukana wokuzivisa zita raJehovha kupfuura kare muMoscow uye kune dzimwe nzvimbo. Kuongororwa kweZvapupu zvaJehovha, nyaya dzakatongwa mumatare, uye mutongo wedare renyika dzakawanda zvechokwadi zvakaita kuti ‘papiwe uchapupu’ uye zvakaita kuti “mashoko akanaka afambire mberi.” (VaF. 1:12) Zvinotoitika ndezvokuti, Zvapupu zvomuMoscow pazvinoita basa rokuparidza iye zvino, vanasaimba vakawanda vanoti, “Vanhu imi hamuna kurambidzwa here?” Mubvunzo iwoyo unowanzopa hama dzedu mukana wokupa vanasaimba mashoko akawanda nezvezvatinotenda. Zviri pachena kuti hapana muvengi anogona kumisa basa redu rokuparidza Umambo. Tinonyengeterera kuti Jehovha acharamba achikomborera uye achitsigira hama dzedu nehanzvadzi dzatinoda dziri muRussia.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nyaya iyi yakamhan’arwa musi waApril 20, 1998. Papfuura vhiki mbiri, musi waMay 5, Russia yakabvuma zviri pamutemo kushandisa bumbiro remutemo renyika dzomuEurope rokuchengetedza kodzero dzevanhu.

^ ndima 10 Musi waJune 25, 1999, Associated Press yakati: “Chechi yeRussian Orthodox ndiyo yakaita kuti mutemo wacho udzikwe, nokuti iri kutyira chinzvimbo chayo muRussia uye iri kuda chaizvo kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambidzwe.”

^ ndima 20 Sezvineiwo musi iwoyo ndipo pakakwana makore gumi kubvira pakadzikwa neRussia mutemo waiita kuti Zvapupu zvaJehovha zviverengerwe pakati pevanhu vakanzi vaidzvinyirirwa nehurumende yeSoviet.

^ ndima 22 Mutongo wacho wakabva wati sangano raishandiswa neungano dzomuMoscow rakanga risisabvumirwi. Vavengi vedu vaifunga kuti izvozvo zvaizoita kuti zviomere hama dzedu kuita ushumiri hwadzo.

^ ndima 28 Musi waNovember 22, 2010, vatongi vashanu veGrand Chamber of the European Court of Human Rights vakaramba chikumbiro cheRussia chokuti nyaya yacho ikwidzwe kwavari. Saka, mutongo wakapiwa musi waJune 10, 2010, wakabva wava wokupedzisira uye unofanira kutevedzerwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Chakaita Kuti Mutongo Wakapiwa kuRussia Uongororwe kuFrance

Musi waFebruary 28, 1996, Russia yakasaina bumbiro reEuropean Convention on Human Rights. (Musi waMay 5, 1998, Russia yakabvuma zviri pamutemo kurishandisa.) Nokusaina kwayakaita bumbiro iroro, hurumende yeRussia yakazivisa kuti vanhu vainotonga vane:

‘kodzero yokunamata vakasununguka neyokunamata vari kudzimba dzavo uye paruzhinji uye yokuchinja chitendero kana vachida.’—Chikamu 9.

‘kodzero yokutaura uye kunyora zvavanofunga uye kuzviudza vamwe.’—Chikamu 10.

‘kodzero yokuita misangano murunyararo.’—Chikamu 11.

Vanhu kana kuti masangano anenge akanganisirwa kodzero dzaanopiwa nebumbiro iri, akatenderera kumamwe matare ose pasina chabuda anogona kukwidza nyaya yacho kudare reEuropean Court of Human Rights riri muStrasbourg, kuFrance (riri kuratidzwa pamusoro apa). Rine vatongi 47, hunova ndihwo uwandu hwenyika dzakasaina bumbiro reEuropean Convention on Human Rights. Zvarinenge ratonga hazvirambwi. Nyika dzakasaina bumbiro racho dzinotofanira kutevedzera mitongo yacho.

[Bhokisi riri papeji 8]

Mutongo Wakapiwa neDare Racho

Heano mamwe mashoko muchidimbu akatorwa pamutongo weDare racho.

Chimwe chaipomerwa Zvapupu zvaJehovha kuparadza mhuri. Dare rakaona zvisina kudaro. Rakati:

“Chinoparadzanisa vanhu ndechokuti vamwe vanhu mumhuri vanenge vasingadi kubvuma uye kuremekedza chitendero chemumwe.”—Ndima 111.

Dare rakaonawo kuti hapana uchapupu hunoratidza kuti ‘tinomanikidza vanhu kufunga zvatinoda,’ ndokuti:

“Chinoshamisa ndechokuti matare [okuRussia] haana kumbotipa zita romunhu kana mumwe chete akamanikidzwa kuita zvinopesana nehana yake pachishandiswa nzira idzodzo.”—Ndima 129.

Zvapupu zvaJehovha zvaipomerwawo kuti zvinokanganisa utano hwevatendi nokuramba kwazvinoita kuwedzerwa ropa. Dare rakaramba izvozvo richiti:

“Ikodzero yomunhu wose kuzvisarudzira kubvuma kana kuramba kurapwa nemumwe mushonga kana kuti neimwe nzira. Munhu azvikurira ane pfungwa dzakakwana akasununguka kusarudza zvaanoda, somuenzaniso, kuti ovhiyiwa here kana kuti orapwa here kana kuti owedzerwa ropa here.”—Ndima 136.