Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakawana Makomborero Akawanda

Ndakawana Makomborero Akawanda

Ndakawana Makomborero Akawanda

Yakataurwa naArthur Bonno

RAIVA gore ra1951. Ini nemudzimai wangu Edith taiva pagungano reruwa patakanzwa chiziviso chokuti paizoitwa musangano wevaya vaida basa roumishinari.

Ndakati, “Handei tinonzwa!”

“Iwe Arthur, hatizvikwanisi izvo!” akapindura kudaro Edith.

“Handei kani, Edith, tinongonoteerera.”

Musangano wacho wapera, takapiwa mafomu eChikoro cheGiriyedhi.

Ndakati, “Ngatiazadze.”

“Arthur, ko mhuri dzedu?”

Papera gore nehafu, takapinda Chikoro cheGiriyedhi uye takanzi tinoshumira kuEcuador, iri kuSouth America.

Sezvamunogona kuona pakukurukura kwandaiita nomudzimai wangu pagungano iroro, ndaiva chandagwinyira uye ndaiti hapana chisingaiti. Asi Edith, aiva munhu munyoro uye ane mwero. Paaikura ari mutaundi duku rinonzi Elizabeth riri muPennsylvania kuAmerica, haana kumboenda kure nekumba kana kusangana nemunhu wokune imwe nyika. Zvaimuomera kusiya mhuri yake. Kunyange zvakadaro, akabvuma nomwoyo wose kunoshumira kune imwe nyika. Muna 1954 takasvika muEcuador uye nanhasi tiri mamishinari imomo. Mumakore ose aya tiri muno tawana makomborero akawanda. Mungada kunzwa mamwe acho here?

Ndangariro Dzinofadza

Takatanga kunoshandira muguta guru rinonzi Quito, riri mumakomo eAndes. Takatora mazuva maviri kubva kuguta reGuayaquil riri mumhenderekedzo yegungwa kusvika ikoko nechitima nemotokari, kunyange iye zvino pava kungotora maminitsi 30 nendege. Takashanda muQuito kwemakore mana atisingakanganwi. Muna 1958 takabva tapiwa chimwe chikomborero: Takakumbirwa kunoshanda mudunhu.

Panguva iyoyo, paingova nematunhu maviri maduku munyika yacho yose. Saka taishanyira ungano, uye taipedzawo vhiki dzakawanda pagore tichiparidza mumisha miduku yemo yakanga isina Zvapupu. Dzimba dzakawanda dzaiva mumisha iyoyo dzaiva dukuduku, dzisina mahwindo, uye dzichingova nemubhedha. Taitakura bhokisi raiva nepuramasitofu, pani, ndiro, dhishi, machira, maneti okuvhara umhutu, mbatya, manyuzipepa ekare, uye zvimwe zvinhu. Manyuzipepa taiavharisa mwena mumadziro kuti makonzo asapinda pamadiro.

Kunyange zvazvo dzimba idzodzo dzaiva nerima uye dzisingafadzi, tichiri kuyeuka kunakidzwa kwataiitwa nenyaya manheru takagara pamubhedha, tichidya zvokudya zvisingashamisiri zvataibikira papuramasitofu. Sezvo ndaiwanzotaura ndisina kufunga, dzimwe nguva mudzimai wangu aishandisa nguva idzodzo dzatainge takadekara kundiudza matauriro akanaka andaigona kuita nehama dzataishanyira. Ndaimuteerera, uye kushanya kwandaiita kwakaramba kuchiwedzera kudzikurudzira. Uyewo, pandaitaura zvakaipa nezvemumwe munhu ndisina kufunga aisandipindura. Saka ndakadzidza kusafunga zvakaipa nezvehama dzangu. Asi taiwanzokurukura zvatainge tadzidza munyaya dzeNharireyomurindi uye zvainge zvaitika mubasa zuva iroro. Pane zvinhu zvinozonakidza zvaiitika!

Mawaniro Atakaita Carlos

Muguta reJipijapa, riri nechokumadokero muEcuador, takapiwa zita remunhu aifarira anonzi Carlos Mejía, asi hatina kupiwa kero. Tichibva pamba patairoja mangwanani iwayo, taisaziva pokutangira kumutsvaka, saka takangotanga kufamba. Usiku hwakanga hwapfuura kwakanga kwanaya chaizvo, saka taifanira kunzvenga makomba akawanda aiva nemadhaka mumigwagwa isina tara. Ndaiva mberi pandakazonzwa mudzimai wangu ava kuchema achishevedzera kuti, “Arthur!” Ndakatendeuka ndikaona Edith anyura mumadhaka matema kusvika mumabvi. Pasina kuti aida kubuda misodzi, ndingadai ndakaputika kuseka.

Ndakakwanisa kumubudisa mumadhaka asi shangu dzake dzakasaramo. Chimwe chikomana nechisikana vakanga vakatarira, saka ndakavati, “Ndinokupai mari kana mukabudisa shangu dzacho mumadhaka.” Pasina kana nguva, vakadzibudisa, asi Edith aida pokugezera. Amai vevana vacho vaiona zvaiitika, saka vakatipinza mumba mavo, vakabatsira mudzimai wangu kugeza makumbo vana vacho vachigeza shangu dzaiva nemadhaka. Tisati taenda, chimwe chinhu chakanaka chakaitika. Ndakabvunza mukadzi wacho kana aiziva kwataigona kuwana murume anonzi Carlos Mejía. Achishamisika, akati, “Murume wangu.” Chidzidzo cheBhaibheri chakazotangwa, uye vose vemhuri iyoyo vakazobhabhatidzwa. Papera makore, Carlos, mudzimai wake nevana vaviri vakava mapiyona chaiwo.

Matambudziko Pakufamba Asi Tichigamuchirwa Zvinofadza

Kufamba mubasa redunhu kwaiva nematambudziko. Taishandisa mabhazi, zvitima, marori, magwa, uye ndege duku. Takamboenda nemutariri weruwa John McLenachan, nemudzimai wake Dorothy kunoparidza mumisha yevanhu vanobata hove pedyo nemuganhu weColombia. Takaenda neigwa raiva neinjini. Hove huru dzinonzi shark dzakaenzana neigwa racho dzaifamba dziri pedyo nesu. Kunyange mutyairi wacho aiziva basa rake akavhunduka noukuru hwadzo akabva angodzosa igwa racho pedyo nokumhenderekedzo.

Asi matambudziko ataisangana nawo mudunhu aisava chinhu kana tichienzanisa nemakomborero atakawana. Takasvika pakuziva hama dzakanaka, dzaitikoka kumisha yadzo. Kakawanda mhuri dzataigara nadzo dzaitimanikidza kudya katatu pazuva, asi idzo dzichidya kamwe chete. Kana kuti vaiti tirare pamubhedha ivo vachirara pasi. Mudzimai wangu aiwanzoti, “Hama nehanzvadzi idzi dzinodiwa dzinondibatsira kuona kuti muupenyu hamudiwi zvinhu zvakawanda.”

‘Hatidi Kuramba Ropafadzo’

Muna 1960 takawana chimwe chikomborero chokunoshanda pahofisi yebazi muGuayaquil. Ini ndaitungamirira basa pabazi, Edith achishanda muushumiri neungano yaiva pedyo. Zvokushanda muhofisi zvaive kure neni, saka ndaiona sendisina unyanzvi hwebasa racho, asi sezvinoratidzwa naVaHebheru 13:21, Mwari anotishongedza ‘nezvinhu zvose zvakanaka kuti tiite zvaanoda.’ Papera makore maviri, ndakakokwa kunopinda kosi yeGiriyedhi yemwedzi gumi yaizoitirwa paBheteri kuBrooklyn, New York. Panguva iyoyo, madzimai aitarisirwa kusara vari kumabasa avo. Mudzimai wangu akatambira tsamba yakabva kuBrooklyn. Akakumbirwa kuti anyatsofunga kana aida kubvuma kusara ari oga kwemwedzi gumi.

Achipindura, Edith akanyora kuti: “Ndine chokwadi kuti izvi zvakaoma chaizvo, asi tinoziva kuti Jehovha achatibatsira kukunda chero matambudziko angamuka. . . . Hatidi kuramba chero ropafadzo dzatingapiwa kana chero mukana wokuti tikwanise kuita mabasa edu zviri nani.” Pandaiva kuBrooklyn, vhiki yoga yoga ndaitambira tsamba yaibva kumudzimai wangu.

Kushumira Pamwe Nehama Dzakatendeka

Nemhaka yokurwara, muna 1966 ini naEdith takadzokera kuQuito kwatakanotangazve basa roumishinari tichishanda nehama nehanzvadzi dzeko. Zvechokwadi vaiva vanhu vakaperera kuna Mwari!

Imwe hanzvadzi yakatendeka yaiva nemurume akanga asiri Chapupu uyo aigara achiirova. Rimwe zuva, na6:00 mangwanani, mumwe munhu akatifonera achitiudza kuti hanzvadzi iyi yakanga yarohwazve. Ndakamhanyira kumba kwehanzvadzi yacho. Pandakaiona, ndakavhunduka. Yakanga irere pamubhedha, muviri wakazvimba wakakuzvuka-kuzvuka. Yakanga yarohwa nemurume wayo nemubato webhurumu kusvikira watyoka. Pava paye zuva iroro, ndakazowana murume wacho ari pamba ndikamuudza kuti akanga aita zvoumbwende. Akakumbira ruregerero kasingaperi.

Kumavambo kwema1970, utano hwangu hwakavandudzika uye takatanga basa romudunhu. Guta reIbarra raiva mudunhu redu. Patakashanyira guta iroro ma1950 ava kunopera, maingova neZvapupu zviviri, mumishinari neimwe hama yemo. Saka taida chaizvo kuonana nevatsva vakawanda vakanga vava muungano yacho.

Pamusangano wedu wokutanga, Hama Rodrigo Vaca vakaenda pachikuva vakapa hurukuro yaisanganisira kukurukura nevateereri. Pose pavaibvunza mubvunzo, panzvimbo pokuti vateereri vasimudze maoko, vaishevedzera kuti “Yo, yo!” (“Ini, ini!”) Ini naEdith takatarisana tichishamisika. Ndakati nechomumwoyo, ‘Chii chiri kuitika muno?’ Takazoziva kuti Hama Vaca havaoni asi vanoziva manzwi evanhu vari muungano pavanoshevedzera. Ivo mufudzi anonyatsoziva makwai ake! Izvi zvakatiyeuchidza mashoko aJesu ari pana Johani 10:3, 4, 14 nezvoMufudzi Akanaka nemakwai ake vanozivana kwazvo. Iye zvino muIbarra mava neungano nhanhatu dzechiSpanish, imwe chete yechiQuichua, uye imwe chete yomutauro wemasaini. Hama Vaca vachiri kushumira vakatendeka somukuru uye piyona chaiye. *

Tinoonga Zvikomborero zvaJehovha

Muna 1974 takawanazve chimwe chikomborero chaJehovha patakakumbirwa kudzokera kuBheteri kwandakanopiwazve basa rokutungamirira ndikazogadzwa kuti ndive muDare Rebazi. Pakutanga Edith aishanda mukicheni, uye pava paye akatanga kushanda muhofisi achiona nezvematsamba uye ndimo maachiri.

Mumakore ose aya, takafara kugamuchira mazana emamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi, avo vanobatsira ungano nokusimba kwavo pakunamata uye kushingaira kwavo. Tinokurudzirwawo nezviuru zvehama nehanzvadzi dzakabva kunyika dzinopfuura 30 kuti dzizoshumira munyika ino. Tinokangwa mate mukanwa nokuzvipira kwavo. Vamwe vakatengesa dzimba nemabhizimisi kuti vauye kuzoshumira kuno munzvimbo dzinoda vaparidzi voUmambo vakawanda. Vakatenga motokari dzokufambisa vachinoparidza kunzvimbo dziri kure, vakatanga ungano itsva, uye vakabatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo. Hanzvadzi dzisina kuroorwa dzakawanda dzakauya dzichibva mhiri kwemakungwa kuti dzipayone muno, zvechokwadi idzo vashandi vanoshingaira uye vane unyanzvi!

Chokwadi, ndakawana makomborero akawanda mumakore ose aya ndichishumira Mwari. Chikuru chacho kuva noukama naJehovha. Ndinoongawo kuti Jehovha akandipa “mubatsiri.” (Gen. 2:18) Pandinotarira makore anopfuura 69 atange tiri murume nomudzimai, ndinofunga nezvemashoko aZvirevo 18:22 anoti: “Kune awana mudzimai akanaka here? Munhu iyeye awana chinhu chakanaka.” Change chiri chinhu chinofadza kugara naEdith. Akandibatsira pane zvakawanda chaizvo. Akaratidzawo kuti mwanasikana ane rudo kuna amai vake. Kubvira patakasvika muEcuador, mudzimai wangu ainyorera amai vake tsamba vhiki yoga yoga kusvikira muna 1990 pavakashaya vava nemakore 97.

Ndava nemakore 90 uye Edith ane 89. Tinokoshesa mufaro watakawana pakubatsira vanhu vanenge 70 kuti vasvike pakuziva Jehovha. Zvechokwadi tinofara kuti takazadza mafomu aya eChikoro cheGiriyedhi makore 60 apfuura. Zvatakasarudza izvozvo zvakaita kuti tive neupenyu hwakazara nemakomborero.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 29 Nyaya youpenyu hwaHama Vaca iri muAwake! yaSeptember 8, 1985.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tiri muYankee Stadium kuNew York nemamwe mamishinari ekirasi yeGiriyedhi, muna 1958

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tashanyira imwe mhuri yeZvapupu tiri mubasa redunhu, muna 1959

[Mufananidzo uri papeji 32]

Tiri pabazi muEcuador, muna 2002