Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unganoshumira Kusina Vaparidzi voUmambo Vakawanda Here?

Unganoshumira Kusina Vaparidzi voUmambo Vakawanda Here?

Unganoshumira Kusina Vaparidzi voUmambo Vakawanda Here?

“Taiva neupenyu hwakanaka tiri kuUnited States asi tainetseka kuti kunyanya kutsvaka pfuma kwaiitwa ikoko kwaizotikanganisa isu nevanakomana vedu vaviri. Ini nomudzimai wangu takanga tambova mamishinari, uye taidazve kuva neupenyu hwakadaro husina zvakawanda asi huchifadza.

CHIDO ichocho chakaita kuti mugore ra1991 Ralph naPam vasarudze kunyorera tsamba kumapazi akawanda vachiratidza chido chavo chokunoshumira kusina vaparidzi voUmambo vakawanda. Hofisi yebazi rokuMexico yakavapindura ichiti kwaitodiwa vaparidzi voUmambo nokukurumidza kuti vanoparidzira ndima yomutauro weChirungu iri munyika iyoyo. Kutaura zvazviri, bazi racho rakati ndima iyoyo yakanga “yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35) Pasina nguva ngani, Ralph naPam nevanakomana vavo, mumwe aiva nemakore 8 mumwe 12 panguva iyoyo, vakabvuma chikumbiro ichi uye vakatanga kugadzirira kuti vatamire kunyika iyi.

Ndima Yakakura

Ralph anorondedzera kuti: “Tisati tabva kuUnited States, dzimwe hama nehanzvadzi dzaiva nevavariro dzakanaka dzakatiudza kuti: ‘Kutamira kune imwe nyika kune ngozi!’ ‘Ko kana mukanorwara?’ ‘Mungatamira kunoparidzira ndima inotaura mutauro weChirungu? Vanhu vanotaura Chirungu ikoko havasi kuzofarira chokwadi!’ Kunyange zvakadaro, takanga tazvipira. Kupfuura zvose, chisarudzo chedu chokutama chakanga chisiri chechivhundumukira. Takanga tava nemakore tichizvironga. Takanga tarega kuita zvikwereti zvaizotora nguva yakareba tichibhadhara, takanga tachengeta mari, uye kakawanda semhuri takanga takurukura zvinetso zvataizogona kusangana nazvo.”

Ralph nemhuri yake vakatanga kushanyira bazi rekuMexico. Hama dzeikoko dzakavaratidza mepu yenyika yacho yose ndokuvaudza kuti, “Iyi ndiyo ndima yenyu!” Mhuri yacho yakasarudza kunogara kuSan Miguel de Allende, guta rine vanhu vakati wandei vanobva kune dzimwe nyika riri makiromita 240 kubva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweguta guru reMexico. Pava nemakore matatu vasvika, pakabva patangwa ungano yomutauro weChirungu yaiva nevaparidzi 19 muguta iroro. Ndiyo yaiva ungano yokutanga yeChirungu kuMexico, asi pakanga pachine basa.

MuMexico munogara zvizvarwa zvokuUnited States zvingangosvika miriyoni imwe chete. Uyewo mune zvizvarwa zvemo zvakadzidzira mabasa epamusoro uye vana vechikoro vanotaura Chirungu kuwedzera kururimi rwaamai vavo. Ralph anotsanangura kuti: “Takanyengetera kuti tiwane vamwe vashandi. Taigara tiine rimwe kamuri rokuti hama nehanzvadzi dzigogara kana dzauya kundima yedu kuzoita sedziri ‘kusora nyika.’—Num. 13:2.

Vakararama Vasina Zvakawanda Kuti Vawedzere Ushumiri Hwavo

Hapana kutora nguva yakareba hama nehanzvadzi dzaida kuwedzera ushumiri hwadzo dzisati dzasvika. Bill naKathy ndevamwe vacho, vaibva kuUnited States. Vakanga vatova nemakore 25 vachishanda kundima dzainge dzisina vaparidzi vakawanda. Vakanga vari kufunga zvokudzidza mutauro wechiSpanish, asi zvavaifunga zvakabva zvaenda musango pavakatamira kutaundi reAjijic riri kumahombekombe kwenyanza inonzi Chapala, kunogara vakawanda vokuUnited States vari pamudyandigere. Bill anotsanangura kuti, “KuAjijic taishanda nesimba kutsvaka vanhu vanotaura mutauro weChirungu vaida kudzidza chokwadi.” Makore maviri asati apera kubva pavakasvika muguta iroro, Bill naKathy vakafara kuona ungano yechipiri yomutauro weChirungu ichitangwa kuMexico.

Ken naJoanne vanobva kuCanada vaida kurarama vasina zvakawanda uye kuzvipira kuwedzera nguva yokuparidza. Vakabva vatamirawo kuMexico. Ken anorondedzera kuti, “Zvakatitorera nguva yakareba kuti tijaire kugara munzvimbo inenge isina mvura inodziya, magetsi, uye foni kwemazuva.” Zvisinei kuparidzira kwaiita kuti tifare. Munguva pfupi Ken akagadzwa somushumiri anoshumira uye papera makore maviri, akazogadzwa somukuru. Pakutanga zvakanga zvakaomera mwanasikana wavo Britanny kuva muungano duku yomutauro weChirungu uye yaiva nevechiduku vashoma. Asi paakatanga kushanda muzvirongwa zvokuvaka Dzimba dzoUmambo, akabva awana shamwari dzakanaka uye dzakawanda munyika yacho yose.

Patrick naRoxanne, vanobva kuguta reTexas kuUnited States, vakafara chaizvo pavakanzwa nezvendima yaiva pedyo yavaizonoshanda semamishinari yaiva nevanhu vanotaura Chirungu. Patrick anoti, “Patakashanyira guta riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweMexico rinonzi Monterrey, takaona kuti ndiJehovha aiti tinobatsira ikoko.” Mazuva mashanu asati apera vakakwanisa kutengesa imba yavo yaiva kuTexas ndokubva vaita sokuti ‘vayambukira kuMakedhoniya.’ (Mab. 16:9) KuMexico kuwana chouviri kwakanga kwakaoma, asi mumakore maviri vakafara kuona boka duku reZvapupu 17 richikura kuva ungano yevaparidzi 40.

Jeff naDeb ndevamwe vakararama vasina zvakawanda kuitira kuti vawedzere ushumiri hwavo. Vakatengesa sabhabha ravo raiva kuUnited States vakatamira mufurati duku kuguta rinonzi Cancún, riri kumabvazuva kwemahombekombe ekuMexico. Vaiva vajaira kupindira magungano muzvivako zvaitonhorera kana kuchipisa uye zvaidziya kana kuchitonhora pedyo nekwavaigara. Iye zvino vakanga vava kufanira kufamba maawa masere kuti vanopinda gungano romutauro weChirungu raitova pedyo nekwavaiva raiitirwa munhandare isina denga. Asi vakafara chaizvo kuona muCancún muchitangwa ungano ine vaparidzi vanosvika 50.

Dzimwe hama nehanzvadzi dziri zvizvarwa zvokuMexico dzakatanga kubatsira kuparidzira neChirungu. Somuenzaniso Rubén nemhuri yake pavakanzwa kuti ungano yokutanga yomutauro weChirungu yakanga yaumbwa kuSan Miguel de Allende uye kuti ndima yavo iMexico yose, havana kudya manonoko, vakabva vasarudza kunobatsira. Izvi zvaireva kudzidza Chirungu, kujaira tsika dzacho uye kuita rwendo rwemakiromita 800 vhiki imwe neimwe kuti vapinde misangano. Rubén anorondedzera kuti: “Takafara kuparidzira vanhu vanobva kune dzimwe nyika vava nemakore vari muMexico asi vakanzwa mashoko akanaka nomutauro wavo kokutanga. Vamwe vavo vakasvika pakudonha misodzi nokufara.” Pashure pokunge vabatsira ungano yomuSan Miguel de Allende, Rubén nemhuri yake vakava mapiyona kuguta reGuanajuato, kuMexico, kwavakabatsira kutanga ungano yomutauro weChirungu ine vaparidzi vanopfuura 30. Iye zvino vari kushumira neboka romutauro weChirungu riri muguta reIrapuato pedyo neGuanajuato.

Kuparidzira Vaya Vanonetsa Kuwana

Kunze kwevanhu vokune dzimwe nyika, kune zvizvarwa zvokuMexico zvakawanda zvinotaura Chirungu. Kazhinji zvakaoma kuvaudza shoko roUmambo nokuti vanogara mumasabhabha uye vasikana vebasa ndivo vatinongoona. Kana zvikaitika kuti varidzi vemba ndivo vatawana havawanzofariri kuteerera mashoko edu nokuti vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha kapoka kaduku komunyika iyoyo. Asi kana varidzi vemba ava vakaparidzirwa neZvapupu zvinobva kunze kwenyika, vamwe vavo vanoteerera zvakanaka.

Chimbofunga nezvemuenzaniso waGloria anogara muguta reQuerétaro riri nechepakati peMexico. Anotsanangura kuti: “Ndakamboparidzirwa neZvapupu zvinotaura mutauro wechiSpanish asi handina kuvateerera. Zvisinei, apo mhuri yangu neshamwari vakatanga kuva nezvinetso, ndakaora mwoyo chaizvo ndikanyengetera kuna Mwari ndichimuteterera kuti andibatsire. Pasina nguva ngani mumwe mukadzi aitaura Chirungu akasvika pamba pangu. Akabvunza kana pane aitaura Chirungu pamba. Nemhaka yokuti aibva kune imwe nyika, ndaida kunzwa kuti ari kutaura nezvei, saka ndakamuudza kuti ndinochigona. Paaitaura ndaingoti, ‘Mukadzi uyu wokuAmerica ari kudeiko kuno?’ Asi ndakanga ndambokumbira Mwari rubatsiro. Zvimwe mukadzi uyu ndiye akanga ari mhinduro yomunyengetero wangu.” Gloria akabvuma kudzidziswa Bhaibheri uye akafambira mberi nokukurumidza akabva abhabhatidzwa pasinei nokushorwa kwaaiitwa nemhuri yake. Iye zvino Gloria ndipiyona wenguva dzose, uye murume wake nemwanakomana wake vari kunamatawo Jehovha.

Zvikomborero Kune Vanowedzera Ushumiri Hwavo

Kushanda kusina vaparidzi voUmambo vakawanda hakusi nyore, asi zvikomborero zvacho hazviperi. Ralph ambotaurwa patangira nyaya ino anoti: “Taidzidza Bhaibheri nevanhu vanobva kuBritain, kuChina, kuJamaica, kuSweden, kunyange vemumhuri yemadzimambo ekuGhana. Vamwe vatakadzidza navo Bhaibheri vakasarudza basa renguva yakazara. Kwemakore ose aya mhuri yedu yaona kuvambwa kweungano nomwe dzeChirungu. Vanakomana vedu vose vari vaviri vakatanga kupayona nesu, uye iye zvino vari kushanda paBheteri kuUnited States.”

Izvezvi, muMexico mune ungano 88 dzomutauro weChirungu uye mapoka akawanda. Chii chakaita kuti dzikurumidze kuwedzera kudaro? Vanhu vakawanda vari muMexico vanotaura Chirungu vakanga vasati vamboparidzirwa neZvapupu. Vamwe vaiteerera nokuti hapana chaivavhiringidza kana tichienzanisa nezvaizoitika dai vaiva kumusha kwavo. Vamwewo vakabvuma kudzidza Bhaibheri nokuti vakanga vava pamudyandigere saka vaiva nenguva yokuita zvokunamata. Uyezve, vanopfuura chikamu chimwe chete pazvitatu chevaparidzi vari muungano dzinotaura Chirungu mapiyona, izvi zvinobva zvawedzera kushingaira uye kukura kweungano dzacho.

Zvikomborero Zvauchawana

Hazvina mubvunzo kuti vanhu vakawanda vachateerera pavanonzwa mashoko oUmambo achiparidzwa mumutauro wavo. Zvinokurudzira chaizvo kuona kuti hama nehanzvadzi dzakawanda, vaduku nevakura uye vakaroora nevasina vanoda zvokunamata vari kuzvidira kuenda kunzvimbo dzisina vazivisi voUmambo vakawanda. Ndezvechokwadi kuti vanogona kusangana nezvinetso, asi hapana zviripo kana zvikaenzaniswa nemufaro wavanowana pavanotsvaka vane mwoyo yakatendeseka vanoda zvokudzidza chokwadi cheBhaibheri. Ungagadzirisa here mararamiro ako zvoita kuti ukwanise kutamira kunharaunda yomunyika mako kana kuti kune imwe nyika kusina vaparidzi voUmambo vakawanda? * (Ruka 14:28-30; 1 VaK. 16:9) Kana zvakadaro, ungava nechokwadi chokuti uchawana zvikomborero zvakakura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 21 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokunoshumira kusina vaparidzi vakawanda, ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 111-112.

[Bhokisi riri papeji 21]

Zvapupu Zvinofara Zviri Pamudyandigere Zvinokwezva Vamwe

Beryl akatamira kuCanada achibva kuBritain. Ari ikoko aiva maneja wemakambani akawanda ari munyika dzakawanda. Aivawo nyanzvi yokutasva mabhiza uye akatosarudzwa kuti amiririre Canada kumakwikwi eOlympics muna 1980. Pavakanga vava pamudyandigere kuChapala, Mexico, Beryl nomurume wake vaiwanzonodyira kumaresitorendi eikoko. Paakacherechedza vamwe vaiva pamudyandigere vaitaura Chirungu vachiratidza kufara, akanozvisuma kwavari akavabvunza kuti vakanga vari kuitei muMexico. Kazhinji kacho vanhu ava vaidya vachifara vaiva Zvapupu zvaJehovha. Beryl nomurume wake vakafunga kuti kana kuziva Mwari kuchiita kuti vafare uye vave nechinangwa muupenyu, vaidawo kumuziva. Apinda misangano yechiKristu kwemwedzi inoverengeka, Beryl akazobvuma kudzidza Bhaibheri uye akava Chapupu. Kwemakore anoverengeka, Beryl akakwanisa kuva piyona wenguva dzose.

[Bhokisi riri papeji 22]

“Takakomborerwa Kuva Navo”

Hama dzomunyika inenge yatamirwa nevaya vanenge vauya kusina vaparidzi voUmambo vakawanda dzinovaonga chaizvo. Imwe hofisi yebazi rokuCaribbean yakanyora kuti: “Kana mazana evokune dzimwe nyika ari kuno akabva, ungano hadzingarambi dzakatsiga. Takakomborerwa Kuva Navo.”

Shoko raMwari rinoti “vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.” (Pis. 68:11) Saka hazvishamisi kuti hanzvadzi dzakawanda dzisina kuroorwa dzinoshumirawo kune dzimwe nyika. Hanzvadzi idzodzo dzakazvipira dzinobatsira chaizvo. Imwe hofisi yebazi yokumabvazuva kweEurope yakacherechedza kuti: “Ungano dzedu dzakawanda dzine hanzvadzi zhinji, dzimwe nguva 70 pazana roga roga. Vakawanda vacho vatsva muchokwadi, asi hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinopayona dzakabva kune dzimwe nyika dziri kubatsira chaizvo kudzidzisa vatsva ava. Hanzvadzi idzi dzinobva kune dzimwe nyika chipo chaicho kwatiri!”

Hanzvadzi idzodzo dzinonzwa sei nezvokushanda kune dzimwe nyika? “Zvinetso zvacho zvakawanda,” anodaro Angelica, hanzvadzi ine makore okuma30 yakashanda kune imwe nyika kwemakore anoverengeka iri piyona asina kuroorwa. “Kumwe kwandakamboshanda, ndaifamba nomunzira dzine madhaka uye ndaigara ndichingoona vanhu vanotambura, izvo zvaindiodza mwoyo. Asi ndaigutsikana nokubatsira vanhu muushumiri. Ndakabayiwa mwoyo nemashoko okutenda ehanzvadzi dzomunharaunda yacho idzo dzaiwanzonditenda kuti ndakauya kuzodzibatsira. Imwe hanzvadzi yakandiudza kuti muenzaniso wangu wokuuya kunyika yake kuzoshanda sapiyona ndiwo wakamuita kuti atangewo basa renguva yakazara.”

Sue, piyona achangosvitsa makore 50, anoti: “Unototarisana nematambudziko chete, asi hapana zviripo kana wava kuaenzanisa nezvikomborero zvaunowana. Ushumiri hwacho hunonakidza! Sezvo ndichipedza nguva yakawanda muushumiri nehanzvadzi dzechiduku, ndinodziudza zvandinenge ndadzidza muBhaibheri uye mumabhuku edu nezvokukunda kwadzingaita zvipingamupinyi. Dzinowanzondiudza kuti muenzaniso wangu wokukurira matambudziko ndichishumira kwemakore akawanda sapiyona asina kuroorwa unovabatsira kuona kuti ivowo vanogona kukurira matambudziko oupenyu hwavo. Kubatsira hanzvadzi idzi kunoita kuti ndigutsikane chaizvo.”

[Mepu iri papeji 20]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

MEXICO

Guanajuato

Irapuato

Chapala

Ajijic

Lake Chapala

Monterrey

San Miguel de Allende

Querétaro

MEXICO CITY

Cancún

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vamwe vanofara kupupurira vanhu vokune dzimwe nyika vari kunzwa mashoko akanaka nomutauro wavo kokutanga