Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ungano inofanira kuitei kana muKristu anotyaira motokari akaita tsaona inoguma nokufa kwevamwe?

Ungano ingada kuona kana mutyairi aine mhosva yeropa nokuti haifaniri kupiwa mhosva nenzanga. (Dheuteronomio 21:1-9; 22:8) Mutyairi anopinda mutsaona inoguma nokuuraya munhu angava nemhosva yeropa kana anga asingangwariri kana kuti akaputsa nemaune mumwe wemitemo yaKesari yokuchengeteka uye yomumugwagwa. (Mako 12:14) Asi pane zvimwe zvinhu zvinoda kufungwa nezvazvo.

Muurayi aitizira kune rimwe remaguta okupotera aIsraeri aifanira kutongwa. Pazvaionekwa kuti akanga asina kuuraya nemaune, aibvumirwa kuramba ari muguta racho, kuti asaurayiwa nomutsivi weropa. (Numeri 35:6-25) Saka kana muKristu akaurayisa mumwe munhu mutsaona, vakuru vanofanira kuongorora nyaya yacho kuti vaone kana aine mhosva yeropa. Zvichaitwa neungano hazvibvi pakuti hurumende inoona sei kana kuti dare richasarudza zvipi.

Somuenzaniso, dare ringati munhu wacho ane mhosva yokutyora mimwe mitemo yomumugwagwa, asi vakuru vanenge vachiongorora vangasarudza kuti haana mhosva yeropa nokuti mutyairi haana zvaaigona kuita mumamiriro acho ezvinhu akazoguma nokufa kwomunhu. Zvisinei, kunyange kana dare rikati mhosva yacho yapera, vakuru vangagumisa kuti chaizvoizvo ane mhosva yeropa.

Zvinosarudzwa nevakuru vanenge vachiongorora nyaya yacho zvinofanira kubva muMagwaro uye pachokwadi chakanyatsojeka—kubvuma mhosva kwomutyairi wacho uye/kana kuti kupupurira kwevanhu vaviri kana vatatu vakavimbika vakaona tsaona yacho. (Dheuteronomio 17:6; Mateu 18:15, 16) Kana vakaona kuti ane mhosva yeropa, dare rokutonga rinofanira kuumbwa. Kana dare racho rikasarudza kuti munhu wacho ane mhosva yeropa apfidza, achatsiurwa zvakakodzera zvinoenderana neMagwaro uye achanzi arege kuita zvimwe zvinhu muungano. Haazorambi ari mukuru kana kuti mushumiri anoshumira. Angarambidzwawo kuita zvimwe zvinhu. Uye anofanira kuzvidavirira kuna Mwari pamusana pokusangwarira kwake pakutyaira kwakaguma netsaona uye kufa kwomunhu.—VaGaratiya 6:5, 7.

Somuenzaniso: Kana mamiriro okunze akanga akaipa pakaitika tsaona yacho, mutyairi wacho aifanira kudai akawedzera kungwarira. Kana akanga ava kutsimwaira, aifanira kudai akamira ozorora kusvikira asisanzwi hope, kana kuti aifanira kudai akaita kuti mumwe atyaire.

Ngatitii mutyairi wacho ainyanya kumhanyisa motokari. Kana muKristu chero upi zvake akapfuudza sipidhi inodiwa, uku kutadza kupa ‘Kesari zvinhu zvaKesari.’ Zvinoratidzawo kuzvidza utsvene hwoupenyu, nokuti zvingangoguma nokufa kwomunhu. (Mateu 22:21) Munyaya yakadai, fungaizve chimwe chinhu. Mukuru angave achiratidza muenzaniso wakaita sei kumakwai kana asingangwariri mirayiridzo yaKesari yomumugwagwa kana kuti akarega nemaune kuiteerera?—1 Petro 5:3.

VaKristu havafaniri kutarisira kuti vamwe vave pane imwe nzvimbo panguva yazviri pachena kuti havagoni kuvapo vasina kutyora mitemo yomumugwagwa yokupfuudza sipidhi inodiwa. Zvisinei, zvinowanzoda kuti munhu wacho atange rwendo rwacho pachine nguva kana kuti achinje purogiramu yake kuti ave nenguva yakakwana yokufamba. Kana izvozvo zvikaitwa, muKristu wacho haazovi pamuedzo wokumhanyisa motokari kupfuura zvaanofanira kuita, asi achakwanisa kutyaira maererano nemitemo yomumugwagwa ye“vanhu vane masimba makuru” vehurumende. (VaRoma 13:1, 5) Izvi zvichabatsira mutyairi kuti angwarire tsaona dzinouraya zvingangoita kuti ave nemhosva yeropa. Zvichaitawo kuti akwanise kuratidza muenzaniso wakakodzera oramba aine hana yakanaka.—1 Petro 3:16.