Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudzi Rworudo Runokosha Zvikuru

Rudzi Rworudo Runokosha Zvikuru

Rudzi Rworudo Runokosha Zvikuru

MUZVIITIKO zvakawanda zvacho muMagwaro echiKristu echiGiriki, kana kuti Testamende Itsva, shoko rokuti “rudo” ishanduro yeshoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe.

Richitsanangura zvinoreva shoko iroro, bhuku rinonzi Insight on the Scriptures * rinoti: “[A·gaʹpe] hakasi kapfungwa kakavakirwa paukama hwomunhu oga, sezvinowanzofungwa, asi rudo rwetsika runoratidzwa munhu uchinyatsoda senhau yetsika, mutoro, uye kunaka, uchinyatsotsvaka zvakanakira mumwe maererano nezvakarurama. A·gaʹpe (rudo) runokurira kuvengana kwevanhu, rusingambobvumiri kuvengana uku kuita kuti munhu asiye tsika dzakanaka otsivawo noruvengo.”

A·gaʹpe rungasanganisirawo kunzwa kwakasimba. “Dananai zvikuru [a·gaʹpe],” akarayira kudaro muapostora Petro. (1 Petro 4:8) Saka, zvinogona kunzi a·gaʹpe runosanganisira mwoyo pamwe nepfungwa. Wadii kuongorora magwaro anoratidza simba uye chinangwa chorudzi urwu rworudo runokosha? Magwaro anotevera angabatsira: Mateu 5:43-47; Johani 15:12, 13; VaRoma 13:8-10; VaEfeso 5:2, 25, 28; 1 Johani 3:15-18; 4:16-21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.