Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?

Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?

‘Ndiri mufomu 5, uye zvokuita zvakandiwandira. . . . Ndine mabasa akawanda zvikuru uye zvokuita pamberi pekirasi, ibasa chairo. Handina nguva yokuzviita.’—Musikana ane makore 18.

UNONZWA kukurirwa here nebasa rechikoro rakawanda raunoenda naro kumba masikati oga oga? Kana zvakadaro, hausi woga. “Zvikoro munyika ino yose sezvazviri kuedza kusimudzira dzidzo—kuomesa bvunzo—zviri kuwedzera basa rechikoro rinoitirwa kumba,” rinodaro rimwe pepanhau rokuUnited States. “Vadzidzi vokusekondari vanoti vanopedza maawa anodarika matatu usiku hwoga hwoga vachiita basa rechikoro mune dzimwe nzvimbo. Kumwe kuongorora kwakaitwa neUniversity of Michigan kunoratidza kuti vana vaduku vari kuwana basa rechikoro rinoitirwa kumba rakapetwa katatu kupfuura raiitwa nevana makore 20 apfuura.”

Vadzidzi vomuUnited States handivo voga vanowana basa rechikoro rinoitirwa kumba rakawandisa. Somuenzaniso, kunyange zvazvo 30 muzana yevana vane makore 13 ikoko vaitaura kuti vanoita basa rechikoro rinoitirwa kumba kweanopfura maawa maviri pazuva, muTaiwan neKorea, nhamba yacho yaiva 40 muzana, uye muFrance, yaipfuura 50 muzana. “Dzimwe nguva ndinonyatsoremerwa panoungana basa rangu rechikoro rinoitirwa kumba,” anochemachema achidaro Katie, mumwe mudzidzi wepayunivhesiti yokuUnited States. Manzwiro ake anodzokororwa naMarilyn naBelinda, vanopinda chikoro muMarseilles, France. “Tinowanzopedza maawa maviri kana kupfuura usiku hwoga hwoga tichiita basa rokuchikoro,” anodaro Marilyn. “Kana une mamwe mabasa, zvingaoma kuwana nguva.”

Ndingawanepi Nguva?

Dai waigona kungowedzera maawa mashomanana pamusi waunenge uchiada kuitira kuti ugone kupedza basa rako rechikoro nokuita zvimwe zvose zvaunofanira kuita zvaisazofadza here? Zviripo ndezvokuti ungakwanisa kuita zvakada kudaro kana ukadzidza kushandisa nhungamiro yeBhaibheri iri pana VaEfeso 5:15, 16, inoti “Nokudaro rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira.” Kunyange zvazvo munyori weBhaibheri akanga asiri kufunga nezvebasa rechikoro paakanga achinyora mashoko iwayo, nhungamiro yacho inogona kushandiswa muupenyu hwezuva nezuva. Paunotenga chimwe chinhu, unotofanira kurasikirwa nechimwe chinhu kuti uchiwane. Pfungwa iri pano ndeyokuti, kuti uwane nguva yokudzidza, uchafanira kurasikirwa nechimwe chinhu. Asi chii chaucharasikirwa nacho?

“Nyora pasi zvaunofanira kutanga kuita,” anopa zano iri mumwe wechiduku anonzi Jillian. Nemamwe mashoko ziva zvinouya pokutanga. Misangano yechiKristu nezvinhu zvokunamata zvinofanira kuuya pokutanga pane zvaunonyora. Uye usakanganwa mabasa ako omumhuri, mabasa epamba, uyewo basa rechikoro.

Wadaro, edza kuchengeta dhayari raunonyora kuti unonyatsoshandisa sei nguva yako kwevhiki imwe kana kupfuura. Pamwe ungashamiswa nezvaunowana. Unopedza nguva yakawanda sei uchiona TV? uchitsvaka mashoko paIndaneti? uri kumafirimu? uchitaura pafoni? uchishanyira shamwari? Iye zvino, zvawanyora zvakadini kana uchienzanisa nezvinhu zvako zvinokosha? Pamwe chinongodiwa chete ndechokuti uongorore maonero aunoita TV, kufona, kana kuti kutarisa mashoko paIndaneti kuti uzive paunogona kutenga nguva yakawanda!

Zvokutanga Pakutanga

Izvi hazvirevi hazvo kuti unofanira kurasa TV yako kana kuti kungova mugarandoga. Pamwe ungada kuzvidzidzisa kuti, “Zvokutanga pakutanga.” Rugwaro rweBhaibheri runogona kushandiswa runoti: ‘Ivai nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaFiripi 1:10) Somuenzaniso, sezvo zvichikosha kuenda kuchikoro, unogona kuzvidzidzisa kuti hauzombovhuri TV kusvikira waita mabasa ako, wagadzirira misangano yechiKristu, uye wapedza basa rokuchikoro. Zvechokwadi, kutadza kuona chirongwa chaunofarira zvikuru paTV kungakuodza mwoyo. Asi kutaura chokwadi kangani kawakagara uchida kungoona chirongwa chaunofarira chete ndokuzoguma wava kuona TV usiku hwose—pasina kana chimwe chawakazomboita?

Ukuwo unofanira kukoshesa zvakakwana kupinda misangano yechiKristu. Somuenzaniso, kana uchiziva kuti une bvunzo inokosha kana kuti basa rokuchikoro raunofanira kuita, ungaedza kufanogadzirira pachine nguva yakawanda kuti zvisakukanganisa kupinda misangano. Ungatoedza kunyange kukurukura nevadzidzisi vako mamiriro ako zvinhu, uchivaudza kuti ungafara zvikuru kufanoziva nezvebasa rechikoro ringada kuzoitwa musi wemisangano yemanheru. Vamwe vadzidzisi vangabvuma kukubatsira.

Imwe nhungamiro inobatsira inodzidziswa munyaya iri muBhaibheri inotaura nezveshamwari yaJesu yainzi Marita. Akanga ari munhu aibatikana uye aishanda zvikuru, asi akanga asingazivi zvaikosha kupfuura zvimwe. Pane imwe nguva, akanga achibishaira achiedza kugadzirira Jesu zvokudya zvemaoresa apo Mariya mwana wamai vake akanga achiteerera zvaitaurwa naJesu pane kumubatsira. Marita paakachema-chema pamusoro penhau iyi, Jesu akati kwaari: “Marita, Marita, unofunganya nokunetseka pamusoro pezvinhu zvakawanda. Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete. Kana ari iye, Mariya asarudza mugove wakanaka, uye haangautorerwi.”—Ruka 10:41, 42.

Tinodzidzei? Rerutsa zvinhu. Ungashandisa sei nhungamiro iyi mumamiriro ako ezvinhu? ‘Uri kufunganya nokunetseka pamusoro pezvinhu zvakawanda’—pamwe uchiedza kuita basa rechikoro uku uchimboenda kubasa here? Kana uchishanda, mhuri yako inoda mari iyoyo chaizvoizvo here? Kana kuti unongoda mari yokuwedzera kuti utenge zvinhu zvaunofarira kwete zvaunoda chaizvoizvo here?

Somuenzaniso, mune dzimwe nyika vanhu vaduku vanoda chaizvo kutenga motokari dzavo pachavo. Mumwe mupi wezano wezvikoro zvesekondari Karen Turner anotsanangura kuti “vechiduku vakawanda nhasi vanonzwa zvichivamanikidza kuti vawane mari nokuti kutarisira motokari kunodhura.” Zvisinei, Turner, anogumisa kuti: “Zvinovhiringidza kana ukaita zvinhu zvakawandisa zvakadai sezvinoitwa pashure pechikoro semitambo, uye basa, wozoti basa rechikoro rakawanda. Mudzidzi anobva anzwa kuremerwa.” Unozviremedzerei kana usingafaniri? Kana basa rako rechikoro riri kuvhiringidzika, pamwe ungaenda kubasa kwemaawa mashoma kana kutorega.

‘Tenga’ Nguva Paunenge Uri Kuchikoro

Kunze kwokutsvaka nguva yokuwedzera wabva kuchikoro, funga kuti ungashandisa sei nguva yako zviri nani paunenge uri kuchikoro. “Ndinoedza kuita basa rangu rechikoro rakawanda serandinogona munguva yandinenge ndisina zvidzidzo,” anodaro Josue. “Izvozvo zvinoita kuti ndikwanise kutaura nomudzidzisi wacho kana pane chandinenge ndisina kunzwisisa mukirasi musi iwoyo.”

Chimwe chinhu chokufunga nezvacho kungava kuderedza zvidzidzo zvokuwedzera zvauri kuita. Uyewo, ungada kurega zvimwe zvinhu zvaunoita pashure pechikoro. Nokugadzirisa zvinhu izvozvi, unogona kuwedzera nguva yaunenge usina zvidzidzo.

Kunyatsoshandisa Nguva Yako Zvakanaka

Zvakanaka, ngatitii warega zvimwe zvinhu nokugadzirisa zvimwe uye wawana nguva yokuwedzera yebasa rechikoro. Uchanyatsoshandisa nguva iyoyo zvakanaka here? Kana uchigona kuita hafu yebasa rako rechikoro munguva yacho yaunenge wawana, handizvo here kuti unenge wawedzera hafu yenguva yako? Saka heano mamwe mazano okuti unyatsoshandisa nguva yako zvakanaka.

Ronga. Usati watanga basa rako rechikoro, funga pamusoro pezvinhu zvakadai seizvi: Chidzidzo chipi chaunofanira kutanga nacho? Basa racho rinofanira kutora nguva yawanda sei? Zvinhu zvipi—mabhuku, mapepa, zvinyoreso, karukureta—zvauchada kushandisa?

Tsvaka nzvimbo yokuverengera. Zvaizonaka kana ikasava nezvinovhiringidza. ‘Shandisa dhesiki kana unaro,’ anodaro mumwe wechiduku anonzi Elyse. ‘Zvinobatsira kuti unyatsoisa pfungwa dzako panzvimbo imwe chete paunenge wakagara wakati dzi pane kurara pamubhedha.’ Kana usina kamuri rako pachako zvimwe madzikoma nevanin’ina vako vangada kusakuitira ruzha paunenge uchidzidza. Kana kuti zvimwe unogona kushandisa paka kana kuti raibhurari yoruzhinji. Kana une kamuri rako pachako, usazvivhiringidza nokuvhura TV kana kuti kuridza nziyo dzinovhiringidza paunenge uchiedza kudzidza.

Imbozorora. Kana ukaona pfungwa dzako dzava kudzungaira pashure pechinguva, kumbozorora zvishoma kungakubatsira kuti urambe uchiisa pfungwa dzako pabasa.

Usaverengera! “Ndiri munhu anoverengera,” anodaro Katie, ane mashoko ambotaurwa. “Zvinoita sokuti handimbogoni kutanga kuita basa kusvika nguva yapera.” Kuti usaverengera ronga purogiramu chaiyo yebasa rako rechikoro uye itevedzere.

Basa rechikoro rinokosha, asi seizvo Jesu akaudza Marita, zvinhu zvinokosha kupfuura zvose—‘migove yakanaka’—yomudzimu. Iva nechokwadi chokuti basa rechikoro harizokutadzisi kuita zvinhu zvinokosha zvakadai sokuverenga Bhaibheri, kuenda kuushumiri, uye kupinda misangano yechiKristu. Izvi ndizvo zvinhu zvichapfumisa upenyu hwako nokusingaperi!—Pisarema 1:1, 2; VaHebheru 10:24, 25.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kuedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe kunogona kuita kuti zvikuomere kuwana nguva yebasa rechikoro

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuronga kwakanaka kunogona kukubatsira kuwana nguva yakawanda yokuita basa rako rechikoro