Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 49

Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Mambokadzi Akaipa Anorangwa

Mambo Ahabhi achitarisa nepahwindo reimba yepamuzinda wake waiva kuJezreeri, aigona kuona munda wemazambiringa wemurume ainzi Nabhoti. Ahabhi aida munda wacho, saka akaedza kuita kuti Nabhoti amutengesere. Asi Nabhoti akaramba kumutengesera nekuti Mutemo waJehovha wairambidza kutengesa munda wenhaka. Ahabhi akaremekedza Nabhoti here nekuti akanga aita zvakanaka? Aiwa. Ahabhi akagumbuka zvekugumbuka zviya. Akatsamwa chaizvo zvekuti akaramba kubuda muimba yake yekurara, uye akaramba kudya.

Mambokadzi Jezebheri uyo aiita zvakaipa akati kuna Ahabhi murume wake: ‘Ndiwe mambo weIsraeri. Unogona kungotora chero chaunoda. Ndichaita kuti uwane munda wacho.’ Akanyorera varume vakuru veguta tsamba achivaudza kuti vanyepe kuti Nabhoti akatuka Mwari uye kuti vamuteme nematombo. Vakuru vaya vakaita zvavakaudzwa kuti vaite naJezebheri, iye achibva ati kuna Ahabhi: ‘Nabhoti afa. Munda wemazambiringa wava wako.’

Nabhoti haasiriye ega munhu asina mhosva akaurayiwa naJezebheri. Akauraya vanhu vakawanda vaida Jehovha. Jezebheri ainamata zvidhori uye aiita zvimwe zvinhu zvakaipa. Jehovha akaona zvinhu zvakaipa zvese zvaiitwa naJezebheri. Jehovha aizoita sei naye?

Ahabhi paakafa, mwanakomana wake Jehoramu ndiye akava mambo. Jehovha akatuma murume ainzi Jehu kuti arange Jezebheri nemhuri yake.

Jehu akapinda mungoro yake yemabhiza ndokuenda kuJezreeri, kwaigara Jezebheri. Jehoramu akauya ari mungoro kuti asangane naJehu achibva amubvunza kuti: ‘Kwakanaka here?’ Jehu akabva ati: ‘Hakuna kunaka nekuti amai vako, Jezebheri, vari kuita zvakaipa?’ Jehoramu akabva aedza kukonesa ngoro yake kuti atize. Asi Jehu akamupfura nemuseve, achibva afa.

Jehu akabva aenda kumba kwamambokadzi Jezebheri. Jezebheri paakanzwa kuti Jehu akanga achiuya, akabva apoda-poda, akagadzira bvudzi rake, ndokumumirira ari pahwindo repaimba yepamusoro. Jehu paakasvika, Jezebheri akamukwazisa zvisina ruremekedzo. Jehu akashevedzera kuvashandi vaJezebheri vainge vakamira pedyo naJezebheri kuti: ‘Mukandei pasi!’ Vakabva vamukanda nepahwindo, achibva adonha pasi, ndokufira ipapo.

Jehu akazouraya vanakomana 70 vaAhabhi uye akabvisa kunamatwa kwaBhaari munyika yacho. Waona here kuti Jehovha anoziva zvese zvinenge zvichiitika uye kuti panguva yakakodzera, anoranga vaya vanoita zvakaipa?

“Nhaka inowanikwa nemakaro pakutanga haizokomborerwi pakuguma kwayo.”​—Zvirevo 20:21