Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Kunemi munoda Jehovha Mwari neShoko rake Bhaibheri:

Jesu akati, “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Chimbofunga kuti wakanzwa sei pawakatanga kuwana chokwadi chiri muBhaibheri! Wakafara chaizvo kuziva kuti munyika ino izere nemanyepo, tinogona kuwana chokwadi.—2 Timoti 3:1.

Jehovha Mwari anoda kuti tizive chokwadi. Uye sezvo tichida vanhu, tinoda kuvaudza chokwadi ichi. Asi kushumira Mwari hakugumiri ipapo. Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirarame sevaKristu nekuti tinoremekedza mitemo yaJehovha. Jesu akataura chimwe chinhu chinokosha chatingaratidza nacho kuti tinoda Mwari. Akati: “Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sekuchengetawo kwandakaita mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.”—Johani 15:10.

Jesu anonyatsoda Baba vake, uye anoita zvese zvaanoudzwa naBaba vake. Kana tikatevedzera mararamiro aiita Jesu, Jehovha achatida uye tichanyatsofara muupenyu. Jesu akati, “kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.”—Johani 13:17.

Tinovimba kuti bhuku rino richakubatsira kudzidza kurarama maererano nechokwadi chiri muBhaibheri uye kuva shamwari yaMwari. Chishuvo chedu ndechekuti urambe uchiwedzera kuda kwaunoita Mwari, woramba ‘uri murudo rwaMwari, uchifunga nezveupenyu husingaperi.’—Judha 21.

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha