Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Vanhu Vasingaoni

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Vanhu Vasingaoni

NEI ZVICHIKOSHA? Vanhu vakawanda vasingaoni havanzwi vakasununguka kutaura nevanhu vavasingazivi. Saka zvinotoda unyanzvi kuti tiparidzire vanhu vakadaro. Jehovha anoda vanhu vasingaoni. (Re 19:14) Tinogona kumutevedzera kuburikidza nekuvabatsira kuti vadzidze nezvake.

MAITIRWO AZVO:

  • ‘Tsvaga’ vanhu vasingaoni. (Mt 10:11) Pane munhu waunoziva here ane hama yake isingaoni? Mundima yenyu mune chikoro here, misha, kana kuti dzimwe nzvimbo dzinowanika vanhu vasingaoni vangada mabhuku akagadzirirwa vanhu vasingaoni?

  • Ratidza kuti unovafarira. Paunoratidza munhu asingaoni kuti unonyatsomufarira zvichabatsira kuti anzwe akasununguka kutaura newe. Edza kutaura navo zvinenge zvichiitika munzvimbo yavanogara

  • Vatsvagire mabhuku anovabatsira kuziva nezvaJehovha. Sangano rakabudisa mabhuku akasiyana siyana anobatsira vaya vasingaoni. Bvunza munhu wacho kuti anoda kushandisa chii pakudzidza. Mutariri webasa anofanira kuona kuti vanoshanda kumabhuku vazadza mapepa ekukumbira mabhuku anenge achidiwa nemunhu asingaoni.

Kushandisa bhuku rebraille uye kamuchina kanotakurika