Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tsvaga Mafungiro aMwari

Tsvaga Mafungiro aMwari

Tinoda kufadza Jehovha nguva dzese. (Zvi 27:11) Kuti tikwanise kuita izvi, tinofanira kuita zvisarudzo zvinoratidza mafungiro ake nguva dzese kunyange paya patinenge tisina mutemo wakajeka unotiudza zvatinofanira kuita. Chii chingatibatsira kuita izvozvo?

Gara uchidzidza Bhaibheri nguva dzese. Pese patinoverenga Bhaibheri, tinenge tichitoita setiri kutandara naJehovha. Tinogona kuziva mafungiro aJehovha kana tikaona mabatiro aaiita vanhu vake uye tikaongorora mienzaniso yevanhu vaanoti vakaita zvakanaka neyevanhu vaanoti vakaita zvakaipa. Patinenge tichida kuita chisarudzo, mweya mutsvene unogona kutibatsira kuyeuka zvinhu zvinokosha zvatakadzidza uye mazano atakawana muShoko raMwari.—Joh 14:26.

Tsvakurudza. Paunenge uchida kuziva kuti wosarudza zvipi, zvibvunze kuti, ‘Inyaya dzipi kana kuti mavhesi api anogona kundibatsira kuziva mafungiro aJehovha panyaya iyi?’ Kuti uwane mazano eBhaibheri anoshanda panyaya yauri kutsvaga, nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire uye tsvakurudza uchishandisa maturusi anobatsira pakutsvakurudza atakapiwa nesangano anowanika mumutauro wako.—Pis 25:4.

ONA VHIDHIYO INONZI ‘NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’—IDYA ZVEKUDYA ZVINE UTANO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hanzvadzi iri muvhidhiyo yakasangana nemiedzo ipi?

  • Kutsvakurudza mumabhuku edu kungakubatsira sei kuti ukurire miedzo yakafanana neyakasangana nehanzvadzi iyi?

  • Kuwana nguva yekutsvakurudza uye kudzidza uri wega kunokubatsira sei kuti uite zvisarudzo zvakanaka?—VaH 5:13, 14