Enda pane zvauri kuda

Zvingoro Zvemabhuku Zvinopfuura 165 000

Zvingoro Zvemabhuku Zvinopfuura 165 000

Zvapupu zvaJehovha izvo zvinozivikanwa zvikuru nekuparidza paimba neimba, zvava kuparidzawo munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda zviine zvingoro zvemabhuku zvinoyevedza.

Mazuva ano, nzira iyi yekuparidza nayo yava kushandiswa chaizvo. Muna November 2011, rimwe boka reZvapupu zvaJehovha muNew York City rakatanga kushandisa matafura nezvingoro zvemabhuku kuti vabatsire vanhu kuziva zvinotaurwa neBhaibheri. Vakabudirira zvikuru zvekuti munguva pfupi nzira iyi yekuparidza nayo yakanga yava kushandiswawo mune mamwe maguta.

Pakazosvika March 2015, zvingoro 165 390 zvakanga zvatotumirwa kuungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi rose. Kwakatengwawo zviuru zvematafura, mashedhi, nezvimwewo zvokuisira mabhuku.

Kuparidza paimba neimba ndiyo nzira huru ichiri kushandiswa neZvapupu pakuita kuti vanhu vazive chokwadi cheBhaibheri. Asiwo, kuparidzira nezvingoro kuri kubudirira chaizvo. Somuenzaniso . . .

KuPeru, mumwe murume anonzi Raul akaenda paiva nechimwe chingoro cheZvapupu akavabvunza kuti: “Manga muri kupi? Ndava nemakore matatu ndichikutsvagai! Pandaona chingoro chenyu ndabva ndati Mwari muriko chokwadi.”

Kunyange zvazvo Raul aigara munzvimbo yaiwanzoparidzwa neZvapupu zvaJehovha, akanga asingasweri pamba kunyange pakupera kwevhiki. Akavaudza kuti akanga ambodzidza Bhaibheri neZvapupu uye kuti aida kuenderera mberi nekudzidza. Saka vakabva varonga kuti aenderere mberi nekudzidza.

KuBulgaria, mumwe murume nemudzimai vechiduku vakaenda pachingoro chemabhuku vakatora bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Vhiki rakatevera vakadzoka vakatora mamwe mabhuku maviri anonzi: Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Chapupu chaiva pachingoro ichi chakavabvunza kuti vane vana vangani. Vakapindura kuti: “Hatisati tava nevana, asi tiri kuronga kuti patichava navo tizovadzidzisa nezvaMwari. Aya ndiwo mabhuku chaiwo atanga tichida.”

KuUkraine, mumwe murume akanga akapfeka hembe dzechiuto akaenda pane Zvapupu zvakanga zvakamira pedyo nechingoro chemabhuku. Akati, “Ko nhai, Amagedhoni ichauya riini?” Murume uyu akanga arwawo muhondo ichangobva kuitika muUkraine. Zvinhu zviri kuitika munyika zvakanga zvamuita kuti ave nechokwadi chekuti Amagedhoni yava pedyo, asi ainetseka kuti nei Mwari asati agadzirisa zvinhu. Zvapupu zvacho zvakamutsanangurira zvichishandisa Bhaibheri kuti nei asiri kukurumidza kupindira uye kuti pasara nguva pfupi kuti Mwari aparadze vanhu vakaipa. Murume wacho akatora magazini yeNharireyomurindi neyeMukai! uyewo bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?

KuMacedonia, mumwe murume wechidiki akaudza Zvapupu zvaiva pane chimwe chingoro kuti aiwanzoverenga magazini avo asi akanga ava kuda bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Pavakamupa akabva atonanga kuraibhurari kunoriverenga.

Pashure pemaawa maviri, akabva adzoka uye akanga averenga mapeji 79 ekutanga ebhuku racho. Akati: “Bhuku iri rinochinja upenyu! Ndava kuona kuti zvinhu zvakawanda zvandaitenda hazvisi zvechokwadi. Zvese zvinotaurwa nebhuku iri zvine musoro. Ranyatsochinja maonero andinoita upenyu!”