Shona
Dutu Rinonzi Cyclone Batsirai Rakaparadza Zvinhu kuMadagascar
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/702022135/univ/art/702022135_univ_sqr_xl.jpg

Dutu raiva nemhepo ine simba rinonzi Cyclone Batsirai rakarova nechekumaodzanyemba kwechitsuwa cheMadagascar. Dutu iri rakakonzera mafashamo uye rakaparadza zvinhu zvakawanda

17 FEBRUARY 2022
MADAGASCAR

Dutu Rinonzi Cyclone Batsirai Rakaparadza Zvinhu kuMadagascar

Dutu Rinonzi Cyclone Batsirai Rakaparadza Zvinhu kuMadagascar

Musi wa6 February 2022, dutu rinonzi Cyclone Batsirai rakarova nechekumaodzanyemba kweMadagascar. Dutu racho raiva nemhepo yaifamba 235 km/hr. Vanhu vakawanda vakafa uye vamwe vaitofanira kusiya misha yavo. Dutu racho rakakonzera mafashamo uye rakaparadza zvinhu zvakawanda.

Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana hama kana hanzvadzi yakafa

  • Vaparidzi 407 vaitofanira kusiya misha yavo

  • Dzimba 35 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

  • Dzimba 19 dzakakanganisika zvakanyanya

  • Dzimba 35 dzakaparadzwa

  • Dzimba dzeUmambo 4 dzakakanganisika, asi kwete zvakanyanya

Mabasa Ekuyamura

  • Dare Rebazi rakaumba Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 20 kuti aone nezvebasa rekuyamura

  • Vatariri vematunhu uye vakuru vari kukurudzira hama. Hama dzakarongawo kuti vanhu vawane pekugara, zvekudya nezvimwewo zvavanoda

  • Zvese izvi zviri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19

Tine chokwadi chekuti Jehovha achava “nzvimbo yekupotera” kuhama nehanzvadzi dzedu panguva iyi yakaoma.—Pisarema 18:2.