Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 99

Zviuru Zvehama

Zviuru Zvehama

(Zvakazarurwa 7:9, 10)

  1. 1. Zvuru nezvuru zvehama,

    Dzakawanda kwazvo,

    Vese vakatendeka,

    Vakapererawo.

    Tiri zvuru zvizhinji;

    Boka guru kwazvo.

    Tinobva mumarudzi ese,

    Torumbidza Mwari.

  2. 2. Zvuru nezvuru zvehama,

    Tiri kuparidza

    “Mashoko akanaka,”

    Anodiwa kwese.

    Sezvatinoparidza,

    Tinomboomerwa.

    Jesu anotipa zororo,

    Pamwe nerugare.

  3. 3. Zvuru nezvuru zvehama,

    M’vazhe dzetemberi,

    Mwari otichengeta,

    Tichimushumira.

    Tiri zvuru zvizhinji,

    Tiri kuparidza,

    Tofara kushanda naMwari,

    Tiri pasi pano.