Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 66

Zivisa Mashoko Akanaka

Zivisa Mashoko Akanaka

(Zvakazarurwa 14:6, 7)

  1. 1. Chokwadi chakavanzwa kwenguva refu.

    Ta’kuchiziva, ndechaMambo Mesiya.

    Nengoni dzake nekuda kururama,

    Jehovha akanzwira tsitsi vatadzi.

    Akati Mwana wake aizotonga;

    Panguva yake Umambo hwaizozvarwa.

    Aizopawo Mwana wake mhandara,

    Iro boka diki revakasarudzwa.

  2. 2. Mashoko akafanozikanwa aya,

    Jehovha anoda kuti aziviswe.

    Ngirozi dzinofara kushanda nesu,

    Dzichitibatsira patinoparidza.

    Ibasa redu neropafadzo yedu

    Kutsvenesa zita rake, tichim’rumbidza.

    Rukudzo kunzi Zvapupu zvaJehovha,

    Tichizivisa mashoko akanaka.