Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 24

Uyai Kugomo raJehovha

Uyai Kugomo raJehovha

(Isaya 2:2-4)

  1. 1. Tarisai mese,

    Pam’soro pemakomo,

    Pane gomo raMwari

    Rakakwidziridzwa.

    Vanhu vobva kure,

    Kumakungwa chaiko,

    ‘Uyai tinamate,’

    Vanoshevedzana.

    Nguva yazosvika

    Kuti mudiki ave rudzi.

    Zvatinowedzera,

    Tinotungamirwa naMwari.

    Zviuru zvouya

    Zvoti ndiChangamire.

    Vopika kuvimbika

    Vasingamusiyi.

  2. 2. Jesu orayira

    Kuti tinoparidza

    Mashoko eUmambo

    Kune vanhu vese.

    Kristu anotonga,

    Vese vamutsigire,

    Shoko rigova mwenje

    Kuvaya vanonzwa.

    Uchava mufaro

    Kuona boka richikura!

    Tese tine basa

    Rekuti vazive Jehovha.

    Simudzai manzwi,

    Itai vese vanzwe.

    ‘Uyai kuna Mwari,

    Mugare narini.’