Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANE HANYA NEWE HERE?

Mwari Anogona Kukunyaradza

Mwari Anogona Kukunyaradza

“Mwari anonyaradza vakasuruvara, akatinyaradza.”—2 VAKORINDE 7:6.

“Mwanakomana waMwari . . . akandida akazvipa nokuda kwangu.”—VAGARATIYA 2:20

CHINOITA KUTI VAMWE VASAVA NECHOKWADI: Kunyange pavanenge vachinyatsoda kunyaradzwa, vamwe vanofunga kuti kukumbira Mwari kuti avabatsire kukunda matambudziko avo kunoratidza kusafunga vamwe. Mumwe mukadzi anonzi Raquel anoti, “Ndikafunga nezvekuwanda kwakaita vanhu vari munyika uye matambudziko akakura avanosangana nawo, matambudziko angu anoita semadiki-diki zvokuti ndinozeza kukumbira Mwari kuti andibatsire.”

ZVINODZIDZISWA NESHOKO RAMWARI: Mwari akatopindira kuti abatsire uye anyaradze vanhu nenzira inoshamisa. Munhu wese ari panyika ane chivi chakabva kuvabereki vedu vokutanga, uye haatombokwanisi kunyatsoita zvose zvinodiwa naMwari. Zvisinei, Mwari “akatida, akatuma Mwanakomana wake [Jesu Kristu] kuti ave chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.” (1 Johani 4:10) Kuburikidza nechibayiro cherufu rwaJesu, Mwari anoita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi, tive nehana yakachena, uye tive netariro youpenyu husingaperi munyika itsva ine rugare. * Asi tinogona kuti chibayiro chacho chinoratidza kuti Mwari akakuda iwe pachako here?

Funga nezvemuapostora Pauro. Akabayiwa mwoyo nechibayiro chaJesu zvokuti akanyora kuti: ‘Ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, iye akandida akazvipa nokuda kwangu.’ (VaGaratiya 2:20) Ichokwadi kuti Jesu akafa Pauro asati ava muKristu. Asi Pauro aiona chibayiro chaJesu sechipo chaMwari kwaari.

Chibayiro cherufu rwaJesu chinotovawo chipo chaMwari kwauri. Chipo ichocho chinoratidza kuti unokosha zvikuru kuna Mwari. Chinogona kukupa “nyaradzo isingaperi netariro yakanaka,” chobva ‘chakusimbisa pamabasa nemashoko ose akanaka.’—2 VaTesaronika 2:16, 17.

Asi Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro makore anoda kusvika 2 000 akapfuura. Saka uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti Mwari anoda kuti uve neukama hwepedyo naye iye zvino?

^ ndima 5 Kuti udzidze zvakawanda nezvechibayiro chaJesu, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.