Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

“Shinda yakaiswa ruvara rutsvuku rwekokasi” inowanzotaurwa nezvayo mubhuku raEksodho chii?

Bhaibheri rinoti madziro negedhi zvetebhenekeri yaishandiswa nevaIsraeri pakunamata zvaiva zvemachira etende aigadzirwa “neshinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka neshinda yakaiswa ruvara rutsvuku rwekokasi.” (Eksodho 26:1; 38:18) “Nguo tsvene” dzevapristi dzaifanira kugadzirwawo ‘neshinda yakaiswa ruvara rutsvuku rwekokasi.’—Eksodho 28:1-6.

Kokasi tsvuku, inozivikanwawo sekermes, yaiva dhayi yaibudisa ruvara rwakatsvuka kuti piriviri. Dhayi yacho yaitorwa kubva mune tumwe tupukanana twerudzi rweCoccidae. Tupukanana utwu tusina mapapiro tunogara mumiti inonzi mioak (Quercus coccifera), inowanika kuMiddle East neMediterranean Coast. Dhayi yacho inowanika mumazai anenge ari mumiviri yetupukanana utwu. Patunenge tuine mazai, tupukanana twacho tunokura semahabhurosi. Tupukanana utwu tunonamatira pamashizha uye patumapazi tudiki twemioak. Pashure pokunge twaunganidzwa uye twatswanywa, tupukanana twacho twaibudisa ruvara rutsvuku, rwaisanganiswa nemvura rwoshandiswa kudhaya machira. Munyori wezvakaitika kare wokuRoma ainzi Pliny Mukuru akataura nezvekokasi tsvuku uye akati yaiva imwe yeruvara rwaikosheswa zvikuru mumazuva ake.

Pavanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki, ndevapi vaivapo paPendekosti ya33 C.E.?

Zvinoita sokuti pavarume vasere vakanyora chikamu ichi cheMagwaro, vatanhatu ndivo vaivapo.

Nhoroondo iri muna Mabasa inoti Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Musabva muJerusarema, asi rambai makamirira chinhu chakapikirwa naBaba.” (Mabasa 1:4) Nhoroondo imwe chete iyoyo inoratidza kuti vanhu vakazonyora Bhaibheri vanoti Mateu, Johani uye Petro vakateerera murayiro uyu pavakaungana “panzvimbo imwe chete,” nevamwe vadzidzi. (Mabasa 1:12-14; 2:1-4) Vanin’ina vaJesu nokuna amai, vaivapowo. (Mabasa 1:12-14; 2:1-4) Vaviri vacho, Jakobho naJudha (Judhasi), vakazonyora mabhuku maviri eBhaibheri ane mazita avo.—Mateu 13:55; Jakobho 1:1; Judha 1.

MuEvhangeri yake, Mako anotaura nezverimwe jaya rakatiza pausiku hwakasungwa Jesu. Zviri pachena kuti Mako aitaura nezvake pachake, sezvo vamwe vadzidzi vose vakanga vatosiya Jesu. (Mako 14:50-52) Saka zvinoita sokuti Mako aiva mumwe wevadzidzi vokutanga, uye kunenge kuti aivapo paPendekosti.

Vamwe vanyori veMagwaro akafuridzirwa echiKristu echiGiriki ndiPauro naRuka. Pakaitwa Pendekosti ya33 C.E., Pauro akanga asati ava muteveri waKristu. (VaGaratiya 1:17, 18) Zviri pachenawo kuti Ruka akanga asipo, sezvo asina kutaura kuti aivawo mumwe we“zvapupu zvakaona” ushumiri hwaJesu.—Ruka 1:1-3.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Tupukanana tunoshandiswa pakugadzira dhayi

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of SDC Colour Experience (www.sdc.org.uk)

[Mufananidzo uri papeji 22]

Petro achitaura paPendekosti ya33 C.E.