Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

6. Basa Rokuparidza Pasi Rose

6. Basa Rokuparidza Pasi Rose

6. Basa Rokuparidza Pasi Rose

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.”—MATEU 24:14.

● Vaiatea anogara kune chimwe chitsuwa chiri kuPacific, chinonzi chitsuwa chine ngozi cheArchipelago. Kunyange zvazvo chine zvitsuwa zvinosvika 80 zvakapararira munzvimbo yakakura masikweya kiromita 802 900, chinongogarwa nevanhu vanosvika 16 000. Kunyange zvakadaro, Vaiatea nevavakidzani vake vakamboshanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Zvichidei? Zvapupu zvinoda kuudzawo vamwe mashoko akanaka ane chokuita noUmambo hwaMwari pasinei nokuti vanogara kupi.

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Hapana nzvimbo iri kusara isina kusvikwa neshoko roUmambo. Muna 2010 chete, Zvapupu zvaJehovha zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni nehafu zvichiparidza mashoko akanaka aya munyika 236. Paavhareji zuva rimwe nerimwe Chapupu choga choga chaipedza maminitsi anenge 30 chichiparidza. Mumakore gumi apfuura vakabudisa uye vakaparadzira mabhuku anodzidzisa Bhaibheri anopfuura mabhiriyoni 20.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Mashoko omuBhaibheri ava nezviuru zvemakore achiparidzwa.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Ichokwadi kuti vakawanda vakamboparidza zvine chokuita neBhaibheri. Asi vakawanda vavo vakangozviita kwenguva pfupi uye munzvimbo duku. Kusiyana nezvaiitwa neava, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iri zvakarongeka pasi rose, zvichiita kuti mazana emamiriyoni evanhu anzwe Shoko. Zvapupu zvakatsungirira zvikaramba zvichiita basa razvo pasinei nokupikiswa kwakanyanya kwaibva kune masangano aiva nesimba uye ane utsinye. * (Mako 13:13) Uyezve Zvapupu zvaJehovha hazvibhadharwi kuita basa rokuparidza. Asi vanozviita panguva yavo uye vanopa mabhuku vasingabhadharisi. Basa ravo rinongotsigirwa nezvipo zvinopiwa munhu asingamanikidzwi.

IWE UNOFUNGEI? “Mashoko akanaka oumambo” ari kuparidzwa pasi rose here? Kuzadzika kweuprofita uhwu kunoreva here kuti pane zvimwe zvakanaka zviri mberi?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti unzwe zvakawanda, ona mavhidhiyo anonzi “Faithful Under Trials,” “Purple Triangles,” uye “Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault,” anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Chero bedzi Jehovha achiri kutibvumidza, ticharamba tichiparidza mashoko akanaka oUmambo tichishingaira, tichishandisa nzira dzose kuti titaure nevanhu.”—2010 YEARBOOK OF JEHOVAH’S WITNESSES.