Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda

Jehovha Anokomborera Vanhu Vane Mwoyo Unoda

MUSIKI wedu akatipa rusununguko rwokusarudza zvatinoda. Anokomborera vaya vanoshandisa rusununguko urwu kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Anokomborerawo vaya vanoita kuti zita rake dzvene ritsveneswe uye vanotsigira chinangwa chake. Jehovha haatimanikidzi kana kutityisidzira kuti timuteerere. Asi anoda kuti timuteerere zvichibva pamwoyo.

Somuenzaniso, vaIsraeri pavaiva murenje reSinai, Jehovha akavaudza kuti vavake nzvimbo yokunamatira. Akati: “Unganidzai mupiro wokupa Jehovha pakati penyu. Vanhu vose vane mwoyo inoda ngavauye nawo uve mupiro waJehovha.” (Eks. 35:5) MuIsraeri mumwe nomumwe aikwanisa kupa chero zvaaikwanisa uye chipo chimwe nechimwe chaizoshandiswa kuita basa raMwari pasinei nokuti chaikosha zvakadini. Saka vaIsraeri vakaita sei?

“Munhu wose akakurudzirwa nomwoyo wake” uye “munhu wose ainzwa achida” akaunza mupiro wake ‘mumwe nomumwe aine mwoyo unoda.’ Varume nevakadzi vakauya nezvinhu zvakasiyana-siyana kuti basa raJehovha riitwe. Vakauya nezvokukochekera nazvo, mhete, marin’i, ndarama, sirivha, mhangura, shinda yebhuruu, shinda yepepuru, shinda yeruvara rutsvuku rwekokasi, rineni yakanaka kwazvo, mvere dzembudzi, matehwe emakondohwe akaiswa ruvara rutsvuku, matehwe emasiri, matanda omubayamhondoro, matombo anokosha, bharisamu uye mafuta. “Zvinhu zvacho zvakakwana nokuda kwebasa rose raida kuitwa, zvimwe zvikasara.”Eks. 35:21-24, 27-29; 36:7.

Jehovha akafadzwa nezvipo zvakapiwa nevanhu, asi chakatonyanya kumufadza ndechokuti vanhu vakazviita nemwoyo inoda. Vanhu vakazvipirawo kushandisa nguva yavo nesimba ravo. Nhoroondo yacho inoti: “Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakachenjera vakakosa nemaoko avo.” Chokwadi, “vakadzi vose vaiva nouchenjeri vakakurudzirwa nemwoyo yavo vakakosa mvere dzembudzi.” Uyewo, Jehovha akapa Bhezareri “uchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva uye noumhizha hwemarudzi ose.” Mwari akatoita kuti Bhezareri naOhoriyabhi vave nounyanzvi hwaidiwa kuti vaite basa ravaifanira kuita.Eks. 35:25, 26, 30-35.

Jehovha paakakumbira vaIsraeri kuti vape zvipo, ainyatsova nechivimbo chokuti ‘vanhu vose vaiva nemwoyo inoda’ vaizotsigira kunamata kwechokwadi. Jehovha akavatungamirira pabasa ravo uye akaita kuti vafare chaizvo. Izvi zvinoratidza kuti kana vashumiri vaJehovha vakava nemwoyo inoda, Jehovha anovakomborera nokuvapa unyanzvi uye zvinhu zvavanoda, kuti vaite basa rake. (Pis. 34:9) Kana ukashumira Jehovha nemwoyo unoda, achakukomborera.