Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Youpenyu

Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake

Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake

Yakataurwa naMax Lloyd

Akanga ari manheru mumwe musi muna 1955 ndiine mumwe mumishinari wandaishanda naye kuParaguay kuSouth America. Imba yataiva yakakombwa nemhomho yevanhu vakanga vakatsamwa vaishevedzera vachiti: “Mwari wedu anoda ropa uye ari kuda ropa remagringo.” Isu magringo (vanhu vakabva kune imwe nyika) takanga tasvika sei kunyika iyi?

KANA ndiri ini, ndakatanga kudzidziswa naJehovha kuita kuda kwake ndichiri kuAustralia kwandakakurira. Baba vangu vakapiwa bhuku rainzi Enemies nechimwe Chapupu muna 1938. Ivo naAmai vakanga vagara vasingagutsikane nevafundisi vaivako, avo vaitaura kuti zvimwe zviri muBhaibheri ingano. Papera rinenge gore, vabereki vangu vakabhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Kubvira ipapo, kuita kuda kwaJehovha kwakava chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwemhuri yedu. Hanzvadzi yangu Lesley, mukuru kwandiri nemakore mashanu, akazoteverawo kubhabhatidzwa, ini ndikazobhabhatidzwa muna 1940 ndiine makore mapfumbamwe.

Hondo Yenyika II ichangotanga, kudhinda nekuparadzira mabhuku eZvapupu zvaJehovha kwakarambidzwa muAustralia. Saka ndakadzidza kutsanangura panobva zvandinotenda ndichiri kakomana, ndichishandisa Bhaibheri chete. Ndakava netsika yokuenda kuchikoro neBhaibheri kuti ndiratidze kuti nei ndaisasaruta mureza kana kutsigira zvehondo.—Eks. 20:4, 5; Mat. 4:10; Joh. 17:16; 1 Joh. 5:21.

Vakawanda kuchikoro vaisada zvokutamba neni nokuti vainditi ndiri “musori weGermany.” Mazuva iwayo paiva nemafirimu airatidzwa kuchikoro. Firimu risati ratanga, munhu wose aifanira kusimuka kuti aimbe rwiyo rwenyika. Pandairamba ndakagara vakomana vaviri kana vatatu vaiedza kundisimudza vachindidhonza nebvudzi. Ndakapedzisira ndadzingwa chikoro nokuramba ndakabatisisa zvandaitenda zvaibva muBhaibheri. Zvisinei ndakazoita zvokudzidza ndiri kumba.

CHINANGWA CHANGU CHANDAKAZOZADZISA

Ndakanga ndiine chinangwa chokutanga kupayona pandaizosvitsa makore 14. Saka ndakaora mwoyo zvikuru vabereki vangu pavakanditi ndaifanira kutanga ndatsvaga basa ndomboshanda. Vakati ndaifanirawo kubhadhara rendi pamba uye vakandivimbisa kuti ndaizotanga kupayona ndasvitsa makore 18. Izvi zvaiita kuti tigare tichingotaura nezvemari yandaitambira. Ini ndaida kuichengeta kuti ndizoishandisa kupayona asi ivo vaiitora.

Pakazosvika nguva yokuti ndichipayona, vabereki vangu vakagara neni pasi vakanditsanangurira kuti vakanga vaisa mari yose yandaivapa kubhangi. Vakabva vandidzosera yose kuti nditenge mbatya nezvimwe zvandaizoshandisa pakupayona. Vakanga vachindidzidzisa kuzviriritira kwete kutarisira kuchengetwa nevamwe. Iye zvino ndava kunyatsoona kuti kudzidziswa uku kwakandibatsira chaizvo.

Ini naLesley pataikura, mapiyona aiwanzogara kumba kwedu, uye tainakidzwa nokushanda nawo muushumiri. Kupera kwevhiki taiita basa repaimba neimba, kuparidza mumigwagwa, uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Makore iwayo muparidzi weungano aitarisirwa kusvitsa maawa 60 pamwedzi. Amai vaiwanzosvitsa maawa aya, uye izvi zvakava muenzaniso kwandiri naLesley.

KUPAYONA MUTASMANIA

Pandakatanga kupayona ndakatumirwa kuchitsuwa cheAustralia chinonzi Tasmania, kwandakanoshanda nehanzvadzi yangu nemurume wake. Zvisinei, pasina nguva vakaenda kunopinda kirasi yechi15 yeChikoro cheGiriyedhi. Ndainyara zvikuru uye ndaive ndisati ndambobva pamba ndichinogara ndoga. Vamwe vaifunga kuti ndaisazombopfuura mwedzi mitatu ndiriko. Asi gore risati rambopera, muna 1950, ndakagadzwa somuranda wekambani, uyo ava kunzi murongi mudare revakuru. Ndakazogadzwa kuva piyona chaiye, uye ndakatanga kushanda neimwe hama yechiduku.

Takanzi tinoshanda kune rimwe guta raicherwa mhangura uko kwakanga kusina kana Chapupu. Takasvikako nebhazi mumwe musi zuva rodoka. Takarara mune imwe hotera. Musi wakatevera, pataishanda paimba neimba, takabvunza vanhu vataiparidzira kana vaiziva kwataigona kuwana imba yokurenda. Zuva rava kudoka, mumwe munhu akatiudza kuti paiva neimba yemufundisi yaisagarwa yaiva pedyo nechechi yePresbyterian uye akatiudza kuti titaure nemudhikoni wepo. Akaratidza kuva neushamwari uye akatipa imba yacho. Zvainge zvakati omei kuenda kunoparidza zuva nezuva tichibuda mumba memufundisi.

Ndima yacho yaiva nezvibereko. Taikurukura nevanhu zvainakidza uye takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Vakuru vechechi vaiva kuguta guru pavakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichigara mumba mamufundisi, vakaudza mudhikoni kuti atidzinge nokukurumidza. Takanga tisisina pokugara zvekare.

Musi wakazotevera takaparidzira kusvika zuva roda kurereka, tikabva tatanga kutsvaga pokurara. Nzvimbo iri nani yatakakwanisa kuwana yokurara maiva munhandare. Takasiya taviga masutukezi edu imomo tikabva tatangazve kuparidza. Kwakanga kwava kusviba asi takasarudza kuti tipedzise dzimwe dzimba shoma dzakanga dzasara. Pane imwe yacho mumwe murume akatipa pokugara mukamba kaiva nemakamuri maviri kaiva kuseri kwemba yake!

BASA ROMUDUNHU UYE GIRIYEDHI

Papera inenge mwedzi misere ndiri piyona chaiye, ndakanzi nehofisi yebazi yemuAustralia ndinoshanda somutariri wedunhu. Izvi zvakandishamisa zvikuru nokuti ndaingova nemakore 20. Pashure pemavhiki mashomanana okudzidziswa, ndakatanga kushanyira ungano ndichidzikurudzira. Vanhu vakawanda vakanga vari vakuru kwandiri, asi havana kumbozvidza uduku hwangu uye vairemekedza chaizvo basa randaiita.

Kushanyira ungano dzakasiyana-siyana kwaizonakidza! Rimwe vhiki ndaienda nebhazi, rimwe nechitima, pamwe nemotokari, uye pamwe pacho ndaikerwa pamudhudhudhu ndakabata sutukezi nebhegi reushumiri. Kugara neZvapupu kwaindifadza zvikuru. Mumwe muranda wekambani akanditambira kunyange zvazvo imba yake yakanga isati yapera kuvakwa. Vhiki iroro ndakawaridzirwa mubhavha, asi takanakidzwa zvikuru nokunamata.

Ndakashamiswa zvakare muna 1953 pandakakokwa kuzopinda kirasi yechi22 yeChikoro cheGiriyedhi. Asi mufaro wacho wakanga wakasangana nekakutya. Zvakaitika ndezvokuti hanzvadzi yangu nemurume wayo pavakapedza kudzidza kuGiriyedhi musi waJuly 30, 1950, vakatumirwa kuPakistan. Asi pasina kana gore, Lesley akarwara uye akafira ikoko. Ndakafunga kuti vabereki vangu vaizonzwa sei kuti ndiende zvekare kune imwe nyika izvi zvichangoitika. Zvisinei, vakanditi: “Enda unoshumira Jehovha kwaanenge ada kuti uende.” Handina kuzomboonana naBaba zvakare. Vakashaya muna 1957.

Pasina nguva ndakanga ndava parwendo rwemavhiki matanhatu rwengarava ndiine vamwe vashanu vokuAustralia ndichienda kuguta reNew York. Tiri munzira, taiverenga Bhaibheri, taidzidza, uye taiparidzira vataifamba navo. Tisati takwidza kuchikoro, icho chaiva kuchamhembe kweLansing, muNew York, takapinda gungano remarudzi rakaitwa muna July 1953 muYankee Stadium. Paiva nevanhu 165 829.

Kirasi yedu yaiva nevadzidzi 120 vaibva kumativi mana enyika. Takatozoudzwa kwatainoshandira musi watakapedza kudzidza. Patakangoudzwa, takabva tamhanyira kuraibhurari yepaGiriyedhi kunoona kuti nyika dzataitumirwa dzakamira sei. Ndakaona kuti nyika yandaitumirwa, yeParaguay, inyika ine nhoroondo yekurwisana. Mazuva andakasvika ndakabvunza mamwe mamishinari mumwe musi mangwanani kuti mheremhere “yokupemberera” yandakanga ndanzwa usiku yaiva yei. Vakanyemwerera vakati: “Ndiko kurwisana kwokutanga kwawanzwa ikoku. Tarisa panze apo uone.” Masoja akanga akazara pose pose!

CHIITIKO CHANDISINGAKANGANWI

Mumwe musi ndakaperekedza mutariri wedunhu paainoshanyira rimwe boka risati rava ungano uye kunovaratidza firimu rainzi The New World Society in Action. Takafamba kwemaawa anenge masere kusvika kumapfumbamwe, kutanga tiri muchitima tikazokwira ngoro yemabhiza, ndokuzopedzisa nengoro yemombe. Takatakura jenareta nepurojekita. Patakazosvika, takapedza zuva rakatevera racho tichishanyira vaiva mumapurazi uye tichikokera vanhu vose kuti vauye kuzoona firimu manheru acho. Vanhu vanenge 15 vakauya.

Papera anenge maminitsi 20 tatanga kuratidza firimu, takaudzwa kuti timhanyire mumba. Takatora purojekita tikabva tamhanyira mumba. Takabva tanzwa varume vairidza pfuti vachishevedzera kuti: “Mwari wedu anoda ropa uye ari kuda ropa remagringo.” Paingova nemagringo maviri, uye ini ndaiva mumwe wacho! Vakanga vauya kuzoona firimu vakaita kuti mhomho iyi isapwanya ichipinda mumba. Asi mhomho iyi yakazodzoka kuma3:00 dzemangwanani, vachiridza pfuti uye vachitiudza kuti vaizotibata chete kana tava kudzokera kuguta.

Hama dzakataura nemutongi wemunzvimbo iyi uye akauya masikati nemabhiza maviri ndokutiperekedza kuguta. Tava kudzoka, pataingosvika pedyo nepane zvikwenzi kana miti yakawanda, aibudisa pfuti yake uye aitungamira kuti aone kana kwaifambika. Ndakaona kuti bhiza raikosha zvikuru pakufamba saka ndakazotengawo rangu.

MAMWE MAMISHINARI ANOSVIKA

Basa rekuparidza rakaramba richifambira mberi pasinei nokuti taigara tichipikiswa nevafundisi. Muna 1955, pakasvika mamwe mamishinari mashanu, aisanganisira imwe hanzvadzi yechiduku yekuCanada yainzi Elsie Swanson, yakanga yadzidza mukirasi yechi25 yeGiriyedhi. Takava tose kwenguva pfupi pahofisi yebazi asati atumirwa kune rimwe guta. Akanga akazvipira kubasa raJehovha asina zvakawanda zvaaibatsirwa nazvo nevabereki vake, avo vasina kumbogamuchira chokwadi. Musi waDecember 31, 1957, ini naElsie takachata, uye taingogara tiri vaviri mumusha wemamishinari waiva kuchamhembe kweParaguay.

Takanga tisina mvura yemupombi asi taiva nemugodhi kuseri kwemba. Saka takanga tisina imba yokugezera kana chimbudzi chomumba, tisina muchina wokuwacha mbatya, kana firiji. Chikafu chinokurumidza kuora taitoita chokutenga chezuva iroro. Asi kurarama tisina zvakawanda-wanda uye rudo rwairatidzwa nehama dzedu nehanzvadzi muungano zvakaita kuti tifare zvikuru panguva iyi.

Muna 1963, tichangodzokera kuAustralia kunovashanyira, amai vakabatwa nechirwere chemwoyo, icho chinenge chakakonzerwa nokufarisa pavakaona mwanakomana wavo pashure pemakore gumi. Nguva yokuti tidzokere kuParaguay zvayakanga yava kuswedera, takatarisana nechisarudzo chakaoma zvikuru muupenyu hwedu. Taizosiya amai vari muchipatara, tichiti mumwe munhu avapepe here, todzokera kubasa redu kuParaguay, kwataida zvikuru? Tanyengetera kakawanda nezvazvo, ini naElsie takasarudza kugara kuti tipepe Amai. Takakwanisa kuzviita asi tichiramba tiri mubasa renguva yakazara kusvikira pavakazofa muna 1966.

Chaiva chikomborero chaicho kushanda mudunhu uye muruwa ndiri kuAustralia kwemakore akati kuti uye kudzidzisa Chikoro Choushumiri hwoUmambo chevakuru. Takazochinjirwa zvekare kune rimwe basa. Ndakasarudzwa kuti ndishande senhengo yeDare Rebazi rokutanga muAustralia. Uye patakanga tava kuda kuvaka bazi idzva ndakagadzwa kuva sachigaro wedare rokuvaka. Tichibatsirwa nehama dzakawanda dzine ruzivo uye dzagara nebasa takavaka bazi rakanaka zvikuru.

Ndakazonzi ndishande muDhipatimendi Rebasa, iro rinoona nezvebasa rokuparidza munyika. Ndakawanawo chikomborero chokuva mutariri anoshanyira mapazi ndichikurudzira uye ndichibatsira hama. Zvaisimbisa kutenda kwangu zvikuru pandaishanyira dzimwe nyika dzine hama dzakaita makumi emakore dziri mumajeri nemisasa yevasungwa nokuti dzaiteerera Jehovha dzakavimbika.

BASA RATIRI KUITA IYE ZVINO

Ndadzoka ndakaneta pashure perwendo rwokushanyira nyika muna 2001, ndakagamuchira tsamba yokuti ndiuye kuBrooklyn, New York, kuti ndishande senhengo yeDare Rebazi rekuUnited States. Ini naElsie takanyengetera tichifunga nezvemukana uyu, uye takafara zvikuru kuutambira. Iye zvino papfuura makore 11 tiri kuBrooklyn.

Ndinozofara kuti ndine mudzimai anonakidzwa nokuita chero zvinenge zvakumbirwa naJehovha. Ini naElsie tava nemakore 81 uye tine utano hwakati nakei. Tinotarisira kunakidzwa nokudzidziswa naJehovha nokusingaperi uyewo nezvikomborero zvichawanikwa nevaya vanoita kuda kwake.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Rimwe vhiki ndaienda nebhazi, rimwe nechitima, pamwe nemotokari, uye pamwe pacho ndaikerwa pamudhudhudhu ndakabata sutukezi nebhegi reushumiri

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Tinotarisira kunakidzwa nokudzidziswa naJehovha nokusingaperi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuruboshwe: Ndiri mudunhu muAustralia

Kurudyi: Ndiine vabereki vangu

[Mufananidzo uri papeji 20]

Musi wemuchato wedu, December 31, 1957