Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha Ndiye Simba Rangu”

“Jehovha Ndiye Simba Rangu”

“Jehovha Ndiye Simba Rangu”

YAKATAURWA NAJOAN COVILLE

Ndakaberekwa muna July 1925 muHuddersfield, England. Ndaiva zai regondo uye ndaiva ndonda. Baba vangu vaiwanzoti, “Pose panovhuvhuta mhepo, unorwara.” Uye chaiita sechokwadi!

PANDAIVA mwana, vafundisi vainyengeterera rugare nomwoyo wose, asi pakatanga hondo yenyika yechipiri, vainyengeterera kukunda. Izvi zvakandinetsa uye zvakaita kuti ndive nemibvunzo. Panguva iyoyo chaiyo, Chapupu chimwe chete chaigara kwataigara, Annie Ratcliffe, akauya kumba kwedu.

Kudzidza Chokwadi

Annie akatisiyira bhuku rainzi Salvation ndokukoka Amai kumusangano wokudzidza Bhaibheri waizoitirwa kumba kwake. * Amai vangu vakandikumbira kuti ndivaperekedze. Ndichiri kuyeuka musangano wokutanga iwoyo. Paikurukurwa nezvorudzikinuro, uye zvakandishamisa ndezvokuti zvainakidza chaizvo. Mibvunzo yangu yakawanda yakapindurwa. Vhiki yakatevera yacho, takaendazve. Panguva iyoyo, uprofita hwaJesu hwezvechiratidzo chemazuva okupedzisira hwakatsanangurwa. Patakatarira zvinhu zvakaipa zvaiitika munyika, ini naAmai takabva tangoziva kuti ichi chaiva chokwadi. Zuva iroro, takakokwa kuImba yoUmambo.

Muimba youmambo yacho, ndakaonana nemamwe mapiyona echiduku, uye mumwe wavo aiva Joyce Barber (ava kunzi Joyce Ellis), achiri kushanda paBheteri rokuLondon pamwe chete nomurume wake Peter. Ndaifunga kuti munhu wose aifanira kupayona. Saka ndakabva ndangotanga kuparidza maawa 60 mwedzi woga woga, kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kuenda kuchikoro.

Kwapera mwedzi mishanu, musi waFebruary 11, 1940, ini naAmai takabhabhatidzwa pagungano rezoni (rava kunzi gungano redunhu) kuBradford. Baba vakanga vasingashori chitendero chedu chitsva, asi havana kumboda kuita Chapupu. Mazuva andakabhabhatidzwa ndiwo akabva atangwa basa rokuparidza mumigwagwa. Ndakaendawo nevamwe ndakatakura bhegi nemakadhi okurembedza muhuro. Mumwe musi woMugovera, ndakanzi ndimire panzvimbo yaiwanda vanhu pamashopu. Ndakanga ndichiri kutya vanhu, uye sezvineiwo zvaiita sokuti vokuchikoro vose vakapfuura nepandaive ndakamira!

Muna 1940 kambani yandaive (semadaidzirwo aiitwa ungano mazuva iwayo) yaifanira kukamurwa. Payakakamurwa vamwe vose vezera rangu vakaiswa mune imwe yacho. Ndakachema-chema nezvazvo kumushumiri wekambani (ava kunzi mutariri anotungamirira). Akati, “Kana uchida shamwari dzechiduku, enda unodzitsvaka mubasa romumunda.” Ndakabva ndaita izvozvo chaizvo! Pasina nguva yakareba, ndakatanga kuzivana naElsie Noble. Akagamuchira chokwadi akazova shamwari yangu kubvira ipapo.

Kupayona Uye Zvikomborero Zvacho

Ndapedza chikoro, ndakashandira mumwe aiita zveakaunzi. Zvisinei, pandaicherechedza kufara kwaiita vashumiri venguva yakazara, chido changu chokushumira Jehovha sapiyona chakakura. Muna May 1945, ndakafara pandakatanga kushanda sapiyona chaiye. Zuva randakatanga kupayona, mvura yakaswera ichingonaya zvokunaya zviya. Asi ndakafara kuva mubasa rokuparidza zvokuti handina kumboita hanya nokuti kuri kunaya. Ndingatoti kugara ndisiri mumba ndichisimbisa muviri nokuchovha bhasikoro muushumiri kwakandibatsira chaizvo pautano. Kunyange zvazvo ndichingogara ndakaondoroka, handisati ndambomira basa rangu rokupayona nemhaka yokurwara. Mumakore ose aya, zvechokwadi ndazoona kuti “Jehovha ndiye simba rangu.”—Pis. 28:7.

Ndakatumirwa kumaguta aive asina Zvapupu nechinangwa chokutanga ungano itsva ndiri piyona chaiye. Ndakaita makore matatu muEngland ndokuzoita mamwe matatu kuIreland. Pandaipayona muLisburn, kuIreland, ndakadzidza Bhaibheri nomumwe murume aiva mutevedzeri womufundisi weimwe yechechi dzakabuda muRoma. Sezvaaidzidza chokwadi nezvedzidziso dzinokosha dzeBhaibheri, akatanga kudzidzisa chechi yake zvinhu zvaaive adzidza. Vamwe vacho vakanomhan’ara kuvakuru vechechi, ndokubva iye abvunzwa nezvazvo. Akapindura kuti aiona zvakakodzera kuti somuKristu ataurire makwai ake kuti anga achivadzidzisa nhema. Kunyange zvazvo mhuri yake yakamushora zvakasimba, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha akazomushumira akatendeka kusvikira afa.

MuLarne, kuIreland, nzvimbo yechipiri yandakatumirwa kunopayona, ndakashanda kwemavhiki matanhatu ndiri ndoga, sezvo mumwe wangu wandaipayona naye aipinda gungano reTheocracy’s Increase Assembly (Kukura Kwesangano) muNew York, muna 1950. Iyoyo yaive nguva yakaoma. Ndaingoti dai ndanga ndirikowo kugungano racho. Asi muvhiki idzodzo, pane zvakawanda zvandakasangana nazvo zvinokurudzira mubasa romumunda. Ndakasangana nomumwe murume wechikuru akanga agoverwa rimwe remabhuku edu makore anopfuura 20 akanga adarika. Akanga ariverenga kwemakore ose iwayo zvokuti aiita kunge achataura zvose zviri mariri nomusoro. Vakazogamuchira chokwadi vose nemwanakomana wake nemwanasikana.

Kupinda Chikoro cheGiriyedhi

Muna 1951, ini nemamwe mapiyona takakokwa kuzopinda kirasi yechi17 yeChikoro cheGiriyedhi kuSouth Lansing, New York. Ndakanakidzwa chaizvo nedzidzo yeBhaibheri yatakawana mumwedzi iyoyo! Kare ikako, hanzvadzi dzaisanyoreswa muChikoro chaMwari choUshumiri muungano, asi kuchikoro cheGiriyedhi isu hanzvadzi taipiwa hurukuro dzevadzidzi uye taipa mishumo yezvaiitika. Taitya zvokutya zviya! Hurukuro yangu yokutanga yakapera maoko angu ainge akabata pepa rehurukuro achingodedera. Hama Maxwell Friend, vaiva murayiridzi weGiriyedhi, vakandipa zano vachiseka, vachiti: “Watanga uchingotya, sezvinoitwa nevakurukuri vose vakanaka, asi wazopedza uchingotya.” Kosi yacho yakatibatsira tose kuti tisununguke patainge tichitaura pamberi pekirasi. Chikoro chedu chakapera tisati toda, uye tose takaudzwa nzvimbo dzataizonoshandira. Ini ndakanzi ndinoshandira kuThailand!

“Nyika Yokunyemwerera”

Astrid Anderson paakanzi ashande neni mubasa roumishinari kuThailand, ndakazviona sechipo chinobva kuna Jehovha. Zvakatitorera vhiki nomwe tichifamba nengarava kusvika ikoko. Patakasvika kuguta guru reBangkok, takawana guta racho rakazara nemisika uye migero yemvura yaishandiswa senzira dzokufamba nadzo. Muna 1952, muThailand makanga muine vaparidzi voUmambo vasingasviki 150.

Patakatanga kuona Nharireyomurindi mumutauro wechiThai, taizvibvunza kuti, ‘Tichazombofa takakwanisa kutaura mutauro wakadaro here?’ Kutaura mashoko acho semataurirwo awo chaiwo ndiko kwaiva kwakanyanya kuoma. Somuenzaniso, shoko rokuti khaù kana rikataurwa wakakwidza inzwi kokutanga wozodzikisa rinoreva kuti “mupunga,” asi shoko iroro kana rikataurwa wakadzikisa inzwi rinoreva kuti “mashoko.” Saka pataienda mubasa romumunda, pakutanga taive mushishi kuudza vanhu kuti, “Takuunzirai mupunga wakanaka” panzvimbo pokuti “mashoko akanaka”! Takazopedzisira tava kugona, asi tambosekwa kakawanda.

Vanhu vokuThailand vanhu vakasununguka. Regai izonzi Nyika Yokunyemwerera. Takatanga kutumirwa kuguta reKhorat (rava kunzi Nakhon Ratchasima), kwatakanoshumira kwemakore maviri. Takazotumirwa kuguta reChiang Mai. Vanhu vakawanda vokuThailand vaBhudha uye havatombozivi Bhaibheri. MuKhorat ndakadzidza nomumwe mukuru weposvo. Takakurukura nezvaAbrahamu. Sezvo murume wacho akange ambonzwa nezvaAbrahamu, aingogutsurira achifara. Zvisinei, ndakazoziva kuti takanga tisiri kutaura nezvaAbrahamu mumwe chete. Mukuru weposvo aifunga nezvaAbraham Lincoln, aimbova purezidhendi wokuUnited States!

Takanakidzwa nokudzidzisa Bhaibheri vanhu vane mwoyo yakarurama vokuThailand, asiwo ivo vakatidzidzisa kurarama upenyu hunofadza husina zvakawanda. Chidzidzo ichocho chaikosha, nokuti mumusha wokutanga wamamishinari wokuKhorat, makanga musina magetsi kana pombi dzemvura. Mumamiriro akadaro ezvinhu, ta“kadzidza zvazvinoreva . . . kuva nezvizhinji uye kushayiwa.” Kufanana nomuapostora Pauro, takaona kuti zvinorevei kuva ne‘simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anopa simba.’—VaF. 4:12, 13.

Wokushanda Naye Mutsva Nenzvimbo Itsva Yokushandira

Muna 1945, ndakaenda kuLondon. Pandaiveko, ndakaenda kuBritish Museum nemamwe mapiyona nenhengo dzeBheteri. Mumwe wavo aive Allan Coville, uye akazoenda kunopinda kirasi yechi11 yeGiriyedhi. Akazotumirwa kuFrance nokuBelgium. * Pava paya, ndichiri kushanda somumishinari muThailand, akazoti aida kundiroora, ndikabvuma.

Takaroorana muBrussels, kuBelgium, musi waJuly 9, 1955. Ndaive ndagara ndiine shungu dzokuzoenda kuParis kuzororo tichangobva kuchata, saka Allan akaronga kuti tinopindira ikoko gungano vhiki raizotevera. Zvisinei, patakasvika ikoko, Allan akabva akumbirwa kuti ave muturikiri papurogiramu yacho yose. Mazuva acho ose aimukira, uye taizodzoka kwataigara usiku chaihwo. Saka takabudirira kuuya kuParis tichangobva kuchata, asi ndaingoonera Allan nechokure, ari pachikuva! Kunyange zvakadaro, ndaifara kuona murume wangu achishandiswa kushumira hama nehanzvadzi, uye ndainge ndisina mubvunzo kuti kana Jehovha ari pakati pedu, imba yedu yaizova nomufaro.

Kuroorwa kwakaitawo kuti ndichinje ndima yokuparidzira, ndiparidzire kuBelgium. Chandaingoziva nezveBelgium ndechokuti yaive yamborwirwa hondo dzakawanda, asi ndakazoziva kuti vakawanda vomuBelgium vanhu vanoda runyararo. Basa rangu raidawo kuti ndidzidze chiFrench, icho chinotaurwa nechokumaodzanyemba kwenyika yacho.

Muna 1955 muBelgium maive nevaparidzi 4 500. Kwemakore anenge 50, ini naAllan takashanda paBheteri uye mubasa rokufambira. Makore maviri nehafu okutanga, taifamba nemabhasikoro nomumakomo, kuchinaya uye muzuva. Takarara mudzimba dzakasiyana-siyana dzinopfuura 2 000 dzeZvapupu mumakore ose iwayo! Ndaiwanzoona hama nehanzvadzi dzaive dzisina utano hwakanaka asi dzaishumira Jehovha nesimba rose. Muenzaniso wavo wakandikurudzira kusakanda mapfumo pasi muushumiri hwangu. Paipera vhiki roga roga rataishanyira ungano, tainzwa tasimbiswa. (VaR. 1:11, 12) Allan aive shamwari yechokwadi. Mashoko ari pana Muparidzi 4:9, 10 ndeechokwadi anoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, . . . nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake”!

Zvikomborero Zvoupenyu Hwokushumira ‘Nesimba raJehovha’

Mumakore ose aya, ini naAllan takasangana nezvakawanda zvinofadza patakanga tichibatsira vamwe kushumira Jehovha. Somuenzaniso, muna 1983 takashanyira imwe ungano yechiFrench iri muAntwerp, patakagara neimwe mhuri yaiva nomumwe muenzi ainzi Benjamin Bandiwila, imwe hama yechiduku yaibva kuZaire (yava kunzi Democratic Republic of Congo). Benjamin akanga auya kuBelgium kuzowana dzidzo yepamusoro. Akatiudza kuti, “Ndinoyemura chaizvo upenyu hwamunorarama, hwokuzvipira zvakazara mubasa raJehovha.” Allan akamupindura kuti: “Unoti unotiyemura; asi uri kutandanisana nebasa renyika. Haufungi kuti uri kutaura zvinopesana here?” Mhinduro iyoyo yokusapoterera yakaita kuti Benjamin afunge nezveupenyu hwake. Azodzokera kuZaire, akatanga kupayona, uye iye zvino atova nhengo yeDare Rebazi.

Muna 1999, ndakavhiyiwa ndichibviswa duzu raiva pagurokuro. Kubvira ipapo ndakabva ndaondoroka zvokurema makirogiramu 30. Zvechokwadi ndiri ‘mudziyo wevhu’ usingatani kuputsika. Asi ndinotenda kuti Jehovha ari kundipa “simba rinopfuura renguva dzose.” Pashure pokuvhiyiwa, akaita kuti ndikwanise kupinda zvakare mubasa rokufambira naAllan. (2 VaK. 4:7) Muna March 2004, Allan akafuma akafa. Ndinozomusuwa, asi kuziva kuti ari kuyeukwa naJehovha kunondinyaradza.

Iye zvino ndava nemakore 83 uye ndaita ushumiri hwenguva yakazara kwemakore 63. Ndichiri kushingaira muushumiri, ndichiitisa chidzidzo cheBhaibheri ndiri pamba uye ndichishandisa mikana yandinowana kutaura nezvezvinangwa zvaJehovha zvinoshamisa. Dzimwe nguva ndinombozvibvunza kuti, ‘Dai ndisina kutanga kupayona muna 1945 upenyu hwangu hungadai huri papi?’ Mazuva iwayo, utano hwangu husina kunaka hwaigona kuva chikonzero chakanaka chokurega kupayona. Hakusi kufara kwandinoita kuti ndakatanga kupayona ndiri muduku! Ndakava neropafadzo yokuzvionera kuti kana tikaisa Jehovha pakutanga, achava simba redu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Bhuku rinonzi Salvation rakabudiswa muna 1939. Iye zvino harichadhindwi.

^ ndima 22 Nyaya youpenyu hwaHama Coville yakabuda muNharireyomurindi yaMarch 15, 1961.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ndiine mumwe mumishinari wandaishanda naye, Astrid Anderson (ari kurudyi)

[Mufananidzo uri papeji 18]

Tiri mubasa rokufambira nomurume wangu muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiina Allan muna 2000