Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Paridza Kusunungurwa Kunhapwa”

“Paridza Kusunungurwa Kunhapwa”

“Paridza Kusunungurwa Kunhapwa”

PAAKATANGA ushumiri hwake, Jesu akazivisa kuti rimwe rebasa rake raiva ‘rokuparidza kusunungurwa kunhapwa.’ (Ruka 4:18) Vachitevera muenzaniso waTenzi wavo, vaKristu vechokwadi vanoparidza mashoko akanaka oUmambo ku“vanhu vemarudzi ose” vachiita kuti vasunungurwe pakutapwa mune zvokunamata uye kuvabatsira kuti vavandudze upenyu hwavo.—1 Timoti 2:4.

Nhasi, basa iri rinosanganisira kuparidzira nhapwa chaidzo—vanhu vakasungirwa mhosva dzakasiyana-siyana uye vanoda kusunungurwa mune zvokunamata. Fadzwa nomushumo uyu unokurudzira wemabasa eZvapupu zvaJehovha okuparidza mumajeri okuUkraine nokumwewo muEurope.

Kubva Pakupindwa Muropa Nezvinodhaka Ndokuva vaKristu

Pamakore 38 oupenyu hwaSerhii *, 20 acho aiva mujeri. Akatopedza chikoro ari mujeri. Anoti: “Makore akawanda akapfuura, ndakaiswa mujeri nemhosva yokuponda, uye ndichine mamwe makore okupika. Mujeri ndaiita somudzvinyiriri, uye vamwe vasungwa vainditya.” Izvi zvakaita kuti asununguke here? Kwete. Kwemakore akawanda, Serhii aiva muranda wezvinodhaka, doro, nefodya.

Zvadaro mumwe musungwa akamuudza chokwadi cheBhaibheri. Chakanga chakaita sechiedza chaipenya murima. Mumwedzi mishomanana, akarega kushandisa zvinodhaka, akava muparidzi wemashoko akanaka, uye akabhabhatidzwa. Iye zvino Serhii ava nezvizhinji zvokuita mujeri, achishanda somushumiri wenguva yakazara waJehovha. Akabatsira vapari vemhosva vanomwe kuti vachinje mararamiro avo ndokuva hama dzake dzaanonamata nadzo. Vatanhatu vacho vakatobudiswa, asi Serhii achiri mujeri. Izvi hazvimugumburi nokuti ari kufara kuti anogona kubatsira vamwe kuti vasunungurwe muusungwa hwezvokunamata.—Mabasa 20:35.

Mumwe akadzidza naSerhii mujeri aiva Victor, aimbova mutengesi wezvinodhaka uye akapindwa muropa nazvo. Pashure pokunge abuda mujeri, Victor akaramba achifambira mberi mune zvokunamata uye akapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri muUkraine. Iye zvino anoshumira sapiyona chaiye muMoldova. Victor anoti: “Ndakatanga kusvuta pandaiva nemakore 8, kunwa doro zvisina mwero pamakore 12, uye kushandisa zvinodhaka pandaiva nemakore 14. Ndaida kuchinja upenyu hwangu, asi zvose zvandaiita zvaikundikana. Zvadaro muna 1995, ini nomudzimai wangu pataironga kuti tibve munzvimbo yaiva neshamwari dzangu dzakaipa, mudzimai wangu akabayiwa nebanga akafa nomumwe mupengo aingoda zvokuuraya vanhu. Upenyu hwangu hwakabva hwashayiwa zvahunoreva zvachose. ‘Mudzimai wangu ari kupi zvino? Chii chinoitika panofa munhu?’ Ndakaramba ndichibvunza mibvunzo asi handina kuwana mhinduro. Ndakatowedzera kushandisa zvinodhaka kuti ndikurire kurasikirwa kwangu. Ndakasungirwa kutengesa zvinodhaka uye ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu. Ndiri imomo, Serhii akandibatsira kuwana mhinduro dzandaitsvaka. Ndakanga ndamboedza kurega zvinodhaka kakawanda, asi panguva ino ndakazobudirira ndichibatsirwa neBhaibheri. Shoko raMwari rine simba zvikuru!”—VaHebheru 4:12.

Matsotsi Emakoko Anochinja

Vasyl haana kumboshandisa zvinodhaka, asi hazvirevi kuti akanga asiri muranda. Anotsanangura kuti: “Ndaiva ndapindwa muropa nokurwa. Ndakazvidzidzisa kuti ndirove vanhu vachisara vasina mavanga.” Vasyl aishandisa chisimba kubira vanhu. “Ndakaenda kujeri katatu, izvo zvakaita kuti mudzimai wangu andirambe. Pandaiva mujeri kokupedzisira ndatongerwa makore mashanu, ndakaverenga mabhuku eZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakaita kuti ndide kuverenga Bhaibheri, asi ndakanga ndichiri kuita zvandaida chose—kurwa.

“Zvisinei, pashure pemwedzi mitanhatu ndichiverenga Bhaibheri, chimwe chinhu chakachinja mandiri. Kukunda pakurwa kwakanga kusingachandifadzi sezvakwaimboita. Saka ndakatanga kuongorora upenyu hwangu ndichibatsirwa nemashoko ari pana Isaya 2:4 uye ndakaona kuti kana ndaisazochinja mafungiro angu, ndaizopedza upenyu hwangu hwose ndiri mujeri. Ndakabva ndarasa zvose zvandaishandisa pakurwa ndichibva ndatanga kugadzirisa unhu hwangu. Zvakanga zvisiri nyore, asi kufungisisa uye munyengetero zvakandibatsira zvishoma nezvishoma kurega tsika dzangu dzakaipa. Dzimwe nguva, ndaiteterera Jehovha ndichichema kuti andipe simba rokurega kupindwa muropa kwandakanga ndaitwa. Pakupedzisira, ndakabudirira.

“Ndabuda mujeri, ndakayanana nemhuri yangu. Iye zvino ndinoshanda mumugodhi wemarasha. Izvi zvinondipa nguva yakawanda yokuita basa rokuparidza pamwe nomudzimai wangu uye kuita mabasa andiinawo muungano.”

Mykola neshamwari dzake vakaba mumabhengi anoverengeka muUkraine. Izvi zvakaita kuti apike jeri kwemakore gumi. Asati asungwa, akanga amboenda kuchechi kamwe chete—achigadzirira kuzobira chechi yacho. Zvinhu hazvina kufamba zvakanaka, asi kushanya ikoko kwakaita kuti Mykola afunge kuti Bhaibheri rinofanira kunge rakazara nenyaya dzinofinha pamusoro pevapristi veOrthodox, makenduru, nemazororo echitendero. Anoti: “Handinyatsozivi kuti nei chaizvo, asi ndakatanga kuverenga Bhaibheri. Zvakandishamisa kuona kuti rakanga rakasiyana chaizvo nezvandaifungidzira!” Akakumbira kudzidziswa Bhaibheri uye akabhabhatidzwa muna 1999. Uchimutarisa nhasi, zvakaoma kudavira kuti mushumiri anoshumira anozvininipisa uyu aimbova tsotsi rine utsinye raishandisa zvombo kubira mabhengi!

Vladimir akanga atongerwa rufu. Paaimirira kuzourayiwa, akanyengetera kuna Mwari uye akavimbisa kuti aizomushumira kana akaregererwa. Zvichakadaro, mutemo wakachinjwa, uye mutongo wake worufu wakachinja ukava wokuti apedze upenyu hwake hwose ari mujeri. Kuti achengete mhiko yake, Vladimir akatanga kutsvaka chitendero chechokwadi. Akaita kosi ari mujeri ndokuwana dhipuroma kuchechi yeAdventist, asi haana kugutsikana.

Zvisinei, averenga magazini eNharireyomurindi neMukai! aiva muraibhurari yepajeri, Vladimir akanyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuUkraine achikumbira kushanyirwa. Hama dzomunharaunda yacho padzakamushanyira, akanga ava kutozviona seChapupu uye akanga achiparidza mujeri. Akabatsirwa kuti ave muparidzi woUmambo. Pari kunyorwa nyaya ino, Vladimir nevamwe vanomwe vari mujeri racho vakamirira kuti vabhabhatidzwe. Asi vane chinetso. Sezvo vasungwa vakatongerwa kugara mujeri kwoupenyu hwavo hwose vachichengetwa muzvitokisi maererano nezvitendero zvavo, Vladimir nevamwe vari muchitokisi chimwe chete naye vanotenda zvakafanana. Saka vangaparidzira ani? Vanoparidzira varindi vejeri uye kuparidza vachinyora tsamba.

Nazar akatama kubva kuUkraine achienda kuCzech Republic, kwaakanobatana nechikwata chembavha. Izvi zvakaita kuti apike jeri kwemakore matatu nehafu. Paaiva mujeri, akabvuma kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha zvomuguta reKarlovy Vary, akadzidza chokwadi, uye akachinja nzira dzake dzose. Achiona izvi, mumwe murindi akaudza mumwe aigara naNazar muchitokisi kuti: “Kudai imi mose maizova somunhu uya wokuUkraine, ndaizochinja basa rangu.” Mumwe akati: “Zvapupu zvaJehovha izvi inyanzvi chaidzo. Mujeri munouya tsotsi; mozobuda munhu ane unhu hwakanaka.” Iye zvino Nazar akadzokera kumba. Akadzidzira kuveza ndokuroora, uye iye nomudzimai wake vari kuita ushumiri hwenguva yakazara. Anoonga zvikuru kushanyirwa kwaakaitwa neZvapupu ari mujeri!

Kuzivikanwa Zviri Pamutemo

Havasi vasungwa chete vanoonga basa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Miroslaw Kowalski, mutauriri werimwe jeri muPoland, akati: “Tinoonga zvikuru kushanya kwavanoita. Vamwe vasungwa vakarererwa mumamiriro ezvinhu anosiririsa. Zvimwe havana kumbobatwa sevanhu. . . . Kubatsira [kweZvapupu] kunokosha zvikuru nokuti tine vashandi nevadzidzisi vashoma.”

Mutarisiri werimwe jeri muPoland akanyorera hofisi yebazi, achikumbira kuti Zvapupu zviwedzere basa razvo mujeri rake. Nei? Anotsanangura kuti: “Kushanya kakawanda kunoitwa nevamiririri veWatchtower kungabatsira vasungwa kuti vavewo nounhu hwakanaka, hunoderedza utsinye hwavanahwo pakati pavo.”

Rimwe pepanhau rokuUkraine rakataura nezvomusungwa aiva akaora mwoyo akaedza kuzviuraya asi akabva azobatsirwa neZvapupu zvaJehovha. “Parizvino, pfungwa dzomurume uyu dzagadzikana,” mushumo wacho unodaro. “Anonyatsoteerera zvinodiwa mujeri uye muenzaniso wakanaka kune vamwe vasungwa.”

Kubatsira Kwacho Hakugumiri Mujeri

Kubatsira kwebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha hakugumiri mujeri. Vanoramba vachibatsira vasungwa pavanenge vasunungurwa. VaKristu vaviri, Brigitte naRenate, vave vachibatsira vanhu nenzira iyi kwemakore akati kuti. Pepanhau rokuGermany, rinonzi Main-Echo Aschaffenburg, rinotaura nezvavo richiti: “Vanotarisira vasungwa kwemwedzi mitatu kusvika kumishanu pavanenge vasunungurwa, vachivakurudzira kuti vawane chinangwa muupenyu. . . . Vave vachizivikanwa zviri pamutemo sevashandi vakazvipira kutarisira vasungwa vanenge vachangosunungurwa. . . . Vanoshandawo nevashandi vomujeri nenzira inokurudzira uye yakanaka.” Kubatsira uku kwakaita kuti vanhu vakati kuti vagume vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha.

Kunyange vakuru vakuru vejeri vanobatsirwa nebasa reZvapupu zvaJehovha rokudzidzisa Bhaibheri. Somuenzaniso, Roman akanga ari mukuru wemauto uye chiremba wepfungwa mune rimwe jeri rokuUkraine. Zvapupu pazvakashanyira musha wake, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvadaro akaziva kuti Zvapupu zvakanga zvisingabvumirwi kutaura nevasungwa vepaaishanda. Saka akakumbira mutarisiri wejeri racho kuti amubvumire kushandisa Bhaibheri rake paaishanda nevasungwa. Chikumbiro chake chakabvumwa, uye vasungwa vanenge gumi vakafarira. Roman aigara achikurukura nevasungwa ava zivo yeBhaibheri yaakanga ari kuwana, uye zvaaiita zvakaguma zvakanaka chaizvo. Vabudiswa, vamwe vakaramba vachifambira mberi uye vakava vaKristu vakabhabhatidzwa. Achiona simba reShoko raMwari, Roman akawedzera chido chake chokudzidza. Akasiya zvechiuto ndokuenderera mberi nebasa rake rokudzidzisa vanhu Bhaibheri. Iye zvino ava kuita basa rokuparidza pamwe chete nomumwe aimbova musungwa.

“Pano tinoraramiswa neBhaibheri, mabhuku eBhaibheri, uye kudzidza Bhaibheri,” akanyora kudaro mumwe musungwa. Mashoko aya anonyatsotsanangura kudiwa kuri kuitwa mabhuku eBhaibheri mune mamwe majeri. Imwe ungano iri muUkraine inotaura nezvebasa rokudzidzisa Bhaibheri mujeri romunzvimbo iyi ichiti: “Vanotarisira jeri vanoonga mabhuku atinovaunzira. Tinovaunzira magazini 60 eNharireyomurindi ne60 eMukai!” Imwe ungano yakanyora kuti: “Tinotarisira rimwe jeri rine maraibhurari maduku 20. Takapa raibhurari imwe neimwe mabhuku edu atinonyanya kushandisa. Izvi zvakaita kuti tivape mabhokisi 20 emabhuku.” Mune rimwe jeri, varindi vanochengeta faira remagazini edu muraibhurari kuitira kuti vasungwa vabatsirwe nemagazini imwe neimwe inobuda.

Muna 2002 hofisi yebazi muUkraine yakava neDhipatimendi rinotarisira Majeri. Parizvino, dhipatimendi racho rakakurukura nemajeri anenge 120 uye rakaita kuti pave neungano dzinoatarisira. Mwedzi woga woga tsamba dzinenge 50 dzinogamuchirwa dzichibva kuvasungwa, vakawanda vacho vachikumbira mabhuku kana kuti kukumbira kudzidziswa Bhaibheri. Bazi racho rinovatumira mabhuku, magazini, nemabhurocha kusvikira hama dzinogara pedyo dzavashanyira.

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti, “Rambai muchifunga vaya vakasungwa nezvisungo zvomujeri.” (VaHebheru 13:3) Akanga achitaura nezvevaya vaive vakasungirwa kutenda kwavo. Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichifungawo nezvevaya vakasungwa, zvinoshanyira majeri, uye ‘zvinoparidza kusunungurwa kunhapwa.’—Ruka 4:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Rusvingo rwejeri reL’viv, kuUkraine

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mykola

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vasyl nomudzimai wake, Iryana

[Mufananidzo uri papeji 10]

Victor