Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Isingaruramisiri

Nyika Isingaruramisiri

Nyika Isingaruramisiri

UNOBVUMA here kuti tiri kurarama munyika isingaruramisiri? Hapana mubvunzo kuti unobvuma. Chokwadi ndechokuti pasinei nezvatinokwanisa kuita uye pasinei nokuti tinoronga sei upenyu hwedu nokuchenjera, hatiwani pfuma kana kubudirira kunyange zvokudya chaizvo. Zvinowanzoitika ndezviya zvakataurwa naMambo Soromoni wekare akanga akachenjera paakati: “Vakachenjera havasi ivo vane zvokudya, uyewo vakangwara havasi ivo vane pfuma, kunyange vaya vane unyanzvi havasi ivo vanobudirira.” Nei? Soromoni anoenderera mberi achiti, “nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”—Muparidzi 9:11.

“Nguva Yakaipa Painongoerekana Yasvika”

Chokwadi, “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi,” izvo zvinowanzoreva kuva panzvimbo ine ngozi panguva isina kukodzera, ndizvo zvinowanzokanganisa zvinhu zvatinenge takanyatsoronga uye zvatinenge tichitarisira zvikuru. Maererano naSoromoni, “takangofanana nehove dziri mumambure, takangofanana neshiri yakabatwa pamusungo, . . . nguva yakaipa painongoerekana yasvika.” (Muparidzi 9:12, NE) Somuenzaniso, mamiriyoni evanhu anoshanda asingaregi achirima ivhu kuti awanire mhuri dzawo zvokudya, asi anongozozviwana abatwa mumusungo ne“nguva yakaipa” mvura painorega kunaya zvirimwa zvavo zvoparadzwa.

Vamwe vanoedza kubatsira, asi kunyange rubatsiro runopiwa nevanhu vari munyika yose kuvanhu vanenge vawirwa ne“nguva yakaipa” runowanzokunge rusina kururamisira. Somuenzaniso, mune rimwe gore richangopfuura, nechinangwa chokuedza kupedza nzara, “nyika yose [yeAfrica] yakagamuchira mari yokuyamura inokwana chikamu chimwe muzvishanu bedzi chemari yakashandiswa muhondo yokuGulf,” sokutaura kunoita rimwe sangano rokuyamura. Kwaiva kururamisira here kuti vaya vaiva nemari vakashandisa mari yakawanda kakapetwa kashanu vachirwa hondo munyika imwe chete kudarika yavakashandisa mukuderedza marwadzo nokutambura zvinokonzerwa nenzara mukondinendi yose zvayo? Uye kururamisira here kuti vakawanda pavabudirira mune zvokunyama, munhu mumwe chete pavanhu vana vanogara pasi pano achiri kurarama muurombo hwakaipisisa kana kuti mamiriyoni evana anofa gore roga roga nezvirwere zvinogona kudzivirirwa? Chokwadi hakusi kururamisira!

Zvechokwadi, zvinopfuura “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvinobatanidzwa “nguva yakaipa painongoerekana yasvika.” Masimba ane simba zvikuru atisingakwanisi kuita chinhu nezvawo ndiwo anotungamirirawo upenyu hwedu uye ndiwo anosarudza zvinoitika kwatiri. Izvozvo ndizvo zvakanyatsoitika chaizvo muBeslan, Alania, mumatsutso a2004, apo mazana evanhu, vakawanda vavo vaiva vana vaduku vakanga vaenda kuchikoro musi wavo wokutanga, vakaurayiwa muhondo youtsinye yaiva pakati pemagandanga nemauto ehurumende. Chokwadi, kuti ndiani akafa kana akapona mudambudziko iroro zvakakonzerwa nezvakangoerekana zvaitika—asi chinhu chikuru chakakonzera ‘nguva iyoyo yakaipa’ kwaiva kurwisana kwevanhu.

Zvichangogara Zvakadai Here?

“Asi ndizvo zvakaita upenyu,” vamwe vanodaro pavanenge vachitaura nezvokusaruramisira. “Zvagara zvakadai, uye zvichangoramba zvakadaro.” Maererano navo, vane simba vachangogara vachidzvinyirira vasina simba, uye vapfumi vachangogara vachishandisa zvisina kufanira varombo. Vanoti, izvozvo zvikabatanidzwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi,” zvichativhiringidza chero bedzi vanhu varipo.

Ndizvo zvazvinofanira kunge zviri here chaizvoizvo? Zvichazombokwanisika here kuti vaya vanoshandisa mano avo noungwaru uye nouchenjeri vawane mubayiro une kururamisira unoenderana nokushanda kwavo nesimba? Pane munhu anogona kuchinja zvechigarire nyika ino isingaruramisiri here? Chimboona zvinotaurwa nenyaya inotevera nezvenhau iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Murume ane mwana: UN PHOTO 148426/McCurry/Stockbower

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

MAXIM MARMUR/AFP/Getty Images