Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iye Akawana Donzo Muupenyu

Iye Akawana Donzo Muupenyu

VAZIVISI Voumambo Vanoshuma

Iye Akawana Donzo Muupenyu

JESU anoti anoziva makwai ake. (Johane 10:14) Kana munhu ane mwoyo wakanaka norudo nokuda kworugare nokururama, iyeyo achakweverwa kuvateveri vaJesu. Munhu akadaro achawana donzo muupenyu, sezvakaita mumwe mukadzi muBelgium. Heino nhau yake:

“Apo Zvapupu zvaJehovha zvakagogodza pasuo rangu, ndakanga ndakaora mwoyo zvikuru uye ndichifunga nezvokugumisa upenyu hwangu. Ndakada izvo Zvapupu zvakataura pamusoro pechigadzikiso chezvinetso zvenyika ino inorwara asi handina kuda pfungwa yokuti Mwari akanga achibatanidzwa. Ndakanga ndarega kuenda kuchechi makore masere pamberi pezvi, sezvo ndaivenga unyengeri hwandaiona ikoko. NeZvapupu, kunyanguvezvo, ndakaziva zvokwadi mune zvazvaitaura ndokusvika pakuziva kuti, pashure pokurangarira zvose, kwakaoma kurarama pasina Mwari.

“Nenzira isingafadzi, pashure peshanyo shomanene, onano neZvapupu yakarasika. Ndakanzwa ndakasuruvara. Ndaisvuta mapakiti maviri emidzanga pazuva ndokutotendeukira kumirimo. Ndichida kukurukura nasekuru vangu vakafa, ndakapinda mukurukurirano nemidzimu. Ndakatyiswa sei apo ndiri ndoga usiku ndakawana denho dzamadhemoni somuuyo! Ikoku kwakagara kwemwedzi yakati. Madekwana mamwe namamwe ndaityiswa nomufungo wokuva ndiri ndoga.

“Ipapo, rimwe zuva ndakafamba, ndichienda nenzira yakasiana neyangu yenguva dzose, uye ndakasvika panzvimbo huru iri kuvakwa. Kushamisiko yangu ndakaona boka guru ipapo. Ndichisvika pedyo zvikuru, ndakaona kuti zvakanga zviri Zvapupu zvaJehovha zviri kuvaka Horo yoUmambo. Ndakayeuka shanyo idzo Zvapupu zvakanga zvaita pamusha pangu, uye ndakafunga kuti kwaizova kunoshamisa sei kudai nyika yose yaigona kugara sezvinoita ava vanhu.

“Ndakashuva chaizvoizvo kuti Zvapupu zvidzoke kumusha kwangu, naizvozvo ndakataura kuvamwe vaavo vaishanda pahoro. Ndakanyengetera kuna Mwari, uye mazuva gumi gare gare murume akanga atanga kuonana neni akanga ari pasuo rangu. Iye akakarakadza kuti tipfuuridzire fundo yeBhaibheri, uye ndakabvuma nomufaro. Pakarepo akandikoka kumisangano kuHoro yoUmambo. Ndakagamuchira. Ndakanga ndisina kutongoona chiono chakadaro! Ndakanga ndatsvaka kwenguva refu kwazvo vanhu vaidanana uye vaifara. Uye hevano pakupedzisira!

“Pashure paikoko ndakaenda kumisangano yose. Pashure pamavhiki anenge matatu, ndakarega tsika yakashata yokusvuta. Ndakarasa mabhuku angu pamusoro pokunzvera nyeredzi namarekodhi angu ane nziyo dzokunamata Satani, uye ndaigona kunzwa kuti madhemoni akanga ari kurasikirwa nokundibata kwawo. Ndakaruramisa upenyu hwangu mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri yaJehovha, uye pashure pemwedzi mitatu ndakatanga kuparidzira mashoko akanaka. Pashure pemwedzi mitanhatu ndakabhapatidzwa. Mazuva maviri pashure porubhapatidzo rwangu, ndakatanga kuita upiona hwebetsero.

“Ndinoonga Jehovha nokuda kwezvinhu zvose zvakanaka zvaakandiitira. Upenyu hwangu hune donzo pakupedzisira. Hungu, zita raJehovha inhare yakasimba umo ndakawana utiziro nedziviriro. (Zvirevo 18:10) Ndinonzwa chaizvoizvo sezvakaita wezvamapisarema apo akanyora Pisarema 84:10, kuti: ‘Zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, pakuti ndigare pamatente avane zvakaipa.’”

Uyu mukadzi ane mwoyo munyoro akawana donzo muupenyu. Ndizvo zvinogona kuitawo munhu upi noupi anotsvaka Jehovha nomwoyo wakanaka.