Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Vaparidzi veUmambo vemuBritain—Mukai!!”

“Vaparidzi veUmambo vemuBritain—Mukai!!”

MASHOKO ekuti: “Vaparidzi veUmambo vemuBritain—Mukai!!” akakurudzira vanhu kuti vawedzere kuita basa. (Informant, * December 1937, London edition) Mumwe musoro waiva munyaya iyi waiti: “Mumakore 10 Apfuura, Hatisati Taona Kuwedzera Kwenhamba Yevaparidzi.” Peji yekutanga yeInformant yainyatsoratidza kuti ichi chaiva chokwadi nekuti yaiva nemushumo webasa remumunda wemakore 10, kubva muna 1928 kusvika muna 1937.

MAPIYONA AINGE AWANDISA HERE?

Chii chainge chaita kuti basa rekuparidza risawedzera muBritain? Zvaiita sekuti ungano dzakanga dzisiri kuwedzera mashandiro adzaiita. Uyewo, bazi rainge raona kuti ndima yemunyika iyi yaingokwanisa kushandwa nemapiyona anenge 200 chete aishanda mundima dziri kwadzo dzega kwainge kusina ungano. Saka bazi rakaudza vanhu vaida kuva mapiyona kuti hapachina nzvimbo yekuti vashande, saka vakakumbirwa kuti vatamire kune dzimwe nyika dzemuEurope. Zvinofadza kuti mapiyona akati kuti akabva muBritain achienda kunyika dzakadai seFrance, pasinei zvapo nekuti vaisanyatsogona mutauro weko uye vamwe vaisatouziva zvachose.

WEDZERAI KUSHANDA NESIMBA

Imwe nyaya yaiva muInformant ya1937 yakataura kuti vaparidzi vaifanira kushanda kuti vasvitse maawa 1 miriyoni mugore ra1938! Izvi zvaizoitika kana muparidzi mumwe nemumwe akaita maawa 15 pamwedzi muushumiri, uye piyona akaita maawa 110. Yakataura nezvekuronga mapoka ebasa remumunda aizoshanda kwemaawa 5 pazuva uye nezvekudzokera kuvanhu vaifarira, kunyanya manheru epakati pevhiki.

Mapiyona aishanda nesimba muushumiri

Vakawanda vakafara nemashoko aya. Hilda Padgett anoti, “Iyi yaiva kurudziro yakabva kumahofisi edu makuru, iyo yakafarirwa nevakawanda vedu, uye yakabatsira chaizvo.” * Hanzvadzi E. F. Wallis vakati: “Urongwa hwekuti vanhu vaite maawa 5 pazuva vachiparidza ndakahufarira! Hakuna mufaro ungaenzana nekuswera uchishanda mubasa raShe. . . . Taidzoka kumba taneta, asi tichifara!” Hama yechidiki, Stephen Miller, akaona kuti basa iri raifanira kukurumidza kuitwa achibva aritsigira. Aida kuriita achine mukana! Anoyeuka pavaiswera vachiparidza vachifamba nemabhasikoro uye kana ava manheru voridza hurukuro dzakarekodhwa. Vaifamba vachiparidza vaine zvikwangwani uye vachipa vanhu magazini mumigwagwa.

Informant yakatizve: “Tiri kuda uto remapiyona 1 000.” Pakapiwa murayiridzo mutsva wekuti mapiyona haachafaniri kushanda ari ega, asi ava kushanda neungano kuti adzisimbise. Joyce Ellis (ainzi Joyce Barber asati aroorwa) anoti, “Hama dzakawanda dzakaona kuti dzaifanira kupayona. Kunyange zvazvo panguva iyi ndaiva nemakore 13 chete, ndaidawo kupayona.” Akazotanga kupayona muna July 1940, ava nemakore 15. Peter, uyo akazoroora Joyce, akanzwa chiziviso ichi chaiti vaparidzi vemuBritain vaifanira kumuka, uye izvi zvakaita kuti “atange kufunga nezvekupayona.” Muna June 1940, paaiva nemakore 17, akachovha bhasikoro kwemakiromita 105 achienda kuScarborough kunopayona.

Cyril naKitty Johnson vakatangawo kupayona uye vainge vakazvipira. Vakatengesa imba yavo nezvinhu zvavaiva nazvo kuti vawane chinovararamisa pakuita basa iri. Cyril akasiya basa raaimboita, uye pasina kana mwedzi vakanga vatogadzirira kutanga kupayona. Anoti: “Taiva nechokwadi chekuti taizozvikwanisa. Takaita izvi tichifara.”

DZIMBA DZEMAPIYONA

Sezvo nhamba yemapiyona yakanga ichiwedzera chaizvo, hama dzaitungamirira dzakatsvaka nzira dzekubatsira uto iri remapiyona. Muna 1938 Jim Carr, uyo aiva mubatiri wenharaunda (iye zvino ava kunzi mutariri wedunhu), akatevedzera zvakanga zvarongwa zvekuti pave nedzimba dzemapiyona mumaguta. Mapiyona akakurudzirwa kuti agare ari mumapoka uye achishanda pamwe chete kuti pasanyanya kushandiswa mari yakawanda. KuSheffield kwaiva neimba yakakura yavairenda, uye paiva nehama yaiona nezveimba iyi. Ungano yeko yakavapa mari nemidziyo yekushandisa. Jim anoyeuka kuti: “Munhu wese akashanda nesimba kuti izvi zvibudirire.” Paimba iyi paigara mapiyona 10 aishingaira, uye aiva nepurogiramu yekuita zvekunamata. “Mazuva ose mapiyona aya aiita rugwaro rwezuva mangwanani,” obva “azobuda achienda kundima dzaiva kwakasiyana-siyana muguta iri.”

Mapiyona matsva achiita basa muBritain

Vaparidzi nemapiyona vakaita zvavainge vakumbirwa, ndokusvitsa maawa 1 miriyoni aidiwa muna 1938. Mishumo yacho inoratidza kuti haasi maawa ega akawedzera. Mumakore 5, nhamba yevaparidzi vekuBritain yakawedzera zvakapetwa kanenge katatu. Kushingaira kwavakaita muushumiri kwakavabatsira kutsungirira matambudziko avakazosangana nawo mumakore airwiwa hondo.

Mazuva ano, nhamba yemapiyona ekuBritain iri kuwedzera zvekare, hondo yaMwari yeAmagedhoni zvairi kuswedera pedyo. Mapiyona anga achiramba achiwedzera mumakore 10 apfuura, uye muna October 2015, kwaiva ne13 224. Mapiyona aya anonyatsoziva kuti kuita basa iri kushandira zviripo.

^ ndima 3 Yakazonzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo nekufamba kwenguva.

^ ndima 8 Nyaya yeupenyu yaHanzvadzi Padgett inowanika muNharireyomurindi yaOctober 1, 1995, mapeji 19-24.