Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anonzwa Minyengetero Yako Here?

Mwari Anonzwa Minyengetero Yako Here?

Paunonyengetera, unofunga kuti Mwari anokunzwa here?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

  • Mwari anotinzwa. Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari, vese vanodana kwaari muchokwadi. . . . Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pisarema 145:18, 19.

  • Mwari anoda kuti unyengetere kwaari. Bhaibheri rinoti: “Panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera muchiteterera pamwe chete nekuonga.”—VaFiripi 4:6.

  • Mwari anokuda. Anonyatsoziva matambudziko edu nezvinotishungurudza, uye anoda kutibatsira. Bhaibheri rinoti: ‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’—1 Petro 5:7.