Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NDIMWARI AKASIKA HERE?

Mashandiro Anoita Ndebvu Dzekatsi

Mashandiro Anoita Ndebvu Dzekatsi

KATSI dzepamba dzinowanzofarira kufamba usiku. Dzinoshandisa ndebvu kuti dzizive zvinhu zvinenge zviri pedyo uye kana dzichida kubata zvinhu zvakadai sembeva nezvimwewo.

Funga izvi: Ndebvu dzekatsi dzinogona kunzwa kuzununguka kunenge kwaita kanhu kadiki kana kuti kufamba kunoita mhepo. Izvi zvinoita kuti igone kuziva zvinhu zvinenge zviri pedyo kunyange isiri kuona zvinhu zvacho, zvichibva zvaibatsira pakunenge kuine rima.

Sezvo ndebvu dzekatsi dzichikwanisa kunzwa kupfakanyika kwechinhu, dzinogona kuziva panenge paine kamhuka kainenge ichida kubata uye kuziva kwakari kufamba kachienda. Ndebvu idzi dzinoibatsirawo kuona kukura kunenge kwakaita buri kuti izive kuti inokwana here isati yapinda nepaburi racho. Encyclopædia Britannica inoti “vanhu vanongonzwisisa zvishoma mashandiro anoita ndebvu dzekatsi, asi zvinonzi kana ndebvu dzacho dzikagerwa, katsi inotombotadza kuita zvimwe zvinhu kwekanguva.”

Masayendisiti ari kutevedzera mashandiro anoita ndebvu dzekatsi nokugadzira michina inokwanisa kufamba isingabonderi. Musayendisiti wepaUniversity of California, Berkeley anonzi Ali Javey anoti, “mashandiro anoita ndebvu dzekatsi anobatsira pakugadzira michina yemhando yepamusoro yakawanda inobatsira pakuita mabasa.”

Unofungei? Mwari ndiye akaita kuti ndebvu dzekatsi dzishande mashandiro adzinoita here kana kuti zvakangoerekana zvaitika zvoga?