MUKAI! January 2014 | Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?

Vakawanda havachavimbi nenhau dzavanoverenga kana kunzwa. Zvii zvaungaita kuti usarerekera divi rimwe panyaya dzaunonzwa?

NYAYA IRI PAKAVHA

Unovimba Here Nezvinobudiswa Munhau?

Maziviro aungaita kuti nhau dzauri kuverenga kana kunzwa ndedzechokwadi.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kutaura Nemwana Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira

Garai mataura nemwana wenyu chazvakaipira asati apinda mudambudziko iri.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Nyatsoteerera Mumwe Wako

Kudzokorora zvataurwa kuratidza kuti wazvinzwa, hunotova unyanzvi asi chinokosha zvinoratidza kuti une rudo. Ona kuti ungavandudza sei kuteerera kwaunoita.

Zvaungaita Kana Waguma Kuenda Kumwedzi

Kuudza mhuri yako kana kuti shamwari yepedyo zviri kuitika kwauri, zvichabatsira kuti ivo pamwe chete newe muzive zvamungazoita paunosangana nematambudziko anokonzerwa nokuguma kuenda kumwedzi.

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Wanano

Ona kuti mabasa akapiwa vari muwanano naMwari anogona sei kubatsira kuti murume nomukadzi vafare mumba.

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Jesu

Jesu ndiMwari Here? Jesu akaberekwa riini? Akamutswa here pashure pokunge afa?