Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Nyatsoteerera Mumwe Wako

Nyatsoteerera Mumwe Wako

DAMBUDZIKO

Mudzimai wako anokuudza kuti, “Hausi kunditeerera!” ‘Asi ndanga ndichiteerera,’ unozviudza kudaro. Chinogona kuitika ndechokuti, zvawanzwa zvakasiyana nezvataurwa nomudzimai wako. Izvi zvichaita kuti mutange kupopotedzana.

Pane zvaunogona kuita kuti dambudziko iri ripere. Chokutanga, unofanira kuziva kuti chii chingaita kuti utadze kunzwa zviri kunyatsorehwa nomudzimai wako kunyange zvazvo uchifunga kuti unenge wakamuteerera. *

CHINOZVIKONZERA

Wakaneta kana kuti pane zviri kukutadzisa kuteerera. Vana vari kuita ruzha, TV iri kuitawo ruzha uye pane zvaitika kubasa zviri kukunetsa. Iye zvino mudzimai wako anouya kuzotaura newe achikuudza nezvevaenzi vachauya manheru. Unogutsurira musoro uchiti “horaiti” asi wanyatsonzwa here zvaataura? Kunenge kuti hauna.

Unoita zvokufungidzira. Zvinonzi kuita zvokufungira kuti mumwe wako anenge ari kureva zvakati izvo zvisirizvo kunokanganisa wanano yenyu. Ngatitii mudzimai wako ati: “Vhiki rino wanga uchinonoka kubva kubasa.” Ukatadza kuona, unogona kuti: “Haisi mhosva yangu! Ndinotofanira kushanda ovhataimu, handiti uri kukoromora zvikwereti saka unoda kuti tizvibhadhare sei?” “Handina kuti uri kukanganisa!” mudzimai wako anokupindura inzwi riri mudenga. Mudzimai wako chaanga achireva ndechokuti zvingaita here kuti panopera vhiki mumbova nenguva yokumbofurwa nemhepo muri pamwe chete.

Unomhanyira kuda kugadzirisa zvinhu. “Dzimwe nguva ndinenge ndichingoda kutaura zviri mumwoyo mangu,” anodaro Joyce, * “asi Mike anenge achida kundiudza kuti ndingagadzirisa sei dambudziko racho. Handisi kuda kugadzirisa dambudziko. Ndiri kungoda kuti ateerere zvandiri kumuudza.” Dambudziko riri papi? Pfungwa dzaMike dziri mubishi rokuona kuti dambudziko ringagadziriswa sei. Kuita izvi kuchaita kuti atadze kunzwa chimwe chinhu kana kuti zvose pane zviri kutaurwa naJoyce.

Pasinei nokuti dambudziko riri kukonzerwa nei, ungaitei kuti unyatsoteerera mudzimai wako?

ZVAUNGAITA

Pfungwa dzako dzose ngadzive pane zviri kutaurwa nomumwe wako. Mudzimai wako ane zvinhu zvinokosha zvaari kuda kutaura, wagadzirira here kuteerera? Zvimwe hausati. Pfungwa dzako dzinogona kunge dziri kutofunga zvimwe zvinhu. Kana zviri izvo zviri kuitika, usanyepedzera kuita kunge uri kuteerera. Kana zvichiita, siya zvauri kuita wonyatsoteerera mudzimai wako, kana kuti mukumbire kuzokurukura nyaya yacho wapedza zvauri kuita.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jakobho 1:19.

Bvumiranai kuti munhu mumwe chete ataure panguva. Kana wava mukana wako wokuti uteerere, edza kuti usadimburira mumwe wako kana kuratidza kuti hausi kubvumirana nazvo. Mukana wako wokutaura uchasvikawo. Iye zvino chimboteerera.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 18:13.

Bvunza mibvunzo. Kuita izvi kuchakubatsira kunzwisisa zviri kurehwa nomumwe wako. Joyce ambotaurwa anoti: “Mike paanondibvunza mibvunzo ndinozvifarira chaizvo. Zvinondiratidza kuti ane hanya nezvandiri kutaura.”

Inzwa zvaari kureva, kwete mashoko aataura. Cherechedza zvaanoita muviri wake, maziso ake uye matauriro ake. Mashoko okuti “horaiti” anogona kureva kuti “Handisi kubvumirana nazvo”—zvichibva pakuti ataurwa sei. “Hauna kana kumbondibatsira” anogona kureva kuti “Zvinoita sokuti handikoshi kwauri.” Edza kunzwisisa zvaari kureva, kunyange asina kuita zvokutaura. Nokuti ukasadaro mungazopedzisira mava kuitisana nharo dzokuti wataura zvakati panzvimbo pokufunga zvanga zvichirehwa.

Ramba uchiteerera. Usaisa zvimiti munzeve kana kubvapo kunyange kana zvaari kutaura zvisingakufadzi. Ko kana mudzimai wako achikushora? “Ramba uchiteerera,” anoyambira kudaro Gregory, uyo ane makore anopfuura 60 akaroora. “Nyatsoratidza kuti une hanya zvechokwadi nezviri kutaurwa nomumwe wako. Hazvisi nyore asi kuzviita kunobatsira.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 18:15.

Iva nehanya nomudzimai wako. Kudzokorora zvataurwa kuratidza kuti wazvinzwa, hunotova unyanzvi asi chinokosha zvinoratidza kuti une rudo. Kana uine hanya nezviri kutaurwa nomudzimai wako, hauzvimanikidzi kuteerera asi zvichangouya zvoga. Ukaita izvi unenge uchitevedzera zvinokurudzirwa neBhaibheri zvokuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.”—VaFiripi 2:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo nyaya ino yakanangana nevarume, mazano arimo anoshanda kunyange kumadzimai.

^ ndima 9 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.