Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kwemhuri Kunoiswa Pamuedzo

Kutenda Kwemhuri Kunoiswa Pamuedzo

Kutenda Kwemhuri Kunoiswa Pamuedzo

INDIA, musikana akanaka ane makore mapfumbamwe wokuWisconsin, U.S.A., anogara achirwara-rwara. Zvechokwadi, akatovhiyiwa katatu uye akarapwa kasingaverengeki. Amai vake vanonzi Lori vanoti: “Kwemakore matanhatu, upenyu hwaIndia hwaingova hwokungogara achienda kunorapwa zvokukurumidzira, kugara muchipatara, uye kushanyira chiremba.”

Zvakangotanga India ava nemwedzi 18. Akatanga kurwara nemanyoka asingaperi, fivha yakanyanya, kuzvimba dumbu, uye kuperezeka. Akatangawo kurwadziwa nomudumbu. Usiku hwoga hwoga kwemakore maviri, India aigara achimuka achichema, achigomera, uye dzimwe nguva airidza mhere nokurwadziwa.

Kunyange zvazvo vanachiremba vakaedza kuongorora kuti chaiva chii, India akaramba achirwadziwa zvikuru. Lori anoti: “Mwana wedu akanga ava kufa nenzara.” Baba vaIndia, Mark, vanotizve: “Kwerinopfuura gore, takangotarisa kasikana kedu kachiondoroka uye takanga tisingazivi kuti tomubatsira sei. Ndinoyeuka humwe usiku hwandakanzwa ndapererwa apo ini naLori taitaura nezvemariro aIndia, ayo taifunga panguva iyoyo kuti aizotoitika chete.”

Nokufamba kwenguva, zvakazooneka kuti India aiva neulcerative colitis—chirwere chemaronda muura ukuru. Aivawo nechirwere chinonzi sclerosing cholangitis, chinokanganisa munofamba nenyon’o kubva muchiropa. Zvirwere izvi zvairapika. Zvisinei, zvaida kuti avhiyiwe, uye maronda ake omuura ukuru, aida kurapwa nemishonga. Zvirwere zvacho zvinoda kuramba zvichiongororwa uye kutarisirwa munhu paanenge achipora.

Iye zvino kwapera makore manomwe kubvira pakatanga kurwara India. Nemhaka yokurapa kwokungwarira kwavanachiremba, ari kupora. SeZvapupu zvaJehovha, Mark naLori vanofunga kuti kutenda kwavo muShoko raMwari—zvikurukuru zvarinotaura nezvokurwara, rufu, uye tariro yenguva yemberi yorumuko—kwakavabatsira kutsungirira. Izvi zvakabatsirawo India kutsungirira. “India anogara achitaura nezvetariro yorumuko sezvinorondedzerwa muBhaibheri,” anodaro Lori. “Kwaari tariro iyi ndeyechokwadi.”

Pane imwe nguva apo India akanga ari mukamuri rokutambira pachipatara, akasangana nekamwe kasikana kaiva nomunun’una aiva neleukemia. Lori anotaura zvakazoitika achiti: “Musikana wacho akaudza India kuti aitya kuti munun’una wake aizofa. India akazomuudza kuti rufu chii maererano neBhaibheri uye kuti akanga asingatyi kufa. Mangwana acho amai vomusikana wacho vakauya kwandiri nemibvunzo. Zvakavashamisa kuti India aigona kutaura izvozvo akasununguka uye asingatyi zvinhu zvakadaro.”

Mark naLori vakawana kuti minyengetero yehama dzavo dzechiKristu yave ichivabatsira kwazvo. Mark anoti: “Kare, pandaiudza vanhu kuti ndaizovanyengeterera kana kuti pandainyengetera navo, ndaishuva nguva dzose kuti dai ndaikwanisa kuita zvakawanda. Iye zvino ndava kuziva kuti kunyengetera nevamwe uye kuvanyengeterera kunokosha zvakadini. Munyengetero ndiwo chinhu chimwe chete chinokosha kupfuura zvose chatingadai takaitirwa patainge takaomerwa. Hama dzine rudo zvikuru!”

Mark anofungawo kuti kurwara kwaIndia kwakavabatsira kuongorora zvavanoisa pakutanga. “Maonero atinoita zvinhu zvenyama achinja zvachose,” anodaro. “Zvinobva zvaita sezvisina basa zvikuru kana mwana wako achirwara! Zvinhu zvaikosha uye zvichiri kukosha muupenyu, ukama hwedu naJehovha Mwari uye hama dzedu dzine rudo.”

Mark naLori naIndia uye vamwe vana vomumhuri iyi vanotarisira mberi nguva yakafanotaurwa nomuprofita Isaya apo kunenge kusisina “ugeremo, unoti: ndinorwara.”—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4.

[Mufananidzo uri papeji 30]

India Erickson

[Mufananidzo uri papeji 31]

Chipatara Chevana cheSan Diego

[Mufananidzo uri papeji 31]

India nemhuri yake