Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro—Ine Basa Here?

Tariro—Ine Basa Here?

Tariro—Ine Basa Here?

AINGOVA nemakore gumi chete, asi Daniel akanga ava negore achitambura nekenza. Vanachiremba vake nedzimwe hama dzepedyo dzomukomana uyu vakanga vasisina tariro. Asi Daniel akaramba aine tariro. Aifunga kuti aizokura ova mutsvakurudzi uye obatsira kutsvaka mushonga wokurapa kenza rimwe zuva. Aitarisira zvikuru kuuya kwomumwe chiremba aiva nyanzvi mukurapa mhando yekenza yake. Zvisinei, zuva racho parakasvika, mamiriro okunze akaipa akatadzisa chiremba wacho kuenda kunomuona. Daniel akaora mwoyo. Kwenguva yokutanga, akanzwa asisina tariro. Pashure pemazuva mashomanana akafa.

Nyaya yaDaniel yakarondedzerwa nomumwe anotarisira utano uyo akanga adzidza nezvezvinoita tariro uye kushaya tariro pautano. Ungave wakanzwa nyaya dzakafanana. Somuenzaniso, mumwe munhu wechikuru ava pedyo nokufa angave achida chaizvo kuona chimwe chiitiko chinokosha chaave akamirira kwenguva refu—chingava chokushanyirwa nomunhu waanoda kana kuti mhemberero yechimwe chiitiko chinokosha chegore negore. Chiitiko chacho pachinosvika chopfuura, anobva afa. Chii chinenge chichibatsira muzviitiko zvakadaro? Chaizvoizvo tariro inogona kuva chinhu chine simba sezvinodavira vamwe here?

Vatsvakurudzi vezvokurapa vari kuramba vachiwedzera vanofungidzira kuti tariro, uye dzimwe pfungwa dzakanaka zvechokwadi zvine migumisiro ine simba paupenyu hwomunhu noutano hwake. Asi havasi vanhu vose vanobvumirana nepfungwa idzi. Vamwe vatsvakurudzi vanoramba maonero aya vachiti ingano dzisingatsigirwi nesayenzi. Vanongofunga kuti zvirwere zvinokonzerwa nezvinhu zvinooneka chete.

Zvechokwadi, hazvina kutanga nhasi kuti vamwe varatidze kusava nechokwadi nezvokuti tariro inokosha. Zviuru zvemakore zvapfuura, mumwe muzivi wechiGiriki anonzi Aristotle akakumbirwa kuti atsanangure chinonzi tariro ndokupindura achiti: “Kurota wakasvinura.” Uye nguva pfupi yapfuura, mumwe aimbova purezidhendi weAmerica Benjamin Franklin akataura nokusangwarira achiti: “Munhu anorarama netariro achafa achitsanya.”

Saka, chokwadi chaicho nezvetariro chii? Kungodavira zvinhu zvokufungidzira here kana kuti, inzira yokuti vanhu vatsvake kunyaradzwa nezvinhu zvokungorota? Kana kuti pane chikonzero chaicho here chokuona tariro seisiri kungorota—chimwe chinhu chatinoda tose kuti tive noutano uye tifare, chimwe chinhu chine hwaro chaihwo uye chinobatsira chaizvoizvo?