Swedera Pedyo naJehovha

Mwari ari kukukumbira kuti uswedere pedyo naye. Bhuku rino richakubatsira kuita izvozvo.

Sumo

Unogona kuva neushamwari naJehovha Mwari husingambozofi hwakaparadzwa.

CHITSAUKO 1

“Onai! Uyu Ndiye Mwari Wedu!”

Nei Mozisi akabvunza zita raMwari asi iye agara achiriziva?

CHITSAUKO 2

Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?

Jehovha Mwari, Musiki wedenga nenyika, anotikumbira kuti tive pedyo naye uye ane zvaanotivimbisa.

CHITSAUKO 3

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene, Iye Jehovha”

Nei Bhaibheri richiratidza kuti utsvene hunofambirana nerunako?

CHITSAUKO 4

“Jehovha . . . Ane Simba Guru”

Simba raMwari rinofanira kuita kuti timutye here? Mhinhuro ndeyekuti hongu uye kwete.

CHITSAUKO 5

Simba Rekusika—“Musiki Wedenga Nenyika”

Kubvira pazvinhu zvikuru zvakadai sezuva kusvika pakanhu kadikidiki kakadai setsodzo, zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinogona kutidzidzisa chidzidzo chinokosha nezvake.

CHITSAUKO 6

Simba Rekuparadza​—“Jehovha Murwi Ane Simba”

Sei “Mwari werugare” dzimwe nguva achirwa hondo?

CHITSAUKO 7

Simba Rekudzivirira​—“Mwari Ndiye Nzvimbo Yedu Yekupotera”

Mwari anodzivirira vashumiri vake munzira mbiri, uye imwe yacho inokosha zvikuru.

CHITSAUKO 8

Simba Rekudzorera Zvinhu Zvese​—Ari “Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva”

Jehovha akatodzorera kunamata kwakachena. Ko mune ramangwana chii chaachaita kuti chiitike?

CHITSAUKO 9

“Kristu Isimba raMwari”

Zvishamiso zvakaitwa naJesu, uye kudzidzisa kwaakaita, zvinoratidza sei simba raJehovha Mwari?

CHITSAUKO 10

“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Pamashandisiro Amunoita Simba

Tese tine simba ratiinaro. Tingarishandisa sei zvakanaka?

CHITSAUKO 11

“Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”

Nei kutonga kwaMwari zvakarurama kuchiita kuti timude?

CHITSAUKO 12

“Mwari Haatongi Zvakarurama Here?”

Kana Jehovha achivenga zvinhu zvisina kururama, nei zvakazara munyika?

CHITSAUKO 13

“Mutemo waJehovha Wakakwana”

Bumbiro remutemo rinogona kukurudzira sei vanhu kuti varatidze rudo?

CHITSAUKO 14

Jehovha Anoita Urongwa Hwekuti “Adzikinure Vanhu Vazhinji”

Nyaya yerudzikinuro inoita seisina kuoma kunzwisisa, asi mashandiro arwunoita anoshamisa zvikuru uye rwunotibatsira kuswedera pedyo naMwari.

CHITSAUKO 15

Jesu Achaita “Kuti Panyika Pave Nekururama”

Jesu akatsigira sei kutonga kwaJehovha zvakarurama munguva yakapfuura? Ari kuzviita sei iye zvino? Uye achazviita sei mune ramangwana?

CHITSAUKO 16

‘Ita Zvakarurama’ Pakufamba naMwari

Kutonga zvakarurama kunosanganisira maonero edu panyaya yemaonero atinoita zvakarurama nezvisina, uyewo mabatiro atinoita vamwe.

CHITSAUKO 17

‘Chokwadi Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama!’

Nei tichiti uchenjeri hwaMwari hwakatokwirira kupfuura ruzivo rwaainarwo uye kunzwisisa kwaanoita zvinhu?

CHITSAUKO 18

“Shoko raMwari” Rinoratidza Uchenjeri Hwake

Nei Mwari akashandisa vanhu kuti vanyore pfungwa dzake muBhaibheri, uye nei akasarudza kuita kuti dzimwe pfungwa dzinyorwe kana kuti dzirege kunyorwa?

CHITSAUKO 19

“Uchenjeri hwaMwari Muchakavanzika Chitsvene”

Chii chinonzi chakavanzika chitsvene uye Mwari akachizivisa sei zvishoma nezvishoma?

CHITSAUKO 20

“Ane Mwoyo Wakachenjera” Asi Anozvininipisa

Mutongi wezvinhu zvese angazvininipisa here?

CHITSAUKO 21

Jesu Anoratidza “Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari”

Madzidzisiro aJesu aishamisa zvekuti mumwe musi mauto akanga atumwa kunomusunga akadzoka achingova maoko!

CHITSAUKO 22

“Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?

Bhaibheri rinotaura nzira ina dzinogona kutibatsira kuti tive ‘neuchenjeri hunobva kumusoro.’

CHITSAUKO 23

“Akatanga Kutida”

Mashoko ekuti “Mwari rudo” anomborevei chaizvo?

CHITSAUKO 24

Hapana Chinogona “Kutiparadzanisa Nerudo rwaMwari”

Ramba nhema dzekuti uri munhu asingadike uye kuti Mwari haakukoshese.

CHITSAUKO 25

“Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”

Tsitsi dzaMwari dzakafanana papi nezvinoitwa naamai kumwana wavakabereka?

CHITSAUKO 26

Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”

Jehovha anokwanisa kuyeuka zvinhu zvese, saka zvinorevei kuti paanoregerera anobva akanganwa?

CHITSAUKO 27

“Akanaka Kwazvo!”

Zvinorevei kuti Mwari akanaka?

CHITSAUKO 28

“Ndimi Mega Makavimbika”

Kuvimbika kunopfuura sei kutendeka?

CHITSAUKO 29

Kuziva “Rudo rwaKristu”

Jesu akaratidza rudo nenzira nhatu dzinonyatsoratidza kuti anotevedzera Baba vake.

CHITSAUKO 30

“Rambai Muchifamba Murudo”

Bhuku rekutanga raVaKorinde rinotsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzatingaratidza nadzo rudo.

CHITSAUKO 31

“Swedera Pedyo naMwari, Uye Iye Achaswedera Pedyo Newe”

Ndeupi mumwe wemibvunzo inokosha kupfuura yese waunogona kuzvibvunza? Ungaupindura sei?