Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 112

Chikepe Chinovhunika Pachiwi

Chikepe Chinovhunika Pachiwi

TARIRA! igwa rava munhamo! Riri kuvhunika! Unoona vanhu vasvetukira mumvura here? Vamwe vava kutosvika kumahombekombe. Uyo ndiPauro here ari apo? Ngatiwanei chave chichiitika kwaari.

Yeuka, kwamakore mairi Pauro anobatwa somusungwa muKesaria. Ipapo iye navamwe vasungwa vanokwidzwa mugwa, uye vanotanga kuenda Roma. Apo vanopfuura pedyo nechiwi cheKrete, dutu rinotyisa rinovarovanya. Mhepo inovhuvhuta nesimba kwazvo zvokuti varume vanosagona kudzora igwa. Uye havangaoni zuva mumasikati kana nyeredzi usiku. Pakupedzisira, pashure pamazuva mazhinji, avo vari mugwa vanopererwa nezano rose rokuponeswa.

Zvino Pauro anomira ndokuti: ʼHakuna nomumwe wenyu ucharashikirwa noupenyu hwake; igwa bedzi richarashika. Nokuti usiku ngirozi yaMwari yakauya kwandiri ndokuti: “Usatya, Pauro! Unofanira kumira pamberi pomubati ushe weRoma Kesari. Uye Mwari uchaponesa vose avo vanofamba newe mugwa.’”

Panenge pakati pousiku pazuva rechi-14 dutu ravamba, vakwasvi vanoona kuti mvura iri kuva isina kudzama! Nemhaka yokutyira kubondera pamatombo murima, vanowisa zvimiso zvavo. Mangwanani acho vanoona chiteshi. Vanosarudza kukwasva igwa kusvikira kumhenderekedzo ikoko.

Eya, pavanoswedera pedyosa nemhenderekedzo, igwa rinorova mahombekombe ejecha ndokubatwa. Zvino mafungu anovamba kurirova, uye igwa rinovamba kuvhunika. Mukuru weuto anotarisira anoti: ʼImi mose munogona kushambira tangai kusvetukira mugungwa mugoshambira kusvika kumhenderekedzo. Vamwe vasara vateverei, uye batai zvimedu zvinobva paigwa mugobatisisa.ʼ Uye ndozvavanoita. Nenzira iyi vanhu vose 276 vaiva mugwa vanosvika kumhenderekedzo vakakotsekana, sezvakapikira ngirozi.

Chiwicho chinonzi Merita. Vanhu vanomutsa kwazvo, uye vanotarisira avo vanobva mugwa. Apo mugariro wokunze unoita zvakanaka, Pauro anokwidzwa murimwe igwa ndokuendeswa Roma.