Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 54

Murume Ane Simba Gurusa

Murume Ane Simba Gurusa

UNOZIVA zita romurume ane simba gurusa akamborarama here? Mutongi anonzi Samsoni. NdiJehovha anopa Samsoni simba rake. Samsoni asati atoberekwa, Jehovha anoudza mai vake kuti: ʼNokukurumidza uchava nomwanakomana. Achatungamirira mukuponesa Israeri pavaFiristia.ʼ

VaFiristia vanhu vakaipa vanogara muKanani. Vana varume vazhinji vokurwa, uye vanokuvadza chaizvo vaIsraeri. Rimwe zuva, Samsoni ari kuenda kunogara vaFiristia, shumba huru inouya ichidzvova kuzosangana naye. Asi Samsoni anouraya shumba namaoko ake bedzi. Anourayawo mazana avaFiristia vakaipa.

Gare gare Samsoni anodanana nomukadzi anonzi Dherira. Vatungamiriri vavaFiristia vanopikira kuti mumwe nomumwe wavo achapa Dherira zvimedu zvesirivha 1 100 kana akavazivisa chinosimbisa Samsoni zvikuru. Dherira anoda mariyo yose. Haazi shamwari yapamwoyo yaSamsoni, kana yavanhu vaMwari. Nokudaro anoramba achibvunza Samsoni chiri chinomusimbisa zvikuru.

Pakupedzisira, Dherira anoita kuti Samsoni amuudze chakavanzika chesimba rake. ʼBvudzi rangu harina kumbogerwa,ʼ anodaro.ʼKubvira pandakaberekwa, Mwari akandisarudza kuva mubatiri chaiye wake anonzi Munaziri. Kana bvudzi rangu rikagerwa, ndingarashikirwa nesimba rangu.ʼ

Eya, Dherira paanonzwa izvi, anoita kuti Samsoni avate pamadya ake. Ipapo anodana mumwe murume kuti apinde ndokugera bvudzi rake. Panomuka Samsoni, arashikirwa nesimba rake. Zvino vaFiristia vanopinda ndokumutapa. Vanotushura meso ake ose, ndokumuita muranda wavo.

Rimwe zuva vaFiristia vanova nomutambo mukuru wokunamata mwari wavo Dhagoni, uye vanobudisa Samsoni mutorongo kuzoita musere naye. Kurizvino, bvudzi raSamsoni rakurazve. Samsoni anoti kukakomana kanomutungamirira noruoko: ʼNditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira chivako.ʼ Ipapo Samsoni anonyengetera kuna Jehovha nokuda kwesimba, ndokubatisisa mbiru. Anodanidzira kuti: ʼNgandife hangu pamwe chete navaFiristia.ʼ VaFiristia 3 000 vari pamutambopo, uye apo Samsoni anozvikotamisira pambirudzo chivako chinokoromokera pasi chichiuraya ava vanhu vose vakaipa.

Vatongi ganhuro 13 kusvikira ku 16.