Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 85

Jesu Anoberekerwa Muchitevere

Jesu Anoberekerwa Muchitevere

UNOZIVA here kuti kamwana aka ndiani? Hungu, ndiJesu. Achangobva kuberekerwa muchitevere. Zvipfuyo zvinochengeterwa muchitevere. Maria ari kuradzika Jesu muchidyiro, chiri nzvimbo inochengeta zvokudya zvembongoro nezvimwe zvipfuyo kuti zvidye. Asi nei Maria naJosefa vari muno nezvipfuyo? Iyi handi nzvimbo yokuti mwana aberekerwe, ndiyo here?

Aiwa, handiyo. Asi vari pano nokuda kweichi chikonzero: Mubati ushe weRoma, Kesari Augusto, akaita mutemo wokuti ari wose anofanira kuhwirira kuguta rokwaakaberekerwa kundonyoresa zita rake mubhuku. Eya, Josefa akaberekerwa muno muBheterehema. Asi apo iye naMaria vakasvika, pakanga pasina nzvimbo yavo pose pose. Saka vaitofanira kuuya muno mune zvipfuyo. Uye pazuvari rimene Maria akabereka Jesu! Asi sezvaungaona, iye mupenyu.

Ungaona vafudzi vanouya kuzoona Jesu here? Vaiva muminda usiku vachifudza makwai avo, uye chiedza chakajeka chakapenya pavari. Yanga iri ngirozi! Vafudzi vakatya zvikuru. Asi ngirozi yakati: ʼMusatya! Ndinamashoko enyu akanaka. Nhasi, muBheterehema, Kristu iShe aberekwa. Achaponesa vanhu! Muchamuwana akaputirwa nemicheka avete muchidyiro.ʼ Kamwe kamwe ngirozi zhinji dzakasvika ndokuvamba kurumbidza Mwari. Zvino pakarepo ava vafudzi vakamanyira kundotsvaka Jesu, uye zvino vamuwana.

Unoziva here kuti nei Jesu achikosha zvikuru? Unoziva zvomenemene here kuti iye ndiani? Yeuka, munhau yokutanga yebhuku rino takataura nezvoMwanakomana wokutanga waMwari. Mwanakomana uyu akashanda naJehovha mukuita matenga napasi nechinhu chiri chosewo. Eya, uyu ndiye ari Jesu wacho!

Hungu, Jehovha akatora upenyu hwoMwanakomana wake kudenga ndokuhuisa mukati maMaria. Pakarepo mwana akavamba kukura mukati make sokukura kunoita vamwe vana mukati mamamai avo. Asi uyu mwana akanga ari waMwari. Pakupedzisira Jesu akaberekerwa muno muchitevere muBheterehema. Ungaona here zvino kuti nei ngirozi dzaifara zvikuru kukwanisa kuudza vanhu kuti Jesu aberekwa?