Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Madhemoni Vaurayi!

Madhemoni Vaurayi!

Satani namadhemoni nguva dzose vave vane utsinye uye vane ngozi. Munguva dzapakuvamba Satani akauraya zvipfuyo navabatiri vakatendeka vaJobho. Tevere iye akauraya vana gumi vaJobho kupfurikidza nokuparira “chamupupuri chikuru” kuparadza imba yavaiva mairi. Pashure paikoko Satani akarova Jobho na“mamota akashata kubvira pasi petsoka yake kusvikira pamusoro pomusoro wake.”​—Jobho 1:7-19; 2:7.

Muzuva raJesu, madhemoni akaita kuti vamwe vanhu vave mbeveve uye mapofu. (Mateo 9:32, 33; 12:22) Akatambudza mumwe munhu ndokumuita kuti azvicheke amene namabwe. (Marko 5:5) Akaparirawo mumwe mukomana kudanidzira, kumuwisira pasi, uye “kumubvundisa namasimba masimba.”​—Ruka 9:42.

Munguva yakapfuura, madhemoni akarwarisa vamwe vanhu uye akabvundisa vamwe

Nhasi, Satani namadhemoni vanoponda kupfuura nakare kose. Kutaura idi, mubato wavo wakaipa wakawedzera kubvira apo ivo vakakandirwa kunze kwedenga. Mishumo inobva munyika yose inopupurira utsinye hwavo. Vanotambudza vamwe vanhu nechirwere. Vanotambudza vamwe usiku, vachivanyima hope kana kuti kuvarotesa zviroto zvinotyisa. Vamwe vanovabata zvisina kufanira muvatano. Vamwezve vanovaita kuti vapenge, kuponda, kana kuti kuzviuraya.

Madhemoni nhasi anoparira vamwe vanhu kuva vane masimba masimba; anotambudza vamwe usiku, achivarotesa zviroto zvinotyisa

Lintina, uyo anogara muSuriname, anorondedzera kuti rimwe dhemoni, kana kuti mudzimu wakashata, rakauraya mitezo 16 yemhuri yavo uye rakamutambudza munyama nomundangariro kwamakore 18. Mune chinoitika chokuzvionera iye anotaura kuti madhemoni “anofarikanya kutambudza vanyajambwa vawo vasingadisi kusvikira kurufu.”

Asi Jehovha anokwanisa kudzivirira vabatiri vake padenho dzaSatani.​—Zvirevo 18:10.