Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 3-4

Jesu Anoparidzira Mukadzi muSamariya

Jesu Anoparidzira Mukadzi muSamariya

4:6-26, 39-41

Chii chakaita kuti Jesu akwanise kuparidza zvisina kurongwa?

  • 4:7​—Akatanga nekukumbira mvura panzvimbo pekutaura nezveUmambo kana kuti kuzviratidza kuti ndiye Mesiya

  • 4:9​—Haana kutarisira pasi mukadzi muSamariya nemhaka yerudzi rwake

  • 4:9, 12​—Mukadzi uyu paakataura zvinhu zvaigona kumutsa nharo, Jesu akashandisa unyanzvi kuti arambe ari panyaya yaanga achitaura.—cf 77 ¶3

  • 4:10​—Akataura zvinhu zvinoenderana nezvaiitwa nemudzimai uyu zuva nezuva

  • 4:16-19​—Kunyange zvazvo mukadzi uyu akanga achigara nemurume asiri wake, Jesu akamuremekedza

Nyaya iyi inoratidza sei kukosha kwekuparidza zvisina kurongwa?