Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?

Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?

Mhinduro dzakanaka dzinovaka vamwe muungano. (VaR 14:19) Dzinobatsirawo vacho vanenge vapindura. (Zvi 15:23, 28) Saka tinofanira kubva pamisangano tapindura kunyange kamwe chete hako. Dzimwe nguva tinogona kusimudza ruoko asi totadza kusimudzwa. Saka zvakanaka kuti tigare takagadzirira mhinduro dzakawanda.

Mhinduro yakanaka . . .

  • inofanira kunge iri pfupi uye iri nyore kunzwisisa. Kakawanda kacho, haiwanzopfuura masekonzi 30

  • ndeiya yaunotaura nemashoko ako usingaiti zvekuverenga

  • hakusi kungodzokorora zvataurwa nevamwe

Kana uriwe watanga kupindura, . . .

  • taura mhinduro pfupi iri kudiwa

Kana mubvunzo wapindurwa unogona . . .

  • kutaura kuti rugwaro rwuri mundima rwunoenderana sei nezviri kudzidzwa

  • kutaura kuti zviri kudzidzwa zvinoita kuti unzwe uchida kuita sei muupenyu hwako

  • kutsanangura kuti zvatadzidza tingazvishandisa sei kubatsira vamwe

  • kutaura zvakaitika kwauri kana kuti kune vamwe zvinotsigira pfungwa inokosha iri mundima yacho