Enda pane zvauri kuda

Heather Broccard-Bell/iStock via Getty Images

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Zvakaita Goko Rechinyamututa Chinonzi Diabolical Ironclad Beetle

Zvakaita Goko Rechinyamututa Chinonzi Diabolical Ironclad Beetle

 Chinyamututa ichi chinonzi diabolical ironclad beetle (Phloeodes diabolicus) chinowanika kumadokero kweNorth America. Vaongorori vanoti chinyamututa ichi chinogona kutsimbirirwa nechinhu chinorema zvakapetwa kanenge ka39 000 kuchipfuura chosara chiri chipenyu uye chinogona kurarama kana chikatsikwa nemota. Chinokwanisa sei kurarama pachinotsikwa nechinhu chinorema zvakadaro?

 Panobatana chikamu chepamusana nechepadumbu chegoko rechinyamututa ichi pane tumariji tunobatanidza goko racho. Rimwe remariji aya rakasimba chaizvo zvekuti haripwanyiki nyore nyore. Izvi zvinoita kuti chinyamututa ichi chisakuvara pachinotsimbirirwa. Imwe mhando yeriji racho inobvuma kudzvanywa kana kuti kubhenda. Mhando yechitatu yemariji acho inoita kuti goko racho ridzokere pane zvaranga riri risati radzvanywa nechimwe chinhu. Zvinoitwa nemhando yechitatu yemariji aya ndizvo zvinoita kuti kapuka aka kakwanise kupinda mumakwati emuti kana kuti kuhwanda pakati pematombo panenge pakamanikana.

 Uyewo nechepamusana panobatana goko rechinyamututa ichi pakaita zvekupfekana pfekana. Izvi zvinoita kuti chisapwanyike pachinotsimbirirwa nezvinhu zvinorema nekuti chinenge chava kushandisa muviri wacho wese. Chikamu chepamusana chepakapfekana pfekana chakagadzirwa nemapuroteni. Pachinodzvanywa, pakapfekana pfekana pacho panoita tumitswe utwo tunozopora zvoita kuti chinyamututa chacho chisatsemuka nepakati pachinotsimbirirwa.

Pamusana pechinyamututa pakapfekana pfekana

Zvinongedzo zvitsvuku zvakanongedza mariji ari mumativi egoko racho. Chinongedzo chechitatu chakanongedza pamusana panobatana goko rechinyamututa

 Vaongorori vanoti kutevedzera zvakaita goko rechinyamututa ichi kunogona kuita kuti pagadzirwe zvinhu zvinoderedza njodzi zvakadai semota, mabhiriji kana kuti zvivakwa, zvinokwanisa kuramba zvichishanda zvakanaka kana zvikatsimbirirwa nezvinhu zvinorema.

 Unofungei? Zvakaita goko rechinyamututa chinonzi diabolical ironclad beetle zvakangoitika zvega here?