Enda pane zvauri kuda

Vanhu Vakakurudzirwa paTour de France

Vanhu Vakakurudzirwa paTour de France

Kubva musi wa2 kusvika 24 July 2016, muFrance makaitirwa makwikwi emabhasikoro anozivikanwa chaizvo anonzi Tour de France. Aka kakanga kava kechi103 makwikwi aya achiitwa, uye akaitwa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo. Gore rainge rapfuura magandanga akanga auraya vanhu vanopfuura 100 muFrance. Vanhu pavaipemberera zororo renyika musi wa14 July 2016, magandanga akadhiraivha rori rakananga pakanga pakaungana vanhu vakanga vachiona mafireworks airatidzwa muguta reNice. Pakafa vanhu 86, uye vakawanda vakakuvara.

Panguva iyi, vanhu vainge vava kugara vakabatira hana mumaoko uku vachichema hama dzavo. Zvapupu zvaJehovha zvakabva zvafunga kunyaradza vagari vemuFrance uye kuvapa mashoko etariro. Zvapupu zvakaisa zvingoro zvemabhuku munzvimbo dzaiitirwa makwikwi eTour de France. Zvapupu zvinopfuura 1 400 zvakazvipira kuita basa iri, uye zvakapa vanhu zvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri zvinopfuura 2 000 zvinopindura mibvunzo mikuru yeupenyu.

‘Muri Pese Pese!’

Vatsigiri vaitevera kwaienda vaiva mumakwikwi aya pavaibva mune rimwe guta vachienda mune rimwe vakashamisika pavaiona kuti kwese kwavaienda vaingoona Zvapupu zvaJehovha. Vaiona nezveTour de France vakarumbidza Zvapupu kakawanda nekurongeka kwazvakaita vachiti: “Zvinoita sekuti muri kuwanika pese pari kupfuura nevanhu mumakwikwi aya!” Vakawanda vaitevera vanhu vaiva mumakwikwi aya wainzwa vachiti: “Zvapupu zvaJehovha zviriko futi kuno!” Mumwe mutyairi webhazi akanga ava nemazuva akati kuti ari pamakwikwi aya, akaramba zvine ruremekedzo kupiwa turakiti achiti akanga atopiwa mamwe 4 nechekare!

Vamwe vanhu vakashamiswa pavakaona kuti taiwanika kwese kwese, uye izvozvo zvakaita kuti vatore mabhuku kekutanga pazvingoro. Ndozvakaitawo mumwe aiona nezvenetwork inoita kuti vanhu vaone makwikwi aya pamaTV uyo akayeuka kuti ainge aona Zvapupu pamakwikwi eTour de France egore rainge rapfuura. Rwendo rwuno akaenda pachingoro, achibva atora bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nekuti rine nyaya yaanofarira. Paakanga averenga zvimwe zviri mubhuku racho ari mukombi yake, akataura nevaaishanda navo nezvezvingoro zvemabhuku uye ivo vakatorawo mabhuku aitaura nezvenyanya dzakasiyana-siyana.

Kuita Kuti Vanhu Vave Nechivimbo Uye Tariro

Vamwe vaiva panzvimbo iyi vakatsvaga Zvapupu zvaJehovha uye vakataura zvaivanetsa. Mumwe mukadzi akataura kuti ainzwa sekuti pakanga pasina chekuraramira uye kuti akanga achitofunga kuzvikanda pasi pechitima kuti chimutsike. Asi akanzwa kuzorodzwa paakaudzwa mashoko eBhaibheri ekuti nyika ichava nerunyararo kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, uye haana kuzozviuraya. Mumwe mukadzi akaudza Zvapupu kuti: “Rambai muchiita basa renyu rakanaka!”

Mumwe murume aifamba nemadondoro akataura kuti haadi kubatsirwa nevanhu vaasingazivi, asi akabvuma kubatsirwa nemumwe mukadzi akanga akapfeka zvine mutsigo pashure pekunge aona kuti mukadzi uyu aiva Chapupu chaJehovha. Murume uyu akati: “Maita basa nekunyemwerera kwamaita uye nekupfeka kwamakaita. Izvi zvaita kuti ndisambokufungirai zvakaipa.”