Enda pane zvauri kuda

Hama Denis Merkulov nemudzimai wavo, Nataliya

27 DECEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 27 MARCH 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI VABHADHARE FAINDI | ‘Jehovha Anotisimbisa Patinosangana Nemiedzo’

NYAYA IYI PAYAVA—VAKANZI VABHADHARE FAINDI | ‘Jehovha Anotisimbisa Patinosangana Nemiedzo’

Musi wa23 March 2023, Dare reApatity City Court of the Murmansk Region rakati Hama Denis Merkulov vane mhosva. Rakabva ravati vabhadhare faindi yemari inosvika 500 000 rubles, (US$6 485).

Nhoroondo Yeupenyu

Tinonyaradzwa nekuziva kuti pasinei nemiedzo yatinosangana nayo, ushamwari hwedu naJehovha uye kuvimba kwatinoita naye kuchaita kuti ‘atitsigise uye atisimbise.’—1 Petro 5:10.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 21 July 2021

    Mapurisa akasecha dzimba 14 dzeZvapupu zvaJehovha munharaunda yeApatity. Mapurisa eFSB akapinda nechisimba mumba maHama naHanzvadzi Merkulov achibva atanga kuvabvunzurudza. Vakazopedza kuvabvunzurudza nenguva dza4 mangwanani

  2. 22 July 2021

    Mapurisa akashevedza Hama Denis kuhofisi yemuongorori. Vakabva vambovharirwa

  3. 23 July 2021

    Vakabudiswa asi vakabva varambidzwa kubva pamba

  4. 17 September 2021

    Vakatanga kubvumidzwa kubva pamba asi vakarambidzwa kuita nzendo

  5. 15 July 2022

    Vakapomerwa mhosva yekuronga mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende, “kuimba nziyo” uye “kunyengetera kuna Jehovha Mwari”

  6. 20 September 2022

    Nyaya yakatanga kupinda mudare