Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Tatyana Oleynik

20 JUNE 2023 | NYAYA IYI PAYAVA: 23 AUGUST 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI INE MHOSVA | “Ndinogona Kuramba Ndakatendeka Uye Ndakavimbika Kuna Jehovha”

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI INE MHOSVA | “Ndinogona Kuramba Ndakatendeka Uye Ndakavimbika Kuna Jehovha”

Musi wa22 August 2023, dare reOktyabrskiy District Court of Novosibirsk rakati Hanzvadzi Tatyana Oleynik vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore mana. Mutongo wacho wakambosendekwa saka havasati vava kufanira kuenda kujeri parizvino.

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achikomborera Tatyana nevamwe vese ‘vanoda kuteerera’ muzvinhu zvese.—Jakobho 3:17.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 19 April 2019

    Imba yavo yakasechwa

  2. 18 November 2021

    Vakatanga kupomerwa mhosva

  3. 26 January 2023

    Nyaya yavo yakapinda mudare