Enda pane zvauri kuda

Hanzvadzi Irina Mikhaylenko

9 DECEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 25 APRIL 2023
RUSSIA

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI IBHADHARE FAINDI | “Kunyengetera Nemwoyo Wese Ndiko Kunondibatsira”

NYAYA IYI PAYAVA—HANZVADZI YEDU YAKANZI IBHADHARE FAINDI | “Kunyengetera Nemwoyo Wese Ndiko Kunondibatsira”

Musi wa25 April 2023, Dare reMetallurgicheskiy District Court of Chelyabinsk rakati Hanzvadzi Irina Mikhaylenko vane mhosva. Rakabva rati vabhadhare faindi ye120 000 rubles, (US$1 471).

Nhoroondo Yeupenyu

Tinokurudzirwa chaizvo nekushingaira kuri kuita Irina uye nekuvimba kwaari kuita naJehovha, uyo anoramba achichengetedza “upenyu hwevanhu vake vakavimbika.”—Pisarema 97:10.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 26 March 2019

    Dzimba 10 dzeZvapupu zvaJehovha, kusanganisira imba yaIrina, dzakasechwa munharaunda yeChelyabinsk

  2. 31 August 2021

    Hanzvadzi Irina vakatanga kupomerwa mhosva

  3. 22 October 2021

    Imba yavo yakasechwa zvakare. Vakanobvunzurudzwa uye vakabva varambidzwa kuita nzendo

  4. 27 October 2021

    Vakapomerwa mhosva yekuita mabasa esangano rinonzi rinopandukira hurumende

  5. 7 September 2022

    Nyaya yakatanga kupinda mudare