Nhau
NHAU DZAKABUDISWA
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2026
Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvimwe zvinhu zvagadziridzwa zvichatibatsira kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!
NHAU DZAKABUDISWA
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2026
Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvimwe zvinhu zvagadziridzwa zvichatibatsira kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 2 2026
Muvhidhiyo ino, tichaona kuti Magwaro anogona kubatsira sei mushumiri waJehovha kusarudza panyaya yekushandiswa kweropa rake paanenge achirapwa kana kuoparetwa.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 7 2025
Muvhidhiyo ino tichakuudzai zvinhu zvinokurudzira zvakaitika mugore rebasa ra2025 uye kukomborerwa kwatiri kuitwa naJehovha pabasa redu.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 6 2025
Vhidhiyo ino ichataura nezverugwaro rwegore rwa2026 uye rwiyo rutsva.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 5 2025
Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka panyaya yedzidzo yekuwedzera.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 4 2025
Muvhidhiyo ino, tichaona kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tisarudze zvakanaka panyaya yekuti toita here dzimwe tsika kana kuti toshandisa here zvimwe zviratidzo.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 3 2025
Muvhidhiyo ino, tichakurukura kuti tikaronga sei zvinhu zvedu kuti tizokwanisa kuwedzera zvatingaita mubasa raJehovha mumwedzi inotevera.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 2 2025
Muvhidhiyo ino, tichataura kuti sangano raJehovha riri kubatsira sei hama nehanzvadzi dzedu kuti dzigone kuverenga uye kuti chibayiro chaJesu chiri kutibatsira sei kuti tive nerugare. Tichataurawo nezverwiyo rutsva rwuchaimbwa pagungano ra2025.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2025
Muvhidhiyo ino, tichaona kuti tingashandisa sei chikamu chakanzi “Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu” chiri muMashoko Ekuwedzera A mubhurocha rinonzi Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi. Kudzidza nezvenyaya idzi kuchaita kuti tikwanise kuzonyatsokurukura nevanhu zvakanaka muushumiri.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 8 2024
Muvhidhiyo ino tichakurukura kuti tinofanira kuona sei hama nehanzvadzi dzinobuda mumavhidhiyo edu.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 7 2024
Muvhidhiyo ino tichanzwa zviri kuitika kuhama nehanzvadzi dzedu pasi rese uye tichakurudzirwa nekukurukura kwatichaita nehama mbiri dzava muDare Rinotungamirira, Jody Jedele naJacob Rumph.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 6 2024
Muvhidhiyo ino, tichaona kuti tingaita sei kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 5
Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvatingaita kuti tisimbise kutenda kwatinoita muUmambo hwaMwari kuti ndihwo chete hunokwanisa kugadzirisa matambudziko evanhu.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 4 2024
Mumashoko ano abva kuDare Rinotungamirira, tichanzwa kuti hama nehanzvadzi dzedu dzakasungirwa kutenda kwadzo dziri kuita sei kuti ‘dzirambe dzichikunda zvakaipa nezvakanaka.’—VaRoma 12:21.
Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 3 2024
Muvhidhiyo ino, tichakurukura mazano matatu emuBhaibheri anotibatsira pamapfekero edu uye pakushambidzika kwedu.

