Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA: NEI PAINE KUTAMBURA KWAKANYANYA? KUCHAPERA RINI?

Vanhu Vakawanda Vasina Mhosva Vari Kuparara!

Vanhu Vakawanda Vasina Mhosva Vari Kuparara!

Noelle aiva musikana wechiduku ane ushamwari uye aifarira zvokudhirowa. Rimwe zuva aifamba-famba zvake kuseri kwemba ari manheru munguva yechirimo, ndokungoerekana awira muswimming pool. Akanyura pangosara masvondo maviri chete kuti asvitse makore mana okuberekwa.

Charlotte, Daniel, Olivia naJosephine, vaiva pakati pevana 20 vaiva nemakore ari pakati pe6 ne7 vakafa pavanhu 26 vakapfurwa musi wa14 December 2012 pachikoro chiri muConnecticut kuU.S.A. Pamariro acho, mutungamiriri wenyika iyi vaObama vakashevedzera mazita evana vose vakanga vafa, ndokuudza vanhu vaishungurudzika vaivapo kuti: “Zvinhu izvi zvinoshungurudza zvinofanira kupera.”

Bano uyo aiva nemakore 18 akatamira kuNorway nemhuri yavo vachibva kuIraq muna 1996. Shamwari dzake dzaimudana nezita remadunhurirwa rokuti Chiedza Chezuva. Asi zvinosuruvarisa kuti musi wa22 July 2011, Bano aivawo pavanhu 77 vakaurayiwa neimwe mhondi iyo yaitodada ichiti: “Ndinoda kukumbira ruregerero . . . kuti handina kukwanisa kuuraya vakawanda.”

Nyaya dzinoshungurudza dzakadai dziri kugara dzichiziviswa munyika yose. Funga nezvekurwadziwa kuri kukonzerwa netsaona, kuparwa kwemhosva, hondo, ugandanga, njodzi dzinongoitika dzega nezvimwewo zvinoshungurudza. Vanhu vakawanda vasina mhosva vari kufa uye vamwe vari kutambura pasina chikonzero!

Vamwe vanhu vanopomera Mwari vachiti Musiki wedu haana hanya nevanhu. Vamwe vanoti Mwari anoona kutambura kwatiri kuita asi anongosarudza kurega zvakadaro. Vamwewo vanoti matambudziko ose aya akagara arongwa. Zvinoita sokuti pane zvakawanda zvinofungwa panyaya iyi. Tingawana kupi mhinduro dzechokwadi uye dzinogutsa? Munyaya dzinotevera tichaona muShoko raMwari Bhaibheri kuti chii chinokonzera kutambura uye kuti kuchapera sei.